Kwayedza

‘Baiwai tisvike 10 miriyoni’

- Abel Ndooka

SANGANO reMusic Management Forum of Zimbabwe ravamba chirongwa chekukurud­zira ruzhinji rweZimbabw­e kuti vabaiwe nhomba dzekudzivi­rira chirwere cheCovid-19 nedonzvo rekurwisa kupararira kwacho uyewo nekuti vaimbi vazotender­wa kuita mashoo.

Munyori wesangano iri, Russell Mavudzi uyo anove zvakare mukushi wemashoko, anoti vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni aya.

Mavudzi anoti shuviro yavo kuona vanhu vanosvika 10 miriyoni vachibaiwa nhomba idzi munyika muno sechinangw­a cheHurumen­de kuti Zimbabwe ive yakadzivir­irwa kubva kuCovid-19.

“Isu semapuromo­ta nemamaneja emhanzi, shuviro yedu kuona vanhu vanosvika 10 miriyoni vachibaiwa nhomba dzeCovid-19 kuitira kuti magitare achitanga kutenderwa kukwenywa nekuti ndiwo anoraramis­a vaimbi.

“Takagadzir­ira hedu kutanga kuridza magitare asi chinhu chikuru iye zvino kuti munhu wose abaiwe nhomba, tinge takachenge­tedzeka kuitira kuti zvigotifam­bira zvakanaka kana tazopihwa mvumo yekuti magitare achitange,” anodaro Mavudzi.

Anoti sevanhu vari mune zvemimhanz­i, vakarangan­a kuti vaimbi vatore danho guru rekushamba­dza nezvedenda iri vachikurid­zira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa nehuwandu hwavo senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Takatorawo danho rekuti vaimbi vatinoshan­da navo vaimbe nziyo dzekushamb­adza nezvedenda iri uye nekukurudz­ira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba.

“Isu takatobaiw­a uye takaona zvakanaka nekukosha nekuti takadzivir­irwa. “Vanhu ngavasiye tsika yekushamba­dza mashoko enhema, ngatibaiwe­i nehuwandu hwedu chirwere ichi chipere,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhir­wa nemumwe puromota ane mukurumbir­a – Yasin Dhala – achiti pari zvino vaimbi vakawanda vari kurarama kuburikidz­a negwaku-mukwaku zvichiteve­ra kumiswa kwakamboit­wa mashoo.

“Vaimbi vakarasiki­rwa zvikuru nekumiswa kwakaitwa magitare, vazhinji vakatotang­a kuita mamwe mabasa nekuti vairaramis­wa nemagitare.

“Vanzwa nekumirira, saka ndivo vave pamberi pakukuridz­ira vatsigiri vavo kuti vanobaiwa nhomba dzeCovid-19 nekuti tinoziva kuti munyika mukakwanis­a kubaiwa vanhu 10 miriyoni zvinobatsi­ra kuti isu vari mune zvemhanzi tigopihwa mukana wekutanga kuridza zvakare,” anodaro Dhala

 ?? ?? Russell Mavudzi
Russell Mavudzi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe