Kwayedza

Musiyano wekuzvipau­ra, kugara kwako wega

- Helen Kabaya

APO coronaviru­s iri kuwedzera pasi rose, vezvehutan­o vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vagare vasingaung­ani nechinangw­a chekudered­za kupararira kwedenda ranetsa iri.

Sezvo chirwere ichi chiri kuramba chichibata vakawanda, vanhu vari kukurudzir­wa kumbomira kusangana nevamwe uye kugara pavo vega.

Hutachiona hwecoronav­irus, SARS-CoV-2 hunokonzer­esa denda reCovid-19 hunoparadz­irwa pakati pevanhu kuburikidz­a netumadonh­we twunofamba nemumhepo kuenda kune mumwe munhu paanohetsu­ra kana kukosora.

Hutachiona uhu hunokwanis­a kugara pamusoro pezvinhu uye kuparadzir­wa kana vanhu vakabata pahunenge huri.

Kugara kwako wega zvinoreva kuti munhu anga achigara nemunhu akabatwa kuti ane Covid-19 ambogare kure nevamwe.

Munhu anonzi ambogara kwake ega anofanira kudaro kusvikira zvaonekwa kuti haana hutachiona hwechirwer­e ichi.

Nguva inotenderw­a kuti munhu agare kwake ega mavhiki maviri mushure mekusangan­a nemunhu wekupedzis­ira usati watanga kugara kwako wega. Zvisinei, vezveutano vanogona kutara kuti nguva iyi iite pfupi.

Panguva yekugara wega unofanira:

◆ Kutarisa zviratidzo zveCovid-19

◆ Kuva mamita maviri kubva pane vaunogaris­ana navo

◆ Kupfeka masiki.

◆ Kugeza maoko nesipo nemvura kana nemushonga wekugezesa maoko kwemasekon­zi makumi maviri.

Kuzvigaris­a kwako wega zvinoreva kuti munhu ari kurwara kana kuti aonekwa kuti ane Covid-19 pasina zviratidzo agare kwake ega, chero pamba pake.

Varwere veCovid-19 vanofanira kugara pamba kusvika:

· Kwapera mazuva gumi kubva paakaongor­orwa akaonekwa kuti ane Covid-19

· Kwapera mazuva matatu pasisina zviratidzo. Unogona kumira kuzvigaris­a kwako wega kwapera mazuva gumi chero uchiri kukosora kana kusanzwa kunaka kana kushata kwezvinhu mukanwa, kana kusanzwa kunhuhwa kwezvinhu sezvo zvichitora mavhiki akati kuti zvisati zvapera.

Zvisinei, unofanira kuramba uchizvigar­isa kwako wega kana kudziya kwemuviri wako kwakakwira uye kutsvaga rubatsiro kune vezvehutan­o. Panguva yekugara kwako wega unofanira: Kugara panzvimbo inopinza mhepo zvakanaka pasiri pedyo nepari kugara vamwewo pamba penyu. Kugara gonhi rakavharwa.

Kugeza maoko nguva nenguva nesipo kana nemushonga wekugezesa maoko.

◆ Kuchenesa nzvimbo dzinobatwa nevanhu vakawanda nguva nenguva nesipo kana nemimwe mishonga yekushambi­dza.

Kushandisa imba yako yekugezera yakasiyana nevamwe, kana zvichiita.

Kuchenesa chimbuzi kana mekugezera nguva nenguva kana uchishandi­sa nevamwe.

Usashandis­a madhishi, zvekunwira zvakadai semakapu, zvipunu, matauro kana machira anoshandis­wa nevamwe. Kana ukazvishan­disa, zvigeze zvakasimba.

Usashandis­a dzimba dzinowanzo­pindwa nevamwe dzakaita seimba yekubikira kana ivo varipo.

Dyira kuimba yako wega.

◆ Shandisa masiki kana uchisangan­a nevamwe mumba.

◆ Dr Kabaya vari kuita zvidzidzo zveMasters in Public Health uye pari zvino vari kudzidzira basa (attachment) vari kuNAC.

MUDZIMAI anogara kwaSabhuku Murove, kwaChinham­ora, kuDombosha­va — uyo akaita mukurumbir­a nguva yadarika nenyaya yekuti aida kutengesa pamuviri paaiva napo nekuda kwenhamo — zvino ava mudenga rechinonwe zvichiteve­ra kubatsirwa kwaakaitwa zvakare nekambani yeBakers Inn kuti mumwe mwana wake ane chirwere che “hernia” avhiiwe nemachirem­ba.

Izvi zvinotever­a kuburitswa kwakaitwa neKwayedza nyaya yedambudzi­ko raNigel Mukusa (12) achitsvaga rubatsiro rwekurapwa gore rapera.

Gore rapera, amai vaNigel, Demetria Mukusa (34), vakabatsir­wawo neBakers Inn mushure mekubuda kwenyaya yavo muKwayedza vachiti vaida kutengesa pamuviri pavaiva napo apo vaive vashaya mari yekunonyor­esa kuchipatar­a neyekuteng­a zvinhu zvegadziri­ro yemwana aizozvarwa.

Mudzimai uyu akazobara mwana apo akavhiiwa mushure mekubatsir­wa nekambani iyi.

Nigel, uyo akanga ava kutadza kuenda kuchikoro nekurwadzi­wa nemudumbu, akavhiiwa nemumwe chiremba nyanzvi kupera kwemwedzi waZvita gore richangoda­rika.

Doctor Israel Dube, avo vanova nyanzvi yezvekuvhi­iwa kwevana kuchipatar­a cheSt Anne’s Hospital, muguta reHarare ndivo vakarapa mwana uyu.

Nemusi weChipiri svondo rino, Nigel akadzoka kuchipatar­a ichi nevabereki vake kuzogezwa ronda nekubviswa mabhandiji apo Kwayedza yakawana mukana wekukuruku­ra naDr Dube.

“Nigel ndakamuvhi­ya zvakabudir­ira tikagadzir­isa dambudziko rehernia raimunetsa kubva achizvarwa. Mwana uyu anga ava kusvika padanho rekuputudz­a zvaizokonz­era kuwedzera kwedambudz­iko iri dai zvisina kugadziris­wa.

“Ndinotenda kambani yeBakers Inn inova yakaunza mhuri iyi pano uye iri kubhadhara mari dzose dzinodiwa dzekumurap­isa,” vanodaro Dr Dube.

Vanoti hernia inobata zvakanyany­a vakomana kudarika vasikana nekudaro vanokurudz­ira vabereki kuona kuti vana vaongororw­a chirwere ichi.

“Denda iri rinofanirw­a kugadziris­wa vana vachangobv­a mukuberekw­a.

“Asi zvisinei nekuti zvatadza kuonekwa nenguva, zvinoitwa munhu akura sekuita kwatakaita pana Nigel. Dambudziko iri rikaregere­rwa munhu anoguma aita gomarara kana kufa. Varume vakuru vari kuuya nedambudzi­ko iri tichivarap­a zvakare,” vanodaro Dr Dube.

Mai Mukusa vanotenda Dr Dube nekambani yeBakers Inn.

“Ndinotenda Bakers Inn nekuramba ichindibat­sira.

“Ini pamuviri pangu ndakabatsi­rwa nekambani iyoyi kubhadhara chiremba akandivhiy­a nembatya dzemwana uyewo nezvekudya nezvimwe zvaidiwa. Nhasi mwana wangu, Nigel, uyo aitambura nehernia abatsirwa nekubhadha­rirwa mari yekuvhiiwa nekambani imwe cheteyo,” vanodaro Mai Mukusa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Mwana wangu ari kuenda Grade 7 uye ndinotaris­ira kuti achabudiri­ra sezvo asisina marwadzo, Bakers Inn yandibvisa mutsekwend­e ini zvose nemwana wangu.”

Zvisinei, vari kuchema-chema nenyaya yekunetswa kwavari kuramba vachiitwa naSabhuku Murove vachinzi vabhadhare US$300 yekuti vanyorwe mubhuku remusha mavanogara zvisinei nekuti vanotambur­a.

“Nyaya yandasara nayo inondinets­a ndeye US$300 inodiwa nasabhuku wedu inonzi yekunyorwa mubhuku remusha,” vanodaro Mai Mukusa.

Mai Loreen July — avo vanoona nezvekudyi­dzana neruzhinji kuBakers Inn — vanoti kambani yavo yakazvipir­a kudzorera kunharaund­a kuburikidz­a nekubatsir­a vanotambur­a.

“Mwana uyu akavhiiwa denda raaiva naro rikapera naDr Dube uye tichaita zvose zviri kudiwa kubvira pamari nezvimwe.

“Amai vemwana uyu zvakare, Demetria Mukusa, takavabats­ira sekambani kuti vavhiiwe pamuviri pavaiva napo uyewo tikavabats­ira nembatya nezvekudya nezvimwe,” vanodaro Mai July.

 ?? ??
 ?? ?? Nigel naDr Dube
Nigel naDr Dube
 ?? ?? Dr Dube vachiongor­ora Nigel Mukusa - Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
Dr Dube vachiongor­ora Nigel Mukusa - Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
 ?? ?? Mai Demetria Mukusa vaina Nigel uye vakabata mwana wavakasunu­nguka apo vakabatsir­wa neBakers Inn
Mai Demetria Mukusa vaina Nigel uye vakabata mwana wavakasunu­nguka apo vakabatsir­wa neBakers Inn

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe