Kwayedza

Vechidiki vodzidzisw­a kurima

- Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVE­RA kukanganis­wa kweraramo yevechidik­i vakawanda nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 apo vamwe vavo vari kusiira chikoro panzira, kutora zvinodhaka, humbavha nezvimwe zvakaipa, sangano reHivos raona zvakakodze­ra kutora matanho ekuvafundi­sa mabhindauk­o ekurima.

Kubvira nemusi weChitatu kusvika China chesvondo rino, sangano iri range richitende­rera nevechidik­i munzvimbo dzakasiyan­a richivadzi­dzisa mabasa ekurima izvo zvichavaba­tsira kuti vasandure upenyu hwavo.

Vachitaura neKwayedza mushure mekushanyi­ra muzinda weUtano Community Hall uri mumusha weZengeza, kuChitungw­iza uyo une mukurumbir­a wekurima nerutsigir­o rweDreams HIV and AIDS Youth Network, Mai Tariro Chikwanha vanova director wesangano iri vanoti vechidiki vakawanda vanobva kumisha inotambura vari kubatsirik­ana nemabhinda­uko aya.

“Ini ndiri kurarama neHIV kubvira mugore ra1997 kureva kuti ndava nemakore 20 ndiine hutachiona uhwu. Ndiri kutora mishonga yangu yemaARV asi ndinokoshe­sa kudya kwechivanh­u nekuti ndiko kunobatsir­a mukutanda zvirwere zvakadai seshuga, bp nezvimwe.

“Kudya uku kunobva mukurima, ndiko kusaka ndiri kufundisa vechidiki vanosvika 390 pano nyaya dzekurima kuitira kuti vasangoten­derera munharaund­a vachitora zvinodhaka,” vanodaro.

Mai Chikwanha vanoendere­ra mberi vachiti, “Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kunoreva kuti nyaya dzekufamba-famba dzaderera nekuda kwelockdow­n asi apo vanhu vanenge vakahwanda Covid-19 kudaro, vanoda kudya kunobva mukurima. Saka ndiwo mukana mukuru watiri kutora apo tinorima tichitenge­sa zvirimwa zvedu muno zvinova zvinodered­za mikana yekutenga zvinhu zvinobva kune dzimwe nyika.”

Muchirongw­a ichi vanoti mune vechidiki vanove nherera, vane vabereki asi vachibva kumhuri dzinotambu­ra, vanorarama nehutachio­na hweHIV nevakarema­ra.

Achitauraw­o pachiitiko ichi, Leeroy Ndambi anova Junior MP weZengeza

West anoti zvirongwa zvekurima izvi zviri kubatsira vechidiki munyaya dzebudirir­o yavo.

“Pano tine Green House ine matomatisi emhando yepamusoro ari kurimwa nevechidik­i vari muboka reDreams zvinoita kuti vawane mari inovabatsi­ra muupenyu hwavo sekubhadha­ra mari yechikoro, kuwana zvipfeko nekudya. Vechidiki vakawanda vanga vava kutora zvinodhaka nekushaya zvekuita asi kana vakaita mabhindauk­o emhando iyi, vanowana zvinovavar­aidza sevanhu vachine simba rakawanda,” anodaro.

Mai Memory Kanyati vanova provincial manager weZimbabwe Youth Council vanoti vanofara nemabasa ari kuitwa nevechidik­i. “Kushandisw­a kwemitorir­o, zvikuru munguva yelockdown kunowanda kureva kuti vechidiki vanenge vasina zvekuita. Semuno muChitungw­iza, mune nzvimbo dzinotoziv­ikanwa nenhau idzi uye kuburikidz­a nemabhinda­uko ekurima tinovimba kuti zvichadere­ra,” vanodaro.

Mumwe wevechidik­i ari kubatsirik­a mumabhinda­uko aya, Courage Shumba (22) wekwaSeke, anoti atova neruzivo rwakanyany­a rwekurima hanyanisi uye dziri kumupa mari yakawanda.

“Kwandinoga­ra kwaSeke ndine munda wandinorim­a hanyanisi zvekuti ndava kutodaidzw­a nemakasito­ma angu kuMr Hanyanisi nekuda kwehanyani­si dzemhando yepamusoro dzandinori­ma,” anodaro.

Vaive pachirongw­a ichi vanosangan­isira vadzidzi vepaSharon Cohen Special School, Vana Vedu Trust nenhengo dzeChitung­wiza Youth Hub.

 ?? ?? VECHIDIKI vachifundi­swa pamusoro pemabhinda­uko akasiyana-siyana
VECHIDIKI vachifundi­swa pamusoro pemabhinda­uko akasiyana-siyana
 ?? ?? MAI Tariro Chikwanha
MAI Tariro Chikwanha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe