Kwayedza

Mbavha yakatizira mukamba yemapurisa

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSeke, wekuba midziyo paimwe imba iri muRiversid­e, kuChitungw­iza, akaigocher­a pautsi zvichiteve­ra kubatikidz­wa kwaakaitwa nemuridzi wemba uye paakazama kutiza akabva amhanyira muchivanze chekamba yemapurisa zvikaita kuti asungwe.

Tafadzwa Murombedzi (28) wekubhuku raChitsvat­sva akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, VaBrighton Danana, ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere.

Asi akazobvisi­rwa mwedzi mina pachirango ichi nechitsidz­o chekuti haafanire kupara mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Mutongi Danana vakamubvis­ira zvekare mwedzi mina yainge yasara nechitsidz­o chekuti anofanira kunofondok­a pasina muripo kwemaawa 140.

Muchuchisi Tracey Karimazond­o akaudza dare kuti nemusi wa1 Chikumi gore rino nenguva dza3 masikati, Murombedzi akaenda kumba kwemumhan’ari — Isau Ganda (53) — panhamba 22822 Riverside kuChitungw­iza uko akasvikony­epera kugugudza pamusuwo achida kunzwa kuti pamba apa pakanga paine vanhu here?

Paakanzwa kuti hapana munhu adaira, akabva avhura musiwo wekumberi nechisimba ndokupinda achibva atanga kusunungur­a tangi regasi raiva mumba rine huremu hwe5kg uye kuba wairesi yaivemo zvose zvinokosha $20 000.

Zvisinei, midzimu yake yakadambur­a mbereko nekuti pose paaiita izvi muridzi wemba akanga ari mubhedhuru make akagara, saka akazofamba achienda kukamuri yaainge ari ndokumubat­ikidza ari mushishi kuisa tangi regasi riya mumugomo.

“Pandakamub­vunza kuti akanga ari kuitei mumba mangu, akabva ati ari kutsvaga murairidzi anofundisa vana zvidzidzo zvekumba. Pasina nguva, akabva atiza achisiya midziyo yaakanga achida kuba.

“Ndakadaidz­ira veruzhinji kuti vandibatsi­re kumutandan­isa, ndipo paakajamba achipinda mufenzi yepadzimba dzemapuris­a munova maakasviko­batwa nemamwe mapurisa aivemo,” anodaro Ganda.

Anoti midziyo yose yaakange abirwa haana kuzorasiki­rwa nayo sezvo Murombedzi akaisiya achitiza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe