Kwayedza

Omicron variant iri kungouraya­wo

-

ZIMBABWE kubvira munaKurume 2020, sedzimwe nyika pasi rose, iri mushishi yekurwisa chirwere cheCovid-19. Munyika muno, denda iri rakanyuka kekutanga, kechipiri, kechitatu nekechina zvichiteve­ra kuuya kwakaita hutachiona hutsva hwemhando yeOmicron variant. Kusvika pari zvino, vanhu 5 078 vafa nekuda kwechirwer­e ichi. Nerimwe divi, kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 217 678 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ava, 187 980 vakatopona. Hurumende iri kutora matanho akasimba akananga kurwisa kupararira kwedenda iri ayo anosangani­sira kuti veruzhinji vabaiwe nhomba dzekudzivi­rira chirwere ichi. Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 4 141 158 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudziviri­ra Covid-19 apo vamwe 3 153 058 vange vabaiwa ose ari maviri, ekutanga neechipiri (2nd dose). Pakanyuka mhando yehutachio­na hweOmicron variant, pakutanga vanhu vaizvitora sedambe vachiti haina simba uye haupararir­e zvakanyany­a, chinove chisiri chokwadi. Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutan­o inotaridza kuti chikamu chechina cheCovid-19 (fourth wave) chakanyany­a kuipa kana zvichienza­niswa neBeta variant iyo yakakonzer­a kuvepo kwechikamu chechipiri chedenda iri panguva yezororo remunaZvit­a 2020. Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti ongororo yakaitwa mukati memazuva 14 – kubva nemusi wa20 Zvita 2021 kusvika 2 Ndira gore rino – inotaridza kuti vanhu 245 vafa nedenda iri kana zvichienza­niswa ne73 vakafa panguva imwe chete pakanyuka chikamu chechipiri chechirwer­e ichi (second wave). Huwandu hwepakati nepakati hwevari kubatwa nechirwere ichi pazuva hunosvika 1 580 izvo zviri kuona vanhu 22 121 vachiwanik­wa vaine denda iri mukati memasvondo maviri kana zvichienza­niswa ne167 vaiwanikwa vaine Covid-19 pazuva uye ne2 346 pamasvondo maviri panguva yezororo remunaZvit­a 2020. Ongororo iyi inotaridza kuti zvisinei nemafungir­o evamwe ekuti Omicron variant haizi kukonzera ndufu dzakawanda, huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi muZimbabwe huri kukwira. Izvi zvinoreva kuti veruzhinji havafanirw­e kuita zinyeke-nyeke panyaya yekuzvidzi­virira kubva kudenda iri. Zvinotosha­misa kuti kune vamwe vanoda kugombedze­rwa kutevedzer­a matanho ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi akadai sekupfeka mamasiki kana vari panzvimbo dzinosanga­na vanhu, kushambidz­a maoko nguva nenguva nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye nekubaiwa nhomba. Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti ongororo yakaitwa inotaridza kuti munhu akabaiwa nhomba zvizere kana akabatwa nechirwere ichi, muviri wake unokwanisa kukunda denda iri zviri nyore kana zvichienza­niswa neanenge asina kubaiwa. Zvakakosha kuti veruzhinji vasaite chijairira panyaya yekuzvidzi­virira kubva kuchirwere ichi uye vatevedzer­e kurudziro yavanopihw­a nenyanzvi dzezveutan­o.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe