Covid-19 neutano hwevanhukadzi
CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kudzosera kumashure kusimudzirwa kweutano hwevanhukadzi sezvo vamwe vari kunetseka kuwaniswa zvavanoda panyaya dzeutano hwesikarudzi sekurera mhuri, kurapwa zvirwere zvepabonde, pamwe nekusununguka, zvikuru madzimai ekumaruwa ayo vari kure nezvipatara.
Mai Edinah Masiyiwa vanova executive director wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen’s Action Group (WAG), vanoti madzimai ekumaruwa anoda rutsigiro rwakakwana, kunyanya panyaya dzekuwaniswa mashoko echokwadi kuti vazive matanho akakodzera kutora maringe nekodzero yeutano hwavo hwesikarudzi.
“Kune nyaya dzakawanda dzekubviswa kwepamuviri nerweseri, vazhinji vachipedzisira varasikirwa neupenyu zvose zvichikonzerwa nekushaya ruzivo. Vatori venhau vane basa guru rekuzivisa veruzhinji maringe nemitemo uye kodzero dzavo.
“Munguva ino yelockdown, vakawanda vari kukundikana kunotora mishonga yavo kuzvipatara nekumakiriniki nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kunetsa kwezvekufambisa,” vanodaro.
Dr Shelton Kwiri vanova Buhera District Medical Officer vanoti zvisinei nekuti havasati vaziva huwandu hwemadzimai akanganiswa kuwana rubatsiro rwekurapwa kubvira patanga chirwere cheCovid-19, nharaunda yavo yakava nekuwanda kwenyaya dzemadzimai nevanasikana vari kusunungukira mudzimba.
“Munguva ino yechikamu chetatu cheCovid-19 (third wave), tiri kuramba tichivandudza mashandiro edu kuitira kuti varwere vose vabatsirikane. Tine varwere vakawanda vari pamishonga yemaARV nezvimwe zvirwere zvinoda mishonga nguva nenguva, saka tinoramba takavhura zvipatara zvedu kuti vabatsirikane.
“Zvisinei, tiri kuramba tichitambira nyaya dzemadzimai nevasikana vari kubarira mudzimba saka tiri kuita ongororo yekuti tione kuti chii chaizvo chiri kukonzera izvi,” vanodaro.
Dr Kwiri vanoti mamwe emadzimai avakabvunza anoti dambudziko rezvifambiso ndiro riri kuita kuti vasunungukire mudzimba apo mamwe mabhazi asiri kufamba nekuda kwekuipa kwemigwagwa.
VaNever Mujikwa vanova sachigaro wesangano rePadare Epworth Chapter vanoti vanoshoropodza nyaya dzekumbunyikidzwa kwemadzimai nevanasikana.
“Padare isangano rinorwira kodzero dzevarume pamwe nemadzimai. Tiri kurwadziwa kwazvo nenhau yekushaya kwemwanasikana Memory Machaya (14) kuBocha, kwaMarange uyo ainge akaroodzwa kumurume mukuru.
“Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dziri kuitwa mumaguta nekumaruwa vanhu vachihwanda netsika dzechivanhu kana machechi avo zvinova zvinopokana nemitemo yenyika pakuchengetedza munhu wose,” vanodaro.
Ongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA mugore ra2019 inoratidza kuti Zimbabwe ine huwandu hwevana pamwe nemadzimai anofa panguva yekubara apo ndufu dziri pa462 pavana 100 000 vanobarwa vari vapenyu.
Munguva pfupi yadarika, madzimai 110 vakaonekwa vaine chirwere cheCovid-19 pamuzinda wepachipatara uyo vakanga vari kurindirira kubara mudunhu reMatabeleland North.