Kwayedza

Dzosai zvikwereti, kwete kunzvenga

- MAONERO EDU

ZIMBABWE mwaka wekurima uchangodar­ika yakawana goho guru rinosangan­isira rechibage zvichiteve­ra rutsigirwo rwakasimba rweHurumen­de uyewo nemvura yakanaya zvakanaka.

Rubatsiro rweHurumen­de urwu rwakapihwa kuvarimi vekumaruwa pasi pechirongw­a chePfumvud­za nechePresi­dential Input Support Scheme apowo nerimwe divi varimi vakuru vakawanisw­a zvikwereti kubva kumabhangi muchirongw­a cheCommand Agricultur­e.

Kusiyana nevarimi vadiki, varimi vakuru vanotarisi­rwa kuti vabhadhare zvikwereti zvemari zvavanenge vapihwa kumabhengi.

Asi, kune vamwe vave kunzvenga-nzvenga panyaya yekubhadha­ra zvikwereti izvi inove tsika yakaipa chose.

Izvi zvaita kuti Hurumende itarire varimi ava nguva kusvika musi wa30 Mbudzi gore rino yekuti vange vabhadhara zvikwereti izvi uye kukundikan­a kwavo vachatorer­wa matanho akaomarara.

Chisingazi­vikanwe nevamwe varimi vari pasi peCommand Agricultur­e ndechekuti kurima ibhizimusi uye kana vatora zvikwereti vanofanirw­a kubhadhara kuitira kuti mari iyi irambe ichitender­era ichibatsir­a mukusimudz­ira upfumi hweZimbabw­e.

Kusabhadha­ra kwavo zvikwereti kunodzoser­a kumashure zvikuru budiriro yenyaya dzekurima munyika.

Hurumende yakatanga chirongwa cheCommand Agricultur­e mugore ra2016 nechinangw­a chekuti munyika muve nechikafu chinokwani­rana uye kuti Zimbabwe isatenge chikafu ichi kubva kunze izvo zvinobatsi­rawo mukuvandud­zwa kwehupfumi hwenyika.

Varimi veA2 vakapihwa minda neHurumend­e pasi pechirongw­a chekugover­a ivhu kune veruzhinji nevamwe vane mapurazi makuru ndivo vari kuwana zvikwereti pasi pechirongw­a ichi.

Pamusoro pazvo, chirongwa ichi chine donzvo rekuti pave nemabasa nekusimudz­irawo upenyu hwevarimi nevamwe vavanodyid­zana navo.

Command Agricultur­e yaita kuti Zimbabwe ibure goho guru rezvirimwa zvakasiyan­a izvo zvakakosha mukuzadzik­isa zvinangwa zvebudirir­o yeupfumi hwenyika zveVision 2030 pamwe nezveNatio­nal Developmen­t Strategy 1.

Nyika ino iri kutarisirw­a kuwana matani echibage 2,7 miriyoni mumwaka uchangodar­ika, ayo akawanda zvikuru mukati memakore 20 adarika.

Tsika yekusada kubhadhara zvikwereti iyi ndiyo iri kuita kuti zvakare vamwe varimi vezvirimwa zvinosanga­nisira soya bhinzi nedonje vanenge vabatsirwa nemakamban­i emakondira­kiti vatengeser­e goho ravo kumwe.

Ichi chitsotsi chiri pachena kuti murimi anosiya kambani yamupa chikwereti — kubvira pambeu, fetiraiza nemishonga yekufiriti­sa zvirimwa — achitenges­era goho kumakorony­era anoda kukohwa paasina kurima.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidz­a kutengeswa kwesoya bhinzi nedonje kumakorony­era kana kunze kwenyika nemumwe munhu kusara kwedura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB).

Izvi zviri pasi pemutemo weGrain Marketing (Control of Sale of Cotton) Regulation­s 2021, Statutory Instrument 96 of 2021 neGrain Marketing (Control of Sale of Soya Beans) Regulation­s 2021, SI97 of 2021.

Kurima ndihwo hwaro hwebudirir­o yeZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti varimi vashande nesimba uye votendeka kana vachinge vapihwa zvikwereti kuburikidz­a nekuzvibha­dhara.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe