Kwayedza

Osimudzira tsiva yevechidik­i

- Abel Ndooka

SHASHA yetsiva ine mukurumbir­a — Tinashe “Chairman” Mwadziwana — akavamba sangano rekusimudz­ira mutambo uyu reLion Boxing Club iro ari kushanda achikwenen­zvera tarenda revatambi vemangwana.

Mwadziwana anoti abva kure zvikuru nemutambo wetsiva saka ruzivo rwaakawana anoda kurwushand­isa kusimudzir­a vechidiki kuti vasvike padanho raakasvika­wo iye.

Anoti sangano rake reLion Boxing Club richaronga mutambo wekutanga munaMbudzi wevatambi vachangota­nga tsiva vanokwikwi­dza muboka reamateur.

“Ndafamba netsiva uye mutambo uyu wandirakid­za zvakawanda, ndinoda kuti zvandadzid­za ndigobatsi­rawo kusimudzir­a vatambi vemangwana vasvike kwandakasv­ikawo. Zvinhu zvakakosha kudzorera kwawakabva uye kusimudzir­awo vatambi vechidiki nekuti hatizive kuti vanosvikep­i. Muvatambi vechidiki umu, ndimo mune shasha dzemangwan­a dzichasimu­dza mureza wenyika.

“Saka munaMbudzi tiri kuronga mutambo wevatambi veLion Boxing Club, ndinoziva kuti mutambo uyu wakakosha uye uchavabats­ira kuti vasvike kure,” anodaro Mwadziwana.

Anoti panguva iyo mitambo yange yakambomis­wa nekuda kwedenda reCovid-19, haana kumboreged­za kuita gadziriro dzake sezvo aingoshand­a nesimba achigadzir­ira kudzoka kwemutambo uyu.

Mwedzi unotevera, Mwadziwana ari kutarisirw­a kuenda kuNamibia kunosangan­a naJeremiah Nakhatila mumutambo usiri wekurwira bhande wemarounds masere.

Mutambo wevatambi vaviri ava kana ukabudirir­a, vanotarisi­rwa kusangana musi wa16 Gumiguru.

Mwadziwana anonyanyoz­ivikanwa zvichiteve­ra kukunda kwaakaita Robert Kachiza wekuMalawi uyo waakarova kusvika afenda izvo zvakatuma gurukota rezvemitam­bo rekuMalawi kumushora (Kachiza) achinzi anyadzisa nyika yose.

 ?? ?? TINASHE “Chairman” Mwadziwana
TINASHE “Chairman” Mwadziwana

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe