Kwayedza

Murume wemakunaku­na oitwa ongororo yeDNA

- Kingstone Mapupu

MURUME wekudunhu raMambo Neshangwe, kuHwedza — wekubuda muKwayedza achichema-chema kuti anoda kuziva baba vake chaivo, kwete zvaari kuudzwa naamai vake — ava kuzobatsir­wa nekambani yeGlobal DNA Zimbabwe kuburikidz­a nekuitwa ongororo yemaDNA tests.

VaTapiwa Nhavira (40), avo pari zvino vari kugara kuZengeza 3, vari kupomera amai vavo — Mai Sidia Nhavira (60) — mhosva yekusavazi­visa baba vavo chaivo.

“Ndinoda kuziva baba vangu chaivo nekuti ndakambonz­i baba vangu vaiva murwi wehondo kuHwedza, ndikazonzi baba vangu ndevekwaCh­inyekwere kwakare kuHwedza uko amai vari kungoramba vachiti ndiko.

“Asi mashoko andinawo ndeekuti ndiri mwana wemakunaku­na akaitwa pakati paamai vangu nasekuru vavo, mwana wehanzvadz­i yavo, izvo amai vari kuramba,” vanodaro VaNhavira.

Vanoti vamwe vanasekuru vavo vari kutsinhira nyaya yemakunaku­na iyi kunyangwe zvazvo amai vavo vachizvira­mba.

VaTinashe Mugabe, vanova director weGlobal DNA Zimbabwe, vanoti vakaona nyaya yaVaNhavir­a muKwayedza ndokubatik­ana nayo.

“Nyaya yemurume uyu haisi yekutanga yakadaro. Dzakawanda munyika muno nekunze apo vana vazhinji vari kunetsana nanaamai vavo nedzimwe hama vachida kuziva vanababa vavo chaivo. Takamufone­ra murume uyu tikamutaur­ira kuti tinomubats­ira, tomuita maDNA tests pachena,” vanodaro VaMugabe.

Vanoti vachaongor­oora vanhu vose vari kutaurwa munyaya iyi kubvira kunaVaNhav­ira, amai vavo, vanasekuru zvose nevekumhur­i yekwaChiny­ekwere. “Tichaita ongororo yose inodiwa tibatsire murume uyu nekuti hatidi kuti azosvika pakupondan­a naamai vake kana nedzimwe hama. Zvakakosha kuti munhu azive dzinza rake nemutupo wake.

“Tangomirir­a kuuya kwaTapiwa Nhavira kumahofisi edu toronga zvinodiwa,” vanodaro VaMugabe.

 ?? ?? VaTapiwa Nhavira
VaTapiwa Nhavira
 ?? ?? VaTinashe Mugabe
VaTinashe Mugabe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe