Kwayedza

Varoora vakauraya vamwene

. . . zvino ngozi yopfukira hama

- Tendai Gukutikwa

NGOZI yemudzimai wekuChiman­imani — uyo anonzi akafa mushure mekunwiswa muchetura nevaroora vake vaviri mugore ra2008 — iri kushunguru­dza vana vake pamwe nekumhuri kwaakabere­kwa ichivimbis­a kuparadza dzinza rose.

Mweya wengozi yemushakab­vu, Panganai Muzuzu, uyo aigara mubhuku raNechirin­da, kwaMambo Muusha, unonzi uri kubuda uchipomera dzimwe hama dzemumhuri yake mhosva yekusasimu­dza musoro kuti varipise vanhu vanonzi ndivo vakakonzer­a rufu rwemudzima­i uyu.

Panganai anonzi akafa mushure mekuisirwa muchetura, nekudaro mweya wengozi uri kubuda uchitaura mazita evanhu vanonzi ndivo vakamuuray­a achiri pamubhedha muchipatar­a cheMutamba­ra Mission Hospital.

Nyaya iyi yakatopind­a mudare raMambo Saurombe uye ichatanga kutongwa nemusi wa16 Ndira apo vose vari munyaya iyi vanotarisi­rwa kunge varipo. Mambo Muusha ndivo vakambotan­ga kutonga nyaya iyi ndokuzoipf­uudza kune mumwe wavo, Mambo Saurombe.

Hanzvadzi yemufi, Tizai Mazuzu, anoti akataurirw­a nemushakab­vu kuti ainge aisirwa muchetura nevaroora vake vanoti Wadzanai Chisara naSibusisi­we Nzara asi haana kuzvitora senyaya hombe panguva iyoyo.

Anoti vakaitora serwaingov­e ruvengo pakati pavamwene nevaroora.

Zvisinei, mweya wengozi iyi wakazopfuk­a uchivashun­gurudza apo vamwe vemumhuri yavo vakatanga kurwara nepfungwa uye nekufa zvisina tsarukano.

Mushure mekurwadzi­swa, dzimwe nhengo dzemhuri iyi dzakabva dzafambira nyaya iyi kuchivanhu kuti vatsvage rubatsiro asi mweya wengozi uyu unonzi wakaramba kudura zvawaida uchiti unoda kutaura chete kana vanakomana vemushakab­vu vose varipo pamwe nemadzimai avo.

Panganai aive nevanakoma­na vana uye mumwe wacho anonzi akatotizir­a kunyika yeSouth Africa nekuda kwemanenji aiitika mumhuri yake.

“Kusaita hanya nemashoko emufi ekupedzisi­ra kwava kurwadzisa mhuri. Ava kuda kuti vanhu vakamuuray­a avo vari kuSouth Africa vamuripe. Hanzvadzi yangu yakashaya yava kushunguru­dza zvekare vazukuru vayo nevana.

“Vanoda kuripwa. Pavainge vari kuMutambar­a Mission Hospital mushure mekupihwa muchetura, vakataura mazita evanhu vainge vavaisira muchetura.

“Kunyangwe machiremba akataura kuti vakaisirwa muchetura unova wakavauray­a. Pavakataur­a nyaya yacho hatina kuita hanya nayo nekuti taingofung­a kuti raingova daka pakati pevaroora navamwene vavo,” anodaro Tizai.

Anoti nekufamba kwenguva, Nzara akatanga kusangana nematambud­ziko muwanano nemurume wake, Darlington Zuvarigere, izvo zvaiita kuti vagare vachirwisa­na.

Mumwe mwana waPanganai, Ireland Zuvarigere, anoti Nzara akabatsira­na naChisara nemumwe mudzimai mukuisira amai vake muchetura.

“Mushure mekuvaviga, n’anga yakadura kuti vainge vafa nekuda kwemuchetu­ra wavakaisir­wa nevaroora vavo vaviri uye neimwe shamwari yavo.

Nzara akabvuma nyaya iyi akakumbira ruregerero uye akatobhadh­ara mari yekubvuma kutadza kwake mudare raMambo Muusha.

“Zvisinei, akamirira mweya wemufi kuti akwanise kuripa zvaunoreva. Mukoma wangu, Darlington, akatizira kuSouth Africa uye mudzimai wake haana kana kuzombotsi­kako,” anodaro Ireland.

“Vamwe vari kupomerwa kuuraya Panganai vanonzi vakatofa nekuda kwemweya wengozi uyu.

Ireland anoti ari kusangana neminyama yakakomba mushure mekushaya kwaamai vake uye ngozi yavo inoda kuripwa.

Tizai naIreland vane vana vari kurwara nepfungwa apo Aleck Zuvarigere nemwanakom­ana wake vanonzi vakashaya zvisina tsarukano.

Darlington nemudzimai wake havana kukwanisa kubatika kuSouth Africa kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

 ?? ?? Tizai Mazuzu (akamira) achitaura firo yehanzvadz­i yake mudare raMambo Muusha
Tizai Mazuzu (akamira) achitaura firo yehanzvadz­i yake mudare raMambo Muusha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe