Musiyano wekuzvipaura, kugara kwako wega
APO coronavirus iri kuwedzera pasi rose, vezvehutano vari kukurudzira veruzhinji kuti vagare vasingaungani nechinangwa chekuderedza kupararira kwedenda ranetsa iri.
Sezvo chirwere ichi chiri kuramba chichibata vakawanda, vanhu vari kukurudzirwa kumbomira kusangana nevamwe uye kugara pavo vega.
Hutachiona hwecoronavirus, SARS-CoV-2 hunokonzeresa denda reCovid-19 hunoparadzirwa pakati pevanhu kuburikidza netumadonhwe twunofamba nemumhepo kuenda kune mumwe munhu paanohetsura kana kukosora.
Hutachiona uhu hunokwanisa kugara pamusoro pezvinhu uye kuparadzirwa kana vanhu vakabata pahunenge huri.
Kugara kwako wega zvinoreva kuti munhu anga achigara nemunhu akabatwa kuti ane Covid-19 ambogare kure nevamwe.
Munhu anonzi ambogara kwake ega anofanira kudaro kusvikira zvaonekwa kuti haana hutachiona hwechirwere ichi.
Nguva inotenderwa kuti munhu agare kwake ega mavhiki maviri mushure mekusangana nemunhu wekupedzisira usati watanga kugara kwako wega. Zvisinei, vezveutano vanogona kutara kuti nguva iyi iite pfupi.
Panguva yekugara wega unofanira:
◆ Kutarisa zviratidzo zveCovid-19
◆ Kuva mamita maviri kubva pane vaunogarisana navo
◆ Kupfeka masiki.
◆ Kugeza maoko nesipo nemvura kana nemushonga wekugezesa maoko kwemasekonzi makumi maviri.
Kuzvigarisa kwako wega zvinoreva kuti munhu ari kurwara kana kuti aonekwa kuti ane Covid-19 pasina zviratidzo agare kwake ega, chero pamba pake.
Varwere veCovid-19 vanofanira kugara pamba kusvika:
· Kwapera mazuva gumi kubva paakaongororwa akaonekwa kuti ane Covid-19
· Kwapera mazuva matatu pasisina zviratidzo. Unogona kumira kuzvigarisa kwako wega kwapera mazuva gumi chero uchiri kukosora kana kusanzwa kunaka kana kushata kwezvinhu mukanwa, kana kusanzwa kunhuhwa kwezvinhu sezvo zvichitora mavhiki akati kuti zvisati zvapera.
Zvisinei, unofanira kuramba uchizvigarisa kwako wega kana kudziya kwemuviri wako kwakakwira uye kutsvaga rubatsiro kune vezvehutano. Panguva yekugara kwako wega unofanira: Kugara panzvimbo inopinza mhepo zvakanaka pasiri pedyo nepari kugara vamwewo pamba penyu. Kugara gonhi rakavharwa.
Kugeza maoko nguva nenguva nesipo kana nemushonga wekugezesa maoko.
◆ Kuchenesa nzvimbo dzinobatwa nevanhu vakawanda nguva nenguva nesipo kana nemimwe mishonga yekushambidza.
Kushandisa imba yako yekugezera yakasiyana nevamwe, kana zvichiita.
Kuchenesa chimbuzi kana mekugezera nguva nenguva kana uchishandisa nevamwe.
Usashandisa madhishi, zvekunwira zvakadai semakapu, zvipunu, matauro kana machira anoshandiswa nevamwe. Kana ukazvishandisa, zvigeze zvakasimba.
Usashandisa dzimba dzinowanzopindwa nevamwe dzakaita seimba yekubikira kana ivo varipo.
Dyira kuimba yako wega.
◆ Shandisa masiki kana uchisangana nevamwe mumba.
◆ Dr Kabaya vari kuita zvidzidzo zveMasters in Public Health uye pari zvino vari kudzidzira basa (attachment) vari kuNAC.
MUDZIMAI anogara kwaSabhuku Murove, kwaChinhamora, kuDomboshava — uyo akaita mukurumbira nguva yadarika nenyaya yekuti aida kutengesa pamuviri paaiva napo nekuda kwenhamo — zvino ava mudenga rechinonwe zvichitevera kubatsirwa kwaakaitwa zvakare nekambani yeBakers Inn kuti mumwe mwana wake ane chirwere che “hernia” avhiiwe nemachiremba.
Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa neKwayedza nyaya yedambudziko raNigel Mukusa (12) achitsvaga rubatsiro rwekurapwa gore rapera.
Gore rapera, amai vaNigel, Demetria Mukusa (34), vakabatsirwawo neBakers Inn mushure mekubuda kwenyaya yavo muKwayedza vachiti vaida kutengesa pamuviri pavaiva napo apo vaive vashaya mari yekunonyoresa kuchipatara neyekutenga zvinhu zvegadziriro yemwana aizozvarwa.
Mudzimai uyu akazobara mwana apo akavhiiwa mushure mekubatsirwa nekambani iyi.
Nigel, uyo akanga ava kutadza kuenda kuchikoro nekurwadziwa nemudumbu, akavhiiwa nemumwe chiremba nyanzvi kupera kwemwedzi waZvita gore richangodarika.
Doctor Israel Dube, avo vanova nyanzvi yezvekuvhiiwa kwevana kuchipatara cheSt Anne’s Hospital, muguta reHarare ndivo vakarapa mwana uyu.
Nemusi weChipiri svondo rino, Nigel akadzoka kuchipatara ichi nevabereki vake kuzogezwa ronda nekubviswa mabhandiji apo Kwayedza yakawana mukana wekukurukura naDr Dube.
“Nigel ndakamuvhiya zvakabudirira tikagadzirisa dambudziko rehernia raimunetsa kubva achizvarwa. Mwana uyu anga ava kusvika padanho rekuputudza zvaizokonzera kuwedzera kwedambudziko iri dai zvisina kugadziriswa.
“Ndinotenda kambani yeBakers Inn inova yakaunza mhuri iyi pano uye iri kubhadhara mari dzose dzinodiwa dzekumurapisa,” vanodaro Dr Dube.
Vanoti hernia inobata zvakanyanya vakomana kudarika vasikana nekudaro vanokurudzira vabereki kuona kuti vana vaongororwa chirwere ichi.
“Denda iri rinofanirwa kugadziriswa vana vachangobva mukuberekwa.
“Asi zvisinei nekuti zvatadza kuonekwa nenguva, zvinoitwa munhu akura sekuita kwatakaita pana Nigel. Dambudziko iri rikaregererwa munhu anoguma aita gomarara kana kufa. Varume vakuru vari kuuya nedambudziko iri tichivarapa zvakare,” vanodaro Dr Dube.
Mai Mukusa vanotenda Dr Dube nekambani yeBakers Inn.
“Ndinotenda Bakers Inn nekuramba ichindibatsira.
“Ini pamuviri pangu ndakabatsirwa nekambani iyoyi kubhadhara chiremba akandivhiya nembatya dzemwana uyewo nezvekudya nezvimwe zvaidiwa. Nhasi mwana wangu, Nigel, uyo aitambura nehernia abatsirwa nekubhadharirwa mari yekuvhiiwa nekambani imwe cheteyo,” vanodaro Mai Mukusa.
Vanoenderera mberi vachiti, “Mwana wangu ari kuenda Grade 7 uye ndinotarisira kuti achabudirira sezvo asisina marwadzo, Bakers Inn yandibvisa mutsekwende ini zvose nemwana wangu.”
Zvisinei, vari kuchema-chema nenyaya yekunetswa kwavari kuramba vachiitwa naSabhuku Murove vachinzi vabhadhare US$300 yekuti vanyorwe mubhuku remusha mavanogara zvisinei nekuti vanotambura.
“Nyaya yandasara nayo inondinetsa ndeye US$300 inodiwa nasabhuku wedu inonzi yekunyorwa mubhuku remusha,” vanodaro Mai Mukusa.
Mai Loreen July — avo vanoona nezvekudyidzana neruzhinji kuBakers Inn — vanoti kambani yavo yakazvipira kudzorera kunharaunda kuburikidza nekubatsira vanotambura.
“Mwana uyu akavhiiwa denda raaiva naro rikapera naDr Dube uye tichaita zvose zviri kudiwa kubvira pamari nezvimwe.
“Amai vemwana uyu zvakare, Demetria Mukusa, takavabatsira sekambani kuti vavhiiwe pamuviri pavaiva napo uyewo tikavabatsira nembatya nezvekudya nezvimwe,” vanodaro Mai July.