Gomarara: Zivai zvizhinji nezvaro
MWEDZI waGunyana unocherechedzwa nyaya dzegomarara rinobata vana (Childhood Cancer Awareness Month) apo tinocherechedza vechidiki vari kutambudzwa nechirwere ichi.
Tinopfeka maribhoni egoridhe senzira yekucherechedza kukosha uye kushingirira kwavo mukurwisa chirwere chegomarara.
Miviri yedu yakagadzirwa nemasero madiki uye gomarara chirwere chinogadzirwa nemasero iwayo. Kazhinji masero anokura pamwe achibva pane imwe mhando ari muviri otanga kukura zvisina tsarukano.
Ongororo yemasero aya inodaidzwa kunzi Oncology uye paanokura anosvika padanho rekumira kushanda zvakanaka zvinoita kuti munhu anogona kuita bundu kana mapundu akakura achibuda kunze. Mamwe mapundu anokura kusvika padanho repamusoro ayo anodaidzwa kunzi metastases.
Zvichifambirana nemhando yegomarara, mamwe anoenda mumapapu, mumabhonzo, muhuropi nemumwongo, pakati pedzimwe nhengo.
Dzimwe nguva, gomarara rinokanganisa masero eropa richikonzera inonzi muchirungu Leukaemia, mamwe achikonzera kuzvimba.
Kana kuzvimba uku kwava mubhonzo kana mumamhasuru kunodaidzwa kunzi sarcomas. Gomarara rinokanganisa nzvimbo dzinoita mwandabvu dzakadai selymph nodes, spleen nethymus rinodaidzwa kunzi lymphomas.
Carcinomas kashoma kuwanikwa muvana.
Makomarara mazhinji anotanga achingoita kunge kuzvimba muvana uye anogona kukonzera kukuvara kana akaramba achitsimbirira dzimwe tsinga dzemuviri uye akati siyanei nemamwe anobata vanhu vakuru.
Zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe gomarara nekukasika kuitira kuti vachimbidze kubatsirwa risati rakomba.
Senzira yekuchengetedza hupenyu kuvana, vanofanira kuvhenekwa gomarara nekukasika kuchikamu chePaediatric Oncologist vanenge vari kumupanda wePaediatric Oncology Unit.
1. Reitsvo – Wilms Tumour
2. Remuropa Leukemia cancer
3. Remuziso – Retinoblastoma
4. Remumabhonzo – Retinoblastoma
5. Remuuropi – cancer of the borner
6. Remumwandabvu makadai semuhapwa, muzvidya nemutsika – Lymphomas.
Hakuna anoziva chinokonzera gomarara kuvana asi kune ongororo dzakasiyana dziri kuitwa.
Mari yakawanda iri kushandiswa kuita ongororo pasi rose apo pakaonekwa kuti gomarara remuvana harikonzerwi nechikafu kana mararamiro avanenge vachiita.
Chirwere chegomarara hachitapurirwane.
Hakuna umboo hunoratidza kuti gomarara rinofamba nemumhuri, zvekare kashoma kuti mwana anozvara ari wechipiri mumhuri ange achibatwa negomarara.