Kwayedza

Kids Paradise School yotarisira mibairo

- Muchaneta Chimuka

VANA vanodzidza pachikoro cheKids Paradise School chiri kuSally Mugabe Heights, kuBorrowda­le muguta reHarare — avo vakatora mukombe kuZimbabwe Agricultur­al Show gore rapera apo vakaita nhetembo yekurima nenzira yePfumvudz­a — gore rino vanoti vari kumhanya nedingindi­ra rekurwisa chirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye vari kutarisira kukumba zvekare mimwe mibairo.

Vachitaura neKwayedza kushoo yegore rino, Mai Media Kapfudza, avo vanova mukuru wechikoro ichi, vanoti nhetembo dziri kuitwa nevana vavo dziri pamusoro pekushushi­kana kwemurwere anenge abatwa neCovid-19.

“Chirwere ichi chakauya nenzira ine musiyano tikatarisa maramiro edu sevanhu vatema apo taiziva kuti kana munhu achinge arwara anofanira kushanyirw­a nevanhu vachimupep­a nekumupa rudo.

“Asi Covid-19 haidi izvozvo, murwere anotogara pake oga kuitira kuti asatapurir­e vamwe. Zvinoreva kuti kushaya vanhu vanomukomb­eredza murwere anoshushik­ana zvikuru.

“Saka nhetembo dzedu dzinotaura nezvenhuna dzose dzakaunzwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Mai Kapfudza vanoti kushoo yegore rino vari kuratidzir­a zvekare nzira dzechirung­u nedzechiva­nhu dzinoshand­iswa mukudzivir­ira chirwere cheCovid-19.

“Tiri kudzidzisa vanhu kuti vatambire chirongwa chemajekis­eni ekudziviri­ra Covid-19 kuti denda iri rikwanise kuderera. Tine mifananidz­o yatakaisa pasitendi pedu tichiratid­za kuti munhu anofanira kugara akapfeka masiki yakavhara mhuno nemuromo uye kushandisa ‘chigubhu-giya’ kuti chero vanhu vari kumamisha vasina mabhaketi vanokwanis­a kushandisa zvigubhu zvakachekw­a kuisa mvura yekuzvisha­mbidza maoko.

“Kune vari mumaguta vanogona kushandisa mishonga yemasaniti­zer kuzvishamb­idza maoko avo kana kugeza nesipo nemvura inomhanya,” vanodaro.

Mai Kapfudza vanoti kuburikidz­a nemadetemb­o ari kuitwa nevadzidzi vavo, vanhu vazhinji vachawana mashoko echenjedzo maringe nechirwere ichi nenzira inovaraidz­a pamwe nekutandad­za.

“Pachikoro pedu tine midziyo yose yatinoshan­disa mukurwisa chirwere ichi kureva kuti kana vana vakafundis­wa vanokwanis­a kunodzidzi­sa vabereki vavo kudzimba.

“Tiri kuona kuti chirwere cheCovid-19 pari zvino chiri kuwanda muzvikoro saka tine basa guru rekufundis­a vana nzira kwadzo dzekuzvich­engetedza pose pavanenge vari.

“Vamwe vana vanobvisa mamasiki kana vabva pachikoro saka dzidziso inodiwa,” vanodaro Mai Kapfudza.

Vanotiwo vari kufundisa vana maringe neruzivo rutsva rwekurima rwakadai semichina yekudyara nemichina yekukohwes­a zvinobatsi­ra kuti vazive kuti kuuya kweruzivo urwu kunoreruts­a nyaya dzekurima pachinzvim­bo chekurima nezvibhake­ra sezvaiitwa makare.

“Tinofara kuti vana vedu vakure vachifarir­a kurima kuburikidz­a nekuvadzid­zisa kuti mazuva ano hakucharwa­dzi nekuti tava kushandisa michina.

“Kare vanhu vaiita mudumbu kana nguva yekurima yakwana nekuti zvaida simba remunhu kubata badza.Tiri kuvafundis­a zvekare nyaya dzekurima zvirimwa zvinotirir­a muzuva semapfunde, zviyo, mhunga, nyimo, nzungu nezvimwe zvinopa zvekare utano,” vanodaro Mai Kapfudza.

 ?? ?? VADZIDZI vepaKids Paradise
VADZIDZI vepaKids Paradise
 ?? ?? VAMWE vevana vepaKids Paradise School vari kushoo
VAMWE vevana vepaKids Paradise School vari kushoo
 ?? ??
 ?? ?? MAI Media Kapfudza
MAI Media Kapfudza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe