Omicron variant iri kungourayawo
ZIMBABWE kubvira munaKurume 2020, sedzimwe nyika pasi rose, iri mushishi yekurwisa chirwere cheCovid-19. Munyika muno, denda iri rakanyuka kekutanga, kechipiri, kechitatu nekechina zvichitevera kuuya kwakaita hutachiona hutsva hwemhando yeOmicron variant. Kusvika pari zvino, vanhu 5 078 vafa nekuda kwechirwere ichi. Nerimwe divi, kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 217 678 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ava, 187 980 vakatopona. Hurumende iri kutora matanho akasimba akananga kurwisa kupararira kwedenda iri ayo anosanganisira kuti veruzhinji vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi. Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 4 141 158 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo vamwe 3 153 058 vange vabaiwa ose ari maviri, ekutanga neechipiri (2nd dose). Pakanyuka mhando yehutachiona hweOmicron variant, pakutanga vanhu vaizvitora sedambe vachiti haina simba uye haupararire zvakanyanya, chinove chisiri chokwadi. Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inotaridza kuti chikamu chechina cheCovid-19 (fourth wave) chakanyanya kuipa kana zvichienzaniswa neBeta variant iyo yakakonzera kuvepo kwechikamu chechipiri chedenda iri panguva yezororo remunaZvita 2020. Nyanzvi dzezveutano dzinoti ongororo yakaitwa mukati memazuva 14 – kubva nemusi wa20 Zvita 2021 kusvika 2 Ndira gore rino – inotaridza kuti vanhu 245 vafa nedenda iri kana zvichienzaniswa ne73 vakafa panguva imwe chete pakanyuka chikamu chechipiri chechirwere ichi (second wave). Huwandu hwepakati nepakati hwevari kubatwa nechirwere ichi pazuva hunosvika 1 580 izvo zviri kuona vanhu 22 121 vachiwanikwa vaine denda iri mukati memasvondo maviri kana zvichienzaniswa ne167 vaiwanikwa vaine Covid-19 pazuva uye ne2 346 pamasvondo maviri panguva yezororo remunaZvita 2020. Ongororo iyi inotaridza kuti zvisinei nemafungiro evamwe ekuti Omicron variant haizi kukonzera ndufu dzakawanda, huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi muZimbabwe huri kukwira. Izvi zvinoreva kuti veruzhinji havafanirwe kuita zinyeke-nyeke panyaya yekuzvidzivirira kubva kudenda iri. Zvinotoshamisa kuti kune vamwe vanoda kugombedzerwa kutevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi akadai sekupfeka mamasiki kana vari panzvimbo dzinosangana vanhu, kushambidza maoko nguva nenguva nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye nekubaiwa nhomba. Nyanzvi dzezveutano dzinoti ongororo yakaitwa inotaridza kuti munhu akabaiwa nhomba zvizere kana akabatwa nechirwere ichi, muviri wake unokwanisa kukunda denda iri zviri nyore kana zvichienzaniswa neanenge asina kubaiwa. Zvakakosha kuti veruzhinji vasaite chijairira panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi uye vatevedzere kurudziro yavanopihwa nenyanzvi dzezveutano.