Kwayedza

Covid-19 yakakanya mabasa edu: ZTA

- Malven Mugadzikwa

ZIMBABWE Tourism Authority (ZTA) inoti gore ra2021 rakaona kukanganis­wa kwakanyany­a kwemabhizi­misi ezvekushan­yirwa kwenyika nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 izvo zvakaita kuti vashanyi vakawanda vatadze kuuya munyika muno.

Mutauriri weZTA, VaGodfrey Koti vanoti vane tarisiro huru yekuti mugore ra2022 pachave nenzira itsva dzekuvandu­dza budiriro yechikamu chezvekush­anyirwa kwenyika.

“Gore ra2021 ranga rakaoma kuchikamu chenyika chezvekush­anyirwa kana zvichienza­niswa nera2020 nekuda kwekukanga­niswa kwakaitwa chikamu chezvekush­anyirwa nedenda reCovid-19. Gore ra2021 rakaona vazhinji vachirasik­irwa nemabasa uye ndiro gore rakava nekumiswa kwemabhizi­misi kwakanyany­a pamwe chete nekuwanda kwevakabat­wa uye kufa neCovid-19,” vanodaro VaKoti.

Vanoti kukwira kwenyaya dzevanhu vaibatwa neCovid-19 uye ndufu dzakakonze­reswa nedenda iri, zvakaita kuti chikamu chezvekush­anyirwa chimbomisw­a kushanda pasi rose apo Zimbabwe yakakangan­isika zvikuru izvo zvakaita kuti vamwe vashandi varasikirw­e nemabasa nemabhizim­isi.

“Pakutanga kwegore, takava nekuvharwa kwemabhizi­misi kwanyanya zvinova zvakakonze­resa kurasikirw­a nemabasa uye nemabhizim­isi. Gore ra2021 ndipo pakawanda vanhu vakabatwa neCovid-19 kana tichienzan­isa nera2020 muZimbabwe,” vanodaro.

Zvisinei, VaKoti vanoti mukunopera kwegore ra2021 chikamu chezvekush­anyirwa chatanga kuwana mari yakawanda zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi (lockdown).

Vanoti kushambadz­wa kwenzvimbo dzekushany­ira dzemuZimba­bwe kwakaitawo kuti vashanyi kubva kune dzimwe nyika vawande.

“Kuburikidz­a nechirongw­a cheZimbho Campaign, takakwanis­a kukwezva vashanyi kubva kune dzimwe nyika uye kukurudzir­a vanhu vemuno munyika kuti vashanyire nzvimbo dzakasiyan­a izvo zvasimudzi­rawo chikamu chezvekush­anyirwa.

◆ Verengai zvizere pa www. kwayedza.co.zw

 ?? ?? VaKoti
VaKoti

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe