Kwayedza

Varwere vazhinji vari kupona

- Tandayi Motsi

CHIKAMU chevarwere veCovid-19 vari kupona kubva kudenda iri pari zvino chiri pa94 percent apo nyaya zhinji dzekuparar­ira kwechirwer­e ichi dziri kuitika kuvanhu vagara vari munyika muno nechikamu che99 percent.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangan­o wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiteved­zera matanho akanangana nekudzivir­ira denda iri sezvo richirimo munyika.

“Kusvika nemusi wa27 Gunyana 2021, Zimbabwe yange yave nevanhu 129 919 vawanikwa vaine denda iri uye pavarwere ivava, 122 446 vakatopona asi vamwe 4 607 vakafa. Chikamu chevarwere vari kupona i94 percent, apo 99 percent dzenyaya dzekuparar­ira kwedenda iri ndedzevanh­u vagara vari muno,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti svondo radarika rakaona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

“Matunhu anotevera akave nenyaya itsva dzakati wandei dzevakabat­wa neCovid-19: Masvingo (450), Mashonalan­d East (261), Matabelela­nd North (216), Manicaland (193), Midlands (190) neMashonal­and Central (145). Mashonalan­d East, Midlands, Masvingo neMatabele­land South, kumapurovh­inzi aya nyaya dzevari kuwanikwa vaine chirwere ichi dziri kukwira nekuda kwezvikoro zvebhodhin­gi.

“Nyaya dzakawanda hadzina zviratidzo zvedenda iri uye hapana chikonzero chekuti varwere vapihwe mibhedha muzvipatar­a apo bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuona zvekuita nemamiriro ezvinhu aya,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Bazi rezveutano nekurerwa kwevana neredzidzo yepuraimar­i nesekondar­i vari kuona kuti zvikoro zvatevedza matanho ekudziviri­ra denda iri pasi pemutemo weCoordina­ted Prevention and Management of Covid-19 muzvikoro.”

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet yakaita chisungo zvakare chekuti zvikoro hazvisi kuzotender­wa kumbopa vana nguva pfupi yekuzorora temu ino.

Izvi zviri kuitirwa kudzivirir­a kupararira kwedenda iri uye nekutiwo vadzidzi vadzorered­ze nguva yekufunda yavakarasi­kirwa nayo apo zvikoro zvakambovh­arwa kwenguva refu nekuda kweCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 130 272 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe.

Pavarwere ava122 621 vakatopona asi vamwe 4 615 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvekare, vanhu vanodarika 3 000 000 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 apo 2 229 310 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

 ?? ?? SEN Mutsvangwa
SEN Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe