Varoora vakauraya vamwene
. . . zvino ngozi yopfukira hama
NGOZI yemudzimai wekuChimanimani — uyo anonzi akafa mushure mekunwiswa muchetura nevaroora vake vaviri mugore ra2008 — iri kushungurudza vana vake pamwe nekumhuri kwaakaberekwa ichivimbisa kuparadza dzinza rose.
Mweya wengozi yemushakabvu, Panganai Muzuzu, uyo aigara mubhuku raNechirinda, kwaMambo Muusha, unonzi uri kubuda uchipomera dzimwe hama dzemumhuri yake mhosva yekusasimudza musoro kuti varipise vanhu vanonzi ndivo vakakonzera rufu rwemudzimai uyu.
Panganai anonzi akafa mushure mekuisirwa muchetura, nekudaro mweya wengozi uri kubuda uchitaura mazita evanhu vanonzi ndivo vakamuuraya achiri pamubhedha muchipatara cheMutambara Mission Hospital.
Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Saurombe uye ichatanga kutongwa nemusi wa16 Ndira apo vose vari munyaya iyi vanotarisirwa kunge varipo. Mambo Muusha ndivo vakambotanga kutonga nyaya iyi ndokuzoipfuudza kune mumwe wavo, Mambo Saurombe.
Hanzvadzi yemufi, Tizai Mazuzu, anoti akataurirwa nemushakabvu kuti ainge aisirwa muchetura nevaroora vake vanoti Wadzanai Chisara naSibusisiwe Nzara asi haana kuzvitora senyaya hombe panguva iyoyo.
Anoti vakaitora serwaingove ruvengo pakati pavamwene nevaroora.
Zvisinei, mweya wengozi iyi wakazopfuka uchivashungurudza apo vamwe vemumhuri yavo vakatanga kurwara nepfungwa uye nekufa zvisina tsarukano.
Mushure mekurwadziswa, dzimwe nhengo dzemhuri iyi dzakabva dzafambira nyaya iyi kuchivanhu kuti vatsvage rubatsiro asi mweya wengozi uyu unonzi wakaramba kudura zvawaida uchiti unoda kutaura chete kana vanakomana vemushakabvu vose varipo pamwe nemadzimai avo.
Panganai aive nevanakomana vana uye mumwe wacho anonzi akatotizira kunyika yeSouth Africa nekuda kwemanenji aiitika mumhuri yake.
“Kusaita hanya nemashoko emufi ekupedzisira kwava kurwadzisa mhuri. Ava kuda kuti vanhu vakamuuraya avo vari kuSouth Africa vamuripe. Hanzvadzi yangu yakashaya yava kushungurudza zvekare vazukuru vayo nevana.
“Vanoda kuripwa. Pavainge vari kuMutambara Mission Hospital mushure mekupihwa muchetura, vakataura mazita evanhu vainge vavaisira muchetura.
“Kunyangwe machiremba akataura kuti vakaisirwa muchetura unova wakavauraya. Pavakataura nyaya yacho hatina kuita hanya nayo nekuti taingofunga kuti raingova daka pakati pevaroora navamwene vavo,” anodaro Tizai.
Anoti nekufamba kwenguva, Nzara akatanga kusangana nematambudziko muwanano nemurume wake, Darlington Zuvarigere, izvo zvaiita kuti vagare vachirwisana.
Mumwe mwana waPanganai, Ireland Zuvarigere, anoti Nzara akabatsirana naChisara nemumwe mudzimai mukuisira amai vake muchetura.
“Mushure mekuvaviga, n’anga yakadura kuti vainge vafa nekuda kwemuchetura wavakaisirwa nevaroora vavo vaviri uye neimwe shamwari yavo.
Nzara akabvuma nyaya iyi akakumbira ruregerero uye akatobhadhara mari yekubvuma kutadza kwake mudare raMambo Muusha.
“Zvisinei, akamirira mweya wemufi kuti akwanise kuripa zvaunoreva. Mukoma wangu, Darlington, akatizira kuSouth Africa uye mudzimai wake haana kana kuzombotsikako,” anodaro Ireland.
“Vamwe vari kupomerwa kuuraya Panganai vanonzi vakatofa nekuda kwemweya wengozi uyu.
Ireland anoti ari kusangana neminyama yakakomba mushure mekushaya kwaamai vake uye ngozi yavo inoda kuripwa.
Tizai naIreland vane vana vari kurwara nepfungwa apo Aleck Zuvarigere nemwanakomana wake vanonzi vakashaya zvisina tsarukano.
Darlington nemudzimai wake havana kukwanisa kubatika kuSouth Africa kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.