Murume wemakunakuna oitwa ongororo yeDNA
MURUME wekudunhu raMambo Neshangwe, kuHwedza — wekubuda muKwayedza achichema-chema kuti anoda kuziva baba vake chaivo, kwete zvaari kuudzwa naamai vake — ava kuzobatsirwa nekambani yeGlobal DNA Zimbabwe kuburikidza nekuitwa ongororo yemaDNA tests.
VaTapiwa Nhavira (40), avo pari zvino vari kugara kuZengeza 3, vari kupomera amai vavo — Mai Sidia Nhavira (60) — mhosva yekusavazivisa baba vavo chaivo.
“Ndinoda kuziva baba vangu chaivo nekuti ndakambonzi baba vangu vaiva murwi wehondo kuHwedza, ndikazonzi baba vangu ndevekwaChinyekwere kwakare kuHwedza uko amai vari kungoramba vachiti ndiko.
“Asi mashoko andinawo ndeekuti ndiri mwana wemakunakuna akaitwa pakati paamai vangu nasekuru vavo, mwana wehanzvadzi yavo, izvo amai vari kuramba,” vanodaro VaNhavira.
Vanoti vamwe vanasekuru vavo vari kutsinhira nyaya yemakunakuna iyi kunyangwe zvazvo amai vavo vachizviramba.
VaTinashe Mugabe, vanova director weGlobal DNA Zimbabwe, vanoti vakaona nyaya yaVaNhavira muKwayedza ndokubatikana nayo.
“Nyaya yemurume uyu haisi yekutanga yakadaro. Dzakawanda munyika muno nekunze apo vana vazhinji vari kunetsana nanaamai vavo nedzimwe hama vachida kuziva vanababa vavo chaivo. Takamufonera murume uyu tikamutaurira kuti tinomubatsira, tomuita maDNA tests pachena,” vanodaro VaMugabe.
Vanoti vachaongoroora vanhu vose vari kutaurwa munyaya iyi kubvira kunaVaNhavira, amai vavo, vanasekuru zvose nevekumhuri yekwaChinyekwere. “Tichaita ongororo yose inodiwa tibatsire murume uyu nekuti hatidi kuti azosvika pakupondana naamai vake kana nedzimwe hama. Zvakakosha kuti munhu azive dzinza rake nemutupo wake.
“Tangomirira kuuya kwaTapiwa Nhavira kumahofisi edu toronga zvinodiwa,” vanodaro VaMugabe.