Covid-19: Machechi ane basa kuipedza
ZIMBABWE — sedzimwe nyika dziri pasi rose — iri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chakonzera matambudziko makukutu kunyika dzakawanda.
Pasi pechirongwa chekurwisa denda iri, mapoka akasiyana anosanganisira vemachechi ane basa guru.
Hurumende nguva pfupi yadarika yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2 zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri uye nevari kufa.
Izvi zvakaona makungano anosanganisira machechi, pakati pezvimwe, achitenderwa kuti apindwe nevanhu vasingadarike 100 uye vose vanofanirwa kunge vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19, dzose dziri mbiri kuti yekutanga neyechipiri.
Danho iri rakatorwa senzira yekudzivirira kuparira kwechirwere ichi uye kune vamwe vemachechi vari kutevedzera zviri kudiwa pasi pemutemo uyu kozoita nhinhi dzinoramba dzakaisa zvimiti munzeve.
Sesvondo rino tine nyaya yevanamati vechechi yePentecostal Christian Church International (PCCI) vanonzi vakaenda kugungano repagore rechechi iyi kuDonain, kuKadoma vakazoona kukosha kwekubaiwa kwenhomba dzekudzivirira Covid-19 mushure mekurambidzwa kupinda musangano uyu.
Chechi iyi inotungamirirwa naArchbishop Professor Johannes Ndanga vanovawo mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) uye yaiva negungano kubva neMuvhuro kusvika nemusi weSvondo wadarika.
Vanamati vazhinji vechech iyi vanonzi vakadzoserwa kudzimba nekuda kwekuti vainge vasina magwaro anoratidza kuti vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.
Danho rakatorwa nevatungamiriri vechechi iyi rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuti kunze kwekutevedzera mutemo weHurumende, zvinobatsira zvakare mukudzivirira kupararira kwedenda iri.
Vamwe vemachechi vanokurudzirwa kutevera matsimba echechi yePentecostal Christian Church International nekuti uyu mucherechedzo wakanaka uye unoyemurika.
Tinodaro nekuti kune vamwe vemachechi vari kuita chitsotsi chekutendera vanhu vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti vapinde muchechi uye vaine huwandu hwavo zvakare.
Vamwewo ndivo vasiri kupfeka mamasiki vachizvinyengedza vachiti, “Mweya mutsvene haudi masiki”.
Chisingazivikanwe nevanhu vakadai ndechekuti denda iri harina rusarura uye harinei nekuti unonamata here kana kuti kwete, chakakosha kutevedzera matanho aripo anosanganisira kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.
Hurumende yakauya nechirongwa chekurerutsira zvakare vemachechi kuti vakwanise kubaisa vatendi vavo majekiseni aya.
Pasi pechirongwa ichi chinozivikanwa nekunzi “Operation Marah”, vemachechi vanoronga vachibatsirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti vatendi vavo vabaiwe nhomba idzi vari kunzvimbo dzavanopindira chechi.
Zvakakosha kuti vemachechi vatore mukana uyu vabaise nhomba nhengo dzavo sezvo zvichibatsira zvikuru panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika muno.
Hondo yekurwisa denda iri inoda chirwirwangwe kwete kuita humbimbindoga.