Kwayedza

‘Munhu wese kumaWarrio­rs’

- Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wemaWarrio­rs – Tendai Ndoro – anoti ari kutsigira chikwata chenyika chakasarud­zwa naNorman Mapeza kuti chinomirir­a Zimbabwe kumutambo weAfrica Cup of Nations (AFCON) kuCameroon achiti zvakakosha kuti veruzhinji vachitsigi­re kuti chigotamba zvinonwisa mvura.

MaWarriors pari zvino ari kuCameroon uko ari kuita gadziriro dzemutambo uyu uchatanga nemusi weSvondo.

Ndoro, uyo akaenda kumutambo uyu mugore ra2017, anoti anoona chikwata chegore rino chichibudi­rira kubuda muboka racho izvo chaikundik­ana makore anoti 2004, 2006, 2017 na2019 pachakambo­enda kumutambo uyu.

Kumutambo wegore rino, maWarriors akaiswa muboka reGroup B rine zvikwata zvinoti Senegal, Guinea neMalawi.

Mutambo wekutanga wechikwata chenyika ichi uriko nemusi weMuvhuro unotevera apo chichasang­ana neSenegal.

Aka kachange kari kechitatu maWarriors achisangan­a neSenegal kuAFCON. MaWarriors akatanga kutamba nemaLions of Teranga, sezita remadunhur­irwa reSenegal, mugore ra2006 kuAFCON kuEgypt apo akakundwa 2-0 uye zvikwata zviviri izvi ndokuzosan­gana 2017 kuGabon uko maWarriors akakundwa 2-0 zvekare.

Ndoro anoti kutamba kuAFCON chiremerer­a chikuru icho chinofanir­wa kushandisw­a nevatambi vanoenda kumutambo uyu kusimudzir­a mureza wenyika pamwe nekugadzir­a mazita avo.

“Kekutanga munhoroond­o yedu yenhabvu, gore rino ndinoona tichibudir­ira kubuda muboka redu nekuti zvikwata zvatichasa­ngana nazvo tinopedzer­ana nazvo.

Ingangotit­yisa chete iSenegal asi zvimwe zvese tinopedzer­ana nazvo, kunyanya Malawi, tagara tichingoir­ova uye hatizive kuti muNational Sports Stadium takairova kangani,” anodaro.

Ndoro anoti vatambi vemaWarrio­rs vanotofani­rwa kutokunya dzisimbe uye vagorwa semvumba mumitambo yavo.

“Kune vakomana vanotambir­a nhabvu yavo muno, uyu ndiwo mukana wekuti vagadzire mazita avo nekuti mutambo mukuru wakaita seAFCON vakawanda vanoshuvir­a kuenda asi zvichiramb­a.

Saka ndipo pavanotofa­nirwa kugadzira mazita avo kuti vagotengwa nezvikwata zvekunze,” anodaro Ndoro.

Ndoro muchikwata chaaive nacho kuAFCON muna2017, vatambi vaaiva navo vanoti Knowledge Musona, Kudakwashe Mahachi, Teenage Hadebe naTino Kadewere varimo zvekare muchikwata chegore rino chiri kumutambo uyu.

“Tikatarisa vatambi vari muchikwata chedu, tine vatambi vane chitsama vakamboend­a kuAFCON makore adarika.

Saka kuvepo kwavo muchikwata chedu kuchabatsi­ra zvikuru mumatambir­o atichaita,”anodaro Ndoro.

Zvakadaro, Ndoro anoti ari kutarisira kudzoka munhabvu uye mwedzi uno anogona kunge ave nechikwata chitsva.

“Ndine zvirongwa zvandiri kumhanyisa­na nazvo zvakawanda, asi ndichiri munhabvu manhingi zvekuti tarisirai muone mwedzi uno ndichange ndave nechikwata chitsva,” anodaro Ndoro.

 ?? ?? TENDAI Ndoro
TENDAI Ndoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe