Covid-19 yakakanya mabasa edu: ZTA
ZIMBABWE Tourism Authority (ZTA) inoti gore ra2021 rakaona kukanganiswa kwakanyanya kwemabhizimisi ezvekushanyirwa kwenyika nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaita kuti vashanyi vakawanda vatadze kuuya munyika muno.
Mutauriri weZTA, VaGodfrey Koti vanoti vane tarisiro huru yekuti mugore ra2022 pachave nenzira itsva dzekuvandudza budiriro yechikamu chezvekushanyirwa kwenyika.
“Gore ra2021 ranga rakaoma kuchikamu chenyika chezvekushanyirwa kana zvichienzaniswa nera2020 nekuda kwekukanganiswa kwakaitwa chikamu chezvekushanyirwa nedenda reCovid-19. Gore ra2021 rakaona vazhinji vachirasikirwa nemabasa uye ndiro gore rakava nekumiswa kwemabhizimisi kwakanyanya pamwe chete nekuwanda kwevakabatwa uye kufa neCovid-19,” vanodaro VaKoti.
Vanoti kukwira kwenyaya dzevanhu vaibatwa neCovid-19 uye ndufu dzakakonzereswa nedenda iri, zvakaita kuti chikamu chezvekushanyirwa chimbomiswa kushanda pasi rose apo Zimbabwe yakakanganisika zvikuru izvo zvakaita kuti vamwe vashandi varasikirwe nemabasa nemabhizimisi.
“Pakutanga kwegore, takava nekuvharwa kwemabhizimisi kwanyanya zvinova zvakakonzeresa kurasikirwa nemabasa uye nemabhizimisi. Gore ra2021 ndipo pakawanda vanhu vakabatwa neCovid-19 kana tichienzanisa nera2020 muZimbabwe,” vanodaro.
Zvisinei, VaKoti vanoti mukunopera kwegore ra2021 chikamu chezvekushanyirwa chatanga kuwana mari yakawanda zvichitevera kunyevenutswa kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwere ichi (lockdown).
Vanoti kushambadzwa kwenzvimbo dzekushanyira dzemuZimbabwe kwakaitawo kuti vashanyi kubva kune dzimwe nyika vawande.
“Kuburikidza nechirongwa cheZimbho Campaign, takakwanisa kukwezva vashanyi kubva kune dzimwe nyika uye kukurudzira vanhu vemuno munyika kuti vashanyire nzvimbo dzakasiyana izvo zvasimudzirawo chikamu chezvekushanyirwa.
◆ Verengai zvizere pa www. kwayedza.co.zw