N’anga inotengesa zvidhoma yakasungwa
‘Ndini ndakamutengesera zvikwambo’ ‘Ndinoda mombe sere kuti zvidzoswe’
N’ANGA yekuNyanga yakaigochera pautsi mushure mekubuda pachena kuti yakatengesera mumwe muzvinabhizimisi weko zvikwambo kana kuti zvidhoma pamwechete nezvimwe zvinhu zvehurombwa zvekuti apfume izvo zvave kuuraya nekutambudza vemhuri yake.
Zvikwambo izvi zvaunza kusagadzikana mumhuri yekwaKamutate nekukonzeresa rufu neminyama.
N’anga iyi, Edgegot Matiashe, mushure mekunge yabvunzurudzwa zvakanyanya nevazukuru vamuzvinabhizimisi Joseph Nyamusa Kamutate kuti ichenese mhuri iyi, yakavabhadharisa mombe sere idzo yakatora nechisimba kuti iite basa rayo.
Matiashe akatotengesa dzimwe mombe dzacho.
Zvisinei, Kamutate akamhan’arira n’anga iyi kuti yakamubira zvipfuyo.
Matiashe akatosungwa uye ari kutarisirwa kupinda mudare nemhosva yekuba zvipfuyo.
Mapurisa anotsinhira nyaya iyi iyo yavanoti yakaitika mubhuku maSarutani, kwaMambo Hata.
Mapurisa anoti vazukuru vaKamutate vanoti Lionel Wonder Nyamusa (46), Memory Nyamusa (34), Lovemore Nyamusa (36) naBlessing Nyamusa (43) vakasungwawo nemhosva yekumurova.
Vana ava vanonzi vakarova Kamutate vachimupomera mhosva yekushandisa mishonga yakaipa yakaita kuti dzimwe hama dzake dzirasike njere uye nekukonzera minyama mumhuri.
Mumwe wevagari vemubhuku iri anoziva nezvenyaya iyi (zita tinaro) anoti nyaya iyi iri kunetsa zvekuti Kamutate angadai akakuvadzwa zvakanyanya nekurohwa nevazukuru vake.
“Vazukuru vacho havasi kufara. Kufa kuri kuita vanhu mumhuri yacho nekuda kwemashiripiti zvavasiya vaine hasha dzakanyanya,” anodaro munyeveri uyu.
Vamwe vemubhuku iri vanoti vane fungidziro huru yekuti masimba aMatiashe anoshanda zvinova zvaiita kuti avatorere mombe kuti avashandire.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector
Luxson Chananda, vanotsinhira nyaya yekunetsana kwaKamutate nevazukuru vake.
Vanoti musi wakaitika bongozozo iri, vemhuri yekwaNyamusa vakaenda kumba kwaKamutate vakamuti abude mumba make.
“Vaipomera Kamutate kukonzeresa minyama nendufu mumhuri. Vaiti Kamutate aka- tora zvikwambo kuna Matiashe muna1996 zvinova zviri kukonzeresakufamumhuri.
“Akaramba mhosva yekuti ane zvikwambo iyi. Izvi zvakatsamwisa vekwaNyamusa ava zvikazoita kuti vamurove zvakanyanya. Vakaenda naye kune mumwe anoshandira zvechivanhu kwaMapako uko Kamutate akanzi ndiye ari kukonzeresa kusagadzikana nekufa mumhuri,” vanodaro.
Insp Chananda vanoenderera mberi vachiti, “Vasungwa vana ava vakanga vakatsamwa vakazoenda kuna Matiashe uyo akabvuma kuti akapa Kamutate zvikwambo muna1996.
“Akati anoda mombe sere kuti aite basa rake, zvaisanganisira kutora zvikwambo zvake nekuchenesa musha wose,” vanodaro Inspector Chananda.
Zvinonzi vana ava pavakadzokera kumba vakarova Kamutate zvakare.
“Vakamumanikidza kuendesa mombe sere kuna Matiashe. Mushure mekumanikidzwa, Kamutate akaendesa mombe dzake.
“Vazukuru vake vakaendesa mombe idzi kuna Matiashe uyo akavimbisa kuchenesa musha wavo uye kuti mhuri iyi igare murunyararo pasina zvinovanetsa,” vanodaro Insp Chananda.
Kamutate akamhan’ara nyaya iyi paNyanga Police Station zvikaita kuti vazukuru vake vasungwe.
Insp Chananda vanoti mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi, zvinoratidza kuti Matiashe akanga atotengesa mombe nhanhatu pane sere dzaakapihwa.