Kwayedza

Covid-19 neutano hwevanhuka­dzi

- Muchaneta Chimuka

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chiri kudzosera kumashure kusimudzir­wa kweutano hwevanhuka­dzi sezvo vamwe vari kunetseka kuwaniswa zvavanoda panyaya dzeutano hwesikarud­zi sekurera mhuri, kurapwa zvirwere zvepabonde, pamwe nekusunung­uka, zvikuru madzimai ekumaruwa ayo vari kure nezvipatar­a.

Mai Edinah Masiyiwa vanova executive director wesangano rinorwira kodzero dzemadzima­i reWomen’s Action Group (WAG), vanoti madzimai ekumaruwa anoda rutsigiro rwakakwana, kunyanya panyaya dzekuwanis­wa mashoko echokwadi kuti vazive matanho akakodzera kutora maringe nekodzero yeutano hwavo hwesikarud­zi.

“Kune nyaya dzakawanda dzekubvisw­a kwepamuvir­i nerweseri, vazhinji vachipedzi­sira varasikirw­a neupenyu zvose zvichikonz­erwa nekushaya ruzivo. Vatori venhau vane basa guru rekuzivisa veruzhinji maringe nemitemo uye kodzero dzavo.

“Munguva ino yelockdown, vakawanda vari kukundikan­a kunotora mishonga yavo kuzvipatar­a nekumakiri­niki nekuda kwezvikonz­ero zvinosanga­nisira kunetsa kwezvekufa­mbisa,” vanodaro.

Dr Shelton Kwiri vanova Buhera District Medical Officer vanoti zvisinei nekuti havasati vaziva huwandu hwemadzima­i akanganisw­a kuwana rubatsiro rwekurapwa kubvira patanga chirwere cheCovid-19, nharaunda yavo yakava nekuwanda kwenyaya dzemadzima­i nevanasika­na vari kusununguk­ira mudzimba.

“Munguva ino yechikamu chetatu cheCovid-19 (third wave), tiri kuramba tichivandu­dza mashandiro edu kuitira kuti varwere vose vabatsirik­ane. Tine varwere vakawanda vari pamishonga yemaARV nezvimwe zvirwere zvinoda mishonga nguva nenguva, saka tinoramba takavhura zvipatara zvedu kuti vabatsirik­ane.

“Zvisinei, tiri kuramba tichitambi­ra nyaya dzemadzima­i nevasikana vari kubarira mudzimba saka tiri kuita ongororo yekuti tione kuti chii chaizvo chiri kukonzera izvi,” vanodaro.

Dr Kwiri vanoti mamwe emadzimai avakabvunz­a anoti dambudziko rezvifambi­so ndiro riri kuita kuti vasununguk­ire mudzimba apo mamwe mabhazi asiri kufamba nekuda kwekuipa kwemigwagw­a.

VaNever Mujikwa vanova sachigaro wesangano rePadare Epworth Chapter vanoti vanoshorop­odza nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwemadzima­i nevanasika­na.

“Padare isangano rinorwira kodzero dzevarume pamwe nemadzimai. Tiri kurwadziwa kwazvo nenhau yekushaya kwemwanasi­kana Memory Machaya (14) kuBocha, kwaMarange uyo ainge akaroodzwa kumurume mukuru.

“Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dziri kuitwa mumaguta nekumaruwa vanhu vachihwand­a netsika dzechivanh­u kana machechi avo zvinova zvinopokan­a nemitemo yenyika pakuchenge­tedza munhu wose,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA mugore ra2019 inoratidza kuti Zimbabwe ine huwandu hwevana pamwe nemadzimai anofa panguva yekubara apo ndufu dziri pa462 pavana 100 000 vanobarwa vari vapenyu.

Munguva pfupi yadarika, madzimai 110 vakaonekwa vaine chirwere cheCovid-19 pamuzinda wepachipat­ara uyo vakanga vari kurindirir­a kubara mudunhu reMatabele­land North.

 ?? ?? Never Mujikwa (kurudyi) nedzimwe nhengo dzePadare
Never Mujikwa (kurudyi) nedzimwe nhengo dzePadare
 ?? ?? Mai Edinah Masiyiwa
Mai Edinah Masiyiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe