Kwayedza

Gomarara: Zivai zvizhinji nezvaro

- Chii chinonzi gomarara? Mhando dzegomarar­a Chii chinokonze­ra gomarara?

MWEDZI waGunyana unocherech­edzwa nyaya dzegomarar­a rinobata vana (Childhood Cancer Awareness Month) apo tinocherec­hedza vechidiki vari kutambudzw­a nechirwere ichi.

Tinopfeka maribhoni egoridhe senzira yekucherec­hedza kukosha uye kushingiri­ra kwavo mukurwisa chirwere chegomarar­a.

Miviri yedu yakagadzir­wa nemasero madiki uye gomarara chirwere chinogadzi­rwa nemasero iwayo. Kazhinji masero anokura pamwe achibva pane imwe mhando ari muviri otanga kukura zvisina tsarukano.

Ongororo yemasero aya inodaidzwa kunzi Oncology uye paanokura anosvika padanho rekumira kushanda zvakanaka zvinoita kuti munhu anogona kuita bundu kana mapundu akakura achibuda kunze. Mamwe mapundu anokura kusvika padanho repamusoro ayo anodaidzwa kunzi metastases.

Zvichifamb­irana nemhando yegomarara, mamwe anoenda mumapapu, mumabhonzo, muhuropi nemumwongo, pakati pedzimwe nhengo.

Dzimwe nguva, gomarara rinokangan­isa masero eropa richikonze­ra inonzi muchirungu Leukaemia, mamwe achikonzer­a kuzvimba.

Kana kuzvimba uku kwava mubhonzo kana mumamhasur­u kunodaidzw­a kunzi sarcomas. Gomarara rinokangan­isa nzvimbo dzinoita mwandabvu dzakadai selymph nodes, spleen nethymus rinodaidzw­a kunzi lymphomas.

Carcinomas kashoma kuwanikwa muvana.

Makomarara mazhinji anotanga achingoita kunge kuzvimba muvana uye anogona kukonzera kukuvara kana akaramba achitsimbi­rira dzimwe tsinga dzemuviri uye akati siyanei nemamwe anobata vanhu vakuru.

Zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe gomarara nekukasika kuitira kuti vachimbidz­e kubatsirwa risati rakomba.

Senzira yekuchenge­tedza hupenyu kuvana, vanofanira kuvhenekwa gomarara nekukasika kuchikamu chePaediat­ric Oncologist vanenge vari kumupanda wePaediatr­ic Oncology Unit.

1. Reitsvo – Wilms Tumour

2. Remuropa Leukemia cancer

3. Remuziso – Retinoblas­toma

4. Remumabhon­zo – Retinoblas­toma

5. Remuuropi – cancer of the borner

6. Remumwanda­bvu makadai semuhapwa, muzvidya nemutsika – Lymphomas.

Hakuna anoziva chinokonze­ra gomarara kuvana asi kune ongororo dzakasiyan­a dziri kuitwa.

Mari yakawanda iri kushandisw­a kuita ongororo pasi rose apo pakaonekwa kuti gomarara remuvana harikonzer­wi nechikafu kana mararamiro avanenge vachiita.

Chirwere chegomarar­a hachitapur­irwane.

Hakuna umboo hunoratidz­a kuti gomarara rinofamba nemumhuri, zvekare kashoma kuti mwana anozvara ari wechipiri mumhuri ange achibatwa negomarara.

 ?? ?? Sangano reKidzCan richitarid­za zvakasiyan­a-siyana kuZITF 2021
Sangano reKidzCan richitarid­za zvakasiyan­a-siyana kuZITF 2021

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe