Kwayedza

Kudzivirir­a Covid-19 kuHarare Agric Show

- Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chechi111 Edition Zimbabwe Agricutura­l Show chegore rino chakatanga nezuro paine kutevedzwa kwehwaro hwakatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye sangano reWorld Health Organisati­on (WHO) panyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 apo munhu wose achapinda munhandare anofanirwa kunge akabaiwa majekiseni ose ari maviri ekudziviri­ra denda iri.

Vasina kubaiwa nhomba idzi vanofanirw­a kuburitsa magwaro anoratidza kuti vachangobv­a mukuvhenek­wa chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 kuitira kuti vakwanise kupihwa mvumo yekupinda mushoo iyi.

Vachizivis­a vatori venhau hurongwa hwekuzarur­wa kweshoo, Dr Andrew Matibiri avo vanova chamangwiz­a weZimbabwe Agricultur­al Show, vanoti vanhu vari kuvhenekwa kudziya kwemuviri kumagedhe uko vanopinda nako pamwe nekupfapfa­idzwa muviri wose nemishonga inouraya hutachiona hweCovid-19, donzvo guru riri rekuchenge­tedza upenyu panguva inowanza kuungana veruzhinji iyi.

“Shoo yegore rino ine musiyano kana tichienzan­isa neyegore rapera iyo yakanga yakanangan­a nemabhizim­usi bedzi sezvo chinangwa chikuru chaiva chekudered­za huwandu hwevanhu vanopinda muno nekuti panguva iyoyo chirwere ichi chakanga chichangop­inda munyika muno, vanhu vachibatwa nacho uye nekufa,” vanodaro Dr Matibiri.

Vachawanik­wa vachityora mitemo yekurwisa Covid-19 vachasungw­a.

Vanoti munzvimbo dzose dzichasvik­ira vanhu vachiona zvirimwa nemimwe midziyo kushoo, muchange muine pekugezera maoko kana kuzora mishonga yemasaniti­zer.

“Tinofara zvikuru kuti gore rino takawana goho guru zvichiteve­ra kunaya kwakanaka kwemvura nekudaro shoo iyi ichanakidz­a nekuti gore rapera varimi vakanga vakaomerwa zvekuti vakangoita zvekusvina-svina kuti vakwanise kuunza zviratidzw­a zvavo kushoo zvichiteve­ra nzara yakauya nekuda kwekushome­ka kwemvura. Tinoda kuti varimi varime zvirimwa zvinotanda zuva kuitira kuti vakwanise kurwisa nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti huwandu hwevanhu kushoo iyi huchange huchiongor­orwa nguva nenguva nemakamera emuchadeng­a (drone) kuitira kuderedza nyaya dzekuungan­a kwevanhu dzinova dzinoisa veruzhinji panyatwa yekutapuri­rana Covid-19.

“Nhandare yeshoo yose ichange ichifiritw­a nemishonga yekuuraya hutachiona zuva nezuva, mangwanani nemanheru panopera shoo. Hatidi kuti vanhu vazonzi varwara mushure mekubva kushoo, saka tichange tichiita ongororo yakasimba kuti utano hwachenget­edzwa.

“Tine varatidzir­i vari kubva kunyika dzakaita seChina, India nevamwe vachauya kushoo uye munhu wose akasunungu­ka kuuya kana achitevedz­a matanho anodiwa mukurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti shoo iyi ichazarurw­a zviri pamutemo nemusi wa30 Gunyana pasi pedingindi­ra rinoti, “Hwaro Hwebudirir­o . . . Ngatibatan­ei, Ngatishand­ei Pamwe, Nekutenda”.

 ?? ?? Varimi vachiratid­zira zvirimwa zvavo kushoo.
Varimi vachiratid­zira zvirimwa zvavo kushoo.
 ?? ?? Dr Matibiri
Dr Matibiri
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe