Osimudzira tsiva yevechidiki
SHASHA yetsiva ine mukurumbira — Tinashe “Chairman” Mwadziwana — akavamba sangano rekusimudzira mutambo uyu reLion Boxing Club iro ari kushanda achikwenenzvera tarenda revatambi vemangwana.
Mwadziwana anoti abva kure zvikuru nemutambo wetsiva saka ruzivo rwaakawana anoda kurwushandisa kusimudzira vechidiki kuti vasvike padanho raakasvikawo iye.
Anoti sangano rake reLion Boxing Club richaronga mutambo wekutanga munaMbudzi wevatambi vachangotanga tsiva vanokwikwidza muboka reamateur.
“Ndafamba netsiva uye mutambo uyu wandirakidza zvakawanda, ndinoda kuti zvandadzidza ndigobatsirawo kusimudzira vatambi vemangwana vasvike kwandakasvikawo. Zvinhu zvakakosha kudzorera kwawakabva uye kusimudzirawo vatambi vechidiki nekuti hatizive kuti vanosvikepi. Muvatambi vechidiki umu, ndimo mune shasha dzemangwana dzichasimudza mureza wenyika.
“Saka munaMbudzi tiri kuronga mutambo wevatambi veLion Boxing Club, ndinoziva kuti mutambo uyu wakakosha uye uchavabatsira kuti vasvike kure,” anodaro Mwadziwana.
Anoti panguva iyo mitambo yange yakambomiswa nekuda kwedenda reCovid-19, haana kumboregedza kuita gadziriro dzake sezvo aingoshanda nesimba achigadzirira kudzoka kwemutambo uyu.
Mwedzi unotevera, Mwadziwana ari kutarisirwa kuenda kuNamibia kunosangana naJeremiah Nakhatila mumutambo usiri wekurwira bhande wemarounds masere.
Mutambo wevatambi vaviri ava kana ukabudirira, vanotarisirwa kusangana musi wa16 Gumiguru.
Mwadziwana anonyanyozivikanwa zvichitevera kukunda kwaakaita Robert Kachiza wekuMalawi uyo waakarova kusvika afenda izvo zvakatuma gurukota rezvemitambo rekuMalawi kumushora (Kachiza) achinzi anyadzisa nyika yose.