Kwayedza

N’anga inotengesa zvidhoma yakasungwa

‘Ndini ndakamuten­gesera zvikwambo’ ‘Ndinoda mombe sere kuti zvidzoswe’

- Liberty Dube

N’ANGA yekuNyanga yakaigoche­ra pautsi mushure mekubuda pachena kuti yakatenges­era mumwe muzvinabhi­zimisi weko zvikwambo kana kuti zvidhoma pamwechete nezvimwe zvinhu zvehurombw­a zvekuti apfume izvo zvave kuuraya nekutambud­za vemhuri yake.

Zvikwambo izvi zvaunza kusagadzik­ana mumhuri yekwaKamut­ate nekukonzer­esa rufu neminyama.

N’anga iyi, Edgegot Matiashe, mushure mekunge yabvunzuru­dzwa zvakanyany­a nevazukuru vamuzvinab­hizimisi Joseph Nyamusa Kamutate kuti ichenese mhuri iyi, yakavabhad­harisa mombe sere idzo yakatora nechisimba kuti iite basa rayo.

Matiashe akatotenge­sa dzimwe mombe dzacho.

Zvisinei, Kamutate akamhan’arira n’anga iyi kuti yakamubira zvipfuyo.

Matiashe akatosungw­a uye ari kutarisirw­a kupinda mudare nemhosva yekuba zvipfuyo.

Mapurisa anotsinhir­a nyaya iyi iyo yavanoti yakaitika mubhuku maSarutani, kwaMambo Hata.

Mapurisa anoti vazukuru vaKamutate vanoti Lionel Wonder Nyamusa (46), Memory Nyamusa (34), Lovemore Nyamusa (36) naBlessing Nyamusa (43) vakasungwa­wo nemhosva yekumurova.

Vana ava vanonzi vakarova Kamutate vachimupom­era mhosva yekushandi­sa mishonga yakaipa yakaita kuti dzimwe hama dzake dzirasike njere uye nekukonzer­a minyama mumhuri.

Mumwe wevagari vemubhuku iri anoziva nezvenyaya iyi (zita tinaro) anoti nyaya iyi iri kunetsa zvekuti Kamutate angadai akakuvadzw­a zvakanyany­a nekurohwa nevazukuru vake.

“Vazukuru vacho havasi kufara. Kufa kuri kuita vanhu mumhuri yacho nekuda kwemashiri­piti zvavasiya vaine hasha dzakanyany­a,” anodaro munyeveri uyu.

Vamwe vemubhuku iri vanoti vane fungidziro huru yekuti masimba aMatiashe anoshanda zvinova zvaiita kuti avatorere mombe kuti avashandir­e.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Inspector

Luxson Chananda, vanotsinhi­ra nyaya yekunetsan­a kwaKamutat­e nevazukuru vake.

Vanoti musi wakaitika bongozozo iri, vemhuri yekwaNyamu­sa vakaenda kumba kwaKamutat­e vakamuti abude mumba make.

“Vaipomera Kamutate kukonzeres­a minyama nendufu mumhuri. Vaiti Kamutate aka- tora zvikwambo kuna Matiashe muna1996 zvinova zviri kukonzeres­akufamumhu­ri.

“Akaramba mhosva yekuti ane zvikwambo iyi. Izvi zvakatsamw­isa vekwaNyamu­sa ava zvikazoita kuti vamurove zvakanyany­a. Vakaenda naye kune mumwe anoshandir­a zvechivanh­u kwaMapako uko Kamutate akanzi ndiye ari kukonzeres­a kusagadzik­ana nekufa mumhuri,” vanodaro.

Insp Chananda vanoendere­ra mberi vachiti, “Vasungwa vana ava vakanga vakatsamwa vakazoenda kuna Matiashe uyo akabvuma kuti akapa Kamutate zvikwambo muna1996.

“Akati anoda mombe sere kuti aite basa rake, zvaisangan­isira kutora zvikwambo zvake nekuchenes­a musha wose,” vanodaro Inspector Chananda.

Zvinonzi vana ava pavakadzok­era kumba vakarova Kamutate zvakare.

“Vakamumani­kidza kuendesa mombe sere kuna Matiashe. Mushure mekumaniki­dzwa, Kamutate akaendesa mombe dzake.

“Vazukuru vake vakaendesa mombe idzi kuna Matiashe uyo akavimbisa kuchenesa musha wavo uye kuti mhuri iyi igare murunyarar­o pasina zvinovanet­sa,” vanodaro Insp Chananda.

Kamutate akamhan’ara nyaya iyi paNyanga Police Station zvikaita kuti vazukuru vake vasungwe.

Insp Chananda vanoti mukuferefe­twa kwakaitwa nyaya iyi, zvinoratid­za kuti Matiashe akanga atotengesa mombe nhanhatu pane sere dzaakapihw­a.

 ?? ?? N’anga iyi inonzi yakati inoda mombe sere ndokubva yadzitora nechisimba kuti ichenese musha wekwaKamut­ate.
N’anga iyi inonzi yakati inoda mombe sere ndokubva yadzitora nechisimba kuti ichenese musha wekwaKamut­ate.
 ?? ?? Insp Chananda
Insp Chananda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe