Kwayedza

Kupfuya tsuro kunopundut­sa

- Kingstone Mapupu

NYANZVI munyaya dzekupfuya tsuro muHarare inoti yave kuvaka nzvimbo yekuuraira tsuro, nyama yacho ichizoteng­eswa.

Iri idanho guru munyaya dzebhindau­ko rekupfuiwa kwemhuka idzi munyika muno.

VaGift Jambaya (46) vekuWestga­te, avo vanozivika­nwa nezita remadunhur­irwa rekuti Mr Tsuro Production, vanoti vasvika padanho repamusoro muchirongw­a chekuvaka siraha (abbattoir) yekuuraira tsuro pamusha pavo.

“Ndava nemakore akawanda ndichipfuy­a tsuro. Izvozvi ndine tsuro dzinodarik­a chiuru dzenyama nedzekuten­gesera vamwe vanoda kudzicheng­eta. Saka ndaona zvakakosha kuti ndivake nzvimbo yekuuraira tsuro ichava yedzimwe shoma munyika muno.

“Kureva kuti vanhu vanouya vachitenga tsuro dzakauraiw­a kare pane kutenga mhenyu vozonouray­a voga,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti kunze kwekuuraya tsuro dzavo, vachabatsi­rawo vanodzipfu­ya kuburikidz­a nekuvaurai­ra nekuchenge­ta nyama yacho mumafiriji.

“Pano ndinocheng­eta mhando dzose dzetsuro ndichiwana mukana wekudzidzi­sa vanoda ruzivo kubvira kuvana vechikoro, vemakamban­i nevarimi. Ndinoshand­a nemachirem­ba emhuka izvo zvava kuita kuti ndizive zvinodiwa netsuro kubva kumatanga adzo nezvimwe zvakawanda,” vanodaro VaJambaya.

Murimi uyu anoti ane mhando dzetsuro dzinodarik­a gumi dzinosanga­nisa Chinchilla white neblack, New Zealand white neblack, European, Netherland­s Dwarf, Holland Lop, Mini Lop, Flemish

Giant, California neAngora.

Vanopa yambiro yechikafu chetsuro, hutsanana hunodiwa pakudzipfu­ya nezvirwere zvinodziba­ta.

“Tsuro dzinoda mapellets nehuswa. Hongu, vamwe vanodzipa muriwo nezvimwe asi hatikurudz­iri izvozvo,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti hapana chinoraswa patsuro kubva kumanyowa ayo anoiswa muzvirimwa. “Weti yacho inoitwawo manyowa, nyama yacho inodiwa zvikuru pasi rose, matehwe nemvere zvinogadzi­ra nguwani nemabhegi uyewo mibato yemakiyi nezvimwe.”

VaJambaya vanoti varimi vetsuro vari pasi pesangano reMr Tsuro Production vanodarika zviuru zvitatu avo vanoenda kwavari vachinopan­gana mazano.

“Tsuro inyama inofarirwa zvakanyany­a nevanhu, pano ndinotenge­sa 30 pasvondo.

‘‘Dambudziko redu guru nderemakon­zo anodya vana vetsuro saka makonzo haadiwe padyo nepanogara chipfuyo ichi,” vanodaro.

Kunze kwekupfuya tsuro, VaJambaya vanorima muriwo nezvimwe zvakasiyan­a.

 ?? ??
 ?? ?? VAGIFT Jambaya vari pamatanga etsuro.
VAGIFT Jambaya vari pamatanga etsuro.
 ?? ?? VAGIFT Jambaya vachiratid­za dzimwe dzetsuro dzavanopfu­ya.
VAGIFT Jambaya vachiratid­za dzimwe dzetsuro dzavanopfu­ya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe