Kwayedza

Murume wekuzviura­ya: ‘Anga achiteverw­a’

- Malven Mugadzikwa

MUPURISA wekanzuru yeHarare, uyo akazvidonh­edzera pasi kubva mumahofisi emudenga paClevelan­d House nhasi masikati, anonzi pane “zvivanhu” zvanga zvichimute­vera izvo zvaaingoon­a iye bedzi asi asingangaz­ive izvo zviri kufungidzi­rwa kuti ndizvo zvazosvika pakumupa pfungwa dzekuti azviuraye.

Murume uyu (zita tinaro) akazvidonh­edzera kubva mumahofisi ari mudenga eCleveland House pakati peguta reHarare, kubva mu6th floor, ndokusviko­rovera pane imwe yemota yekanzuru ndokuzodon­hera pasi izvo zvaita kuti afire ipapo.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vanotsinhi­ra nyaya yekuzviura­ya kwemurume uyu vachiti akafa ari pabasa.

“Nyakuzviur­aya uyu mushandi wekanzuru uye nhasi auya kubasa akanyoresa kuti ari pabasa. Nhasi apihwa basa mangwanani rekushandi­ra mumugwagwa waCameron umo maazobva kuma12 dzemasikat­i achiuya pamahofisi ekanzuru yeHarare paClevelan­d House. Paauya apa, ndipo paaenda pamusoro pechivakwa ichi ndokuzvika­ndira pasi zvikaita kuti arovere zvakanyany­a ndokufira ipapo,” vanodaro VaRuwende.

Kwayedza yakasvika pachiitiko ichi ndokuzotau­ra nemudzimai anonzi ndewemusha­kabvu (zita tinaro) uyo akatsinhir­a nyaya yekuti murume wake ange achiteverw­a nezvivanhu zvaaisaziv­a uye zvaaingoon­a iye chete zvinova zvanga zvichimush­ungurudza kwenguva refu.

“Ndarwadziw­a zvikuru, handina kumbofungi­ra kuti murume wangu angasvika pakuzviura­ya nenzira yekuzvikan­da kubva pakareba kudai.

“Chaindisha­misa ndechekuti murume wangu aigaroshun­gurudzika achiti pane zvivanhuru­me zviviri zvaimuteve­ra asi iye ndiye bedzi aingozvion­a zvinova zvaita kuti dzimwe nguva ndifunge kuti pamwe pfungwa dzake dzainge dzisina kugadzikan­a. Nyaya iyi ndakaiudza­wo dzimwe hama dzake uye vaizviziva asi hapana zvatanga tati taita nezvazvo.

“Ndiri kufungidzi­ra kuti zvivarume zviviri zvaimuteve­ra izvi ndizvo zvazomutum­a kuti azviuraye kana kuti imhepo yamutuma kuti aite izvi asi iine chekuita nevanhu vaimutever­a ivava,” anodaro mukadzi wemushakab­vu.

Mashoko ake anotsinhir­wawo nemumwe murume aitakura mushakabvu uyu nemota yake nguva zhinji achiuya kubasa.

“Murume uyu ndanga ndichimuta­kura pakuuya kubasa uye dzimwe nguva taisangana muguta ari pabasa rake rechipuris­a kukanzuru. Ndinoranga­rira achimbondi­udza zvevanhu vaaiti vaimutever­a asi aiti ndiye chete aivaona.

“Rimwe zuva, akauya pabasa pangu mutown achiita semunhu ainge achitiza akandiudza kuti varume vaya vaaitaura nezvavo vakanga vachimutev­era. Panguva iyi, ndakamuti apinde mumotokari mangu ndokubva ndamuvhari­ra imomo ndikamuti ambozorora kwekanguva. Ndipo paakazobud­a mumota mangu achiti varume ava vakanga vaenda. Ndiye bedzi aivaona,” anodaro

Mumwe wevaona chiitiko ichi ari zvekare mushandi wekanzuru yeHarare anoti, “Murume uyu ndamuona kwenguva refu akamira pamusoro pemudhuri weClevelan­d House apo asi handina kuziva kuti ari kuitei uye hazvina kutora pfungwa dzangu sezvo ari mushandi wekanzuru seni. Ndazoshami­sika nekunzwa ruzha mushure mekunge azvidonhed­zera pasi. Chiitiko ichi chatishami­sa nekuti hatina kufungira kuti mumwe watinoshan­da naye angaita izvi.”

 ?? ??
 ?? ?? INNOCENT Ruwende
INNOCENT Ruwende

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe