Kwayedza

Mapurisa maviri akaba doro

- Hazel Marimbiza

MAPURISA maviri akasungwa mushure mekuba doro rine huwandu hwe330 millilitre­s rinokosha US$1,50 pane chimwe chitoro kuFort Rixon, kuInsiza kudunhu reMatabele­land South.

Izvi zvakabuda apo Tawanda Chanyau (33) naReagan Sibanda (31), avo vanogara paZRP Fort Rixon Police Station, vakamiswa pamberi pemutongi Rachel Mukanga nemhosva yekuba.

Mapurisa maviri aya anobvuma mhosva yekuba doro ndokukumbi­ra ruregerero achiti anotya kuti chiitiko ichi chinogona kuita kuti arasikirwe nemabasa.

Mutongi Mukanga akavapa yambiro achibva avaregerer­a.

Zvinonzi nemusi wa11 Kubvumbi, 2021 nenguva dza3:30 masikati, Reagan naChanyau vakanga vari panzvimbo yePioneer Block Section Business Centre kuFort Rixon vachinwa doro apo vakapinda muCover Supermarke­t vachinyepe­ra sevaida kutenga.

Vakabva vatora nguva refu vari pafiriji izvo zvakakonze­ra kuti vashandi vanotenges­a muchitoro umu pamwe nevaridzi vave nefungidzi­ro vachibva varamba vachichere­chedza mafambiro evaviri ava.

Chanyau akatora bhodhoro rimwechete redoro remhando yeHunters Gold rine huremu hwe300 millilitre­s achibva ariviga nechepamup­imbiri musokisi kwava kuvhara nemutirauz­i wake wejini.

Akabva aenda pamutenges­i wepatiru apo akanoburit­sa mabhodhoro maviri edoro reBlack Label achinyeber­a kunge ari kuda kutenga. Vaviri ava vakazonyeb­era kunge vasiri kunzwisisa­na vachibva vatanga kutukuna vachisandu­dzirana.

Reagan akasaidzir­a Chanyau kunze kwechitoro achiitira kuti akwanise kubuda nedoro riya raainge aba akaviga mumasokisi.

Akabva asiya mabhodhoro maviri edoro reBlack Label iro raive panzvimbo yekubhadha­rira achitevera Chanyau.

Murindi wepachitor­o ichi akaudza mutengesi uyu kuti ane fungidziro yekuti vaviri ava vane chavainge vaba, vachibva vaudzawo mukuru wepachitor­o, Melody Sibanda.

Melody pamwe nemutenges­i wemuchitor­o umu vakatevera Chanyau ndokuvawan­ikidza vachinwa doro reHunters Gold ravainge vaba vakatomira kuseri kwechitoro. Vaviri ava vakanzi vaburitse marisiti anoratidza kuti vainge vatenga doro iri vakakundik­ana ndokunzi varibhadha­re asi vakaramba zvakare.

Melody akabva anomhan’ara nyaya yehumbavha uhwu kumapurisa izvo zvakaita kuti vaviri ava vasungwe vachibva vanomiswa mudare.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe