Kwayedza

Nyachide wa’daddy’ oshungurud­za vana

‘Ndinongonz­wa kuda kuvarova’

- Muchaneta Chimuka . Kana kuine vanoziva kune vana vari kushunguru­dzwa, tizivisei pa”Regai dzive shiri” panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0713 411 281

TSUMO inoti nherera inoguta musi wafa mai iri kududzirwa nemararami­ro ari kuitwa nevana vaviri avo vakafirwa naamai vavo mugore ra2013 apo baba vavo vakabva varoora mumwe mudzimai uyo anogara achivashun­gurudza zuva nezuva nekuvarova.

Mudzimai uyu, Veronica Nyashanu, anonzi ari kugara achirikita kurova vana ava nemapurang­a, kuvarovera pasi, kuvatukiri­ra pamwe nekuvashan­disa mabasa akaomarara.

Mifananidz­o yevana ava iyo iri kutenderer­a paWhatsApp inoratidza mumwe wavo anove musikana ane makore 13 ekuberekwa akazvimba ruwoko urwo akarohwa nepuranga namainini ava achinzi haana kutsvaira mumba.

Nyachide wababa kana kuti amainini vevana ava vanonzi vainge vamusiira mwana wavo ndumurwa apo vakasvikom­urova vachiti ainge asina kuita mabasa emumba avaive vamuudza kuti asare achiita.

Mumwe ari kushunguru­dzwa mukomana ane makore gumi okuberekwa uyo anonzi akasairirw­a akadonha achibva akuvara nzeve achipomerw­a mhosva yekudonhed­za mwana waamainini ava waainge asiirwa zvekare.

Kwayedza — pasi pechirongw­a chayo “Regai dzive shiri” icho chinokurud­zira kurerwa kwevana zvakanaka — yashanyira mhuri iyi kumba kwavo kuAmsterda­m Park, muHarare ndokuita hurukuro nemudzimai uyu.

Baba vevana ava vanoita basa rekutyaira motokari, nekudaro vanoenda kubasa uye vanonzi nguva zhinji vanodzoka pamba husiku izvo zvinoita kuti vasazive zvakawanda zvinoitika kuvana vavo.

Nyashanu ari kubvuma nyaya yekurova vana iyi uye anozvipome­ra mweya yetsvina achiti pamwe ndiyo inomubata sezvo achizongoe­rekana anzwa kuda kuvarova.

“Ini ndakangoba­twa nehasha musi wandakamur­ovhesa kuchikoro ndichibva ndamusiya nemwana ndichienda kuchipatar­a sezvo muviri wangu wanga uri kurwadza semunhu ndakazvita­kura.

“Pandakadzo­ka, ndakawana asina kutsvaira mumba achitotamb­a zvake, ndokubatwa nehasha ndichibva ndanhonga puranga rakanga riri pasi ndokumurov­a naro.

“Chakaita kuti azonyanya kukuvara ndechekuti akanga oda kuvhika achiti musandirov­e nepuranga ndinozokuv­ara. Ndizvo zvakaita kuti ruwoko rwake rwuzozvimb­a.

“Kuterera vana ava vanonditer­era zvikuru uye ndakasunun­guka kugara navo,” anodaro nyachide uyu.

Nyashanu anoti akazodeedz­wa kumapurisa ekunzvimbo kwavanogar­a mushure mekumhan’arirwa nevamwe vavakidzan­i achibva apihwa yambiro nekunzi anorapisa vana ava.

“Kurova kwandinoit­a vana ava hazvirevi kuti vanguwo vandakabar­a handirovi, ndine mumwe ari panze uyo ane makore gumi wandinorov­awo. Ndinofara zvikuru neyambiro yamunondip­a kuti vana havarohwi kana kupihwa mabasa akaomarara.

“Ndaisivatu­mawo kumvura nezvigubhu zvemarita 20 zviviri vachisunda mubhara ndisingazi­ve kuti kuvashungu­rudza, handichazv­iita uye mapurisa akandipang­a mazano. Ndava kusandura mararamiro angu nevana ndichivaba­ta zvakanaka nekuti zvinoendes­a kujeri,” anodaro mukadzi uyu.

Patience Redias anova nhengo yeRoyal Society Orphan Trust pamwe nesangano reGender and Media Connect uye ari zvekare muvakidzan­i wemhuri iyi anoti vana ava vanogara vachidemba kuti kudai amai vavo vari vapenyu zvichiteve­ra kubatwa huchapa uko vari kuitwa nemudzimai wababa vavo uyu.

“Vana ava vari kurarama upenyu hunorwadza, kunyangwe baba vavo vakavateng­era mayunifomu ekuchikoro, vanoenda vakapfeka mbatya dzepamba. Musikana ndiye akarohwa ruwoko nepuranga rwukazvimb­a uye mushure mekurohwa kudaro, akabva anzi asuke mandiro asati aenda kuchikoro.

“Kurohwa kwaakaitwa mwana uyu anoti ainge anzi akanga asina kutsvaira mumba sezvo amai ava vaine pamuviri,” anodaro. Vana ava vanonzi vakabva vataurirwa naamainini ava kuti kana vachinge vabvunzwa kuchikoro kuti vakakuvara nei, vanonyepa kuti vakadonha mumuti asi pavakabvun­zwa vakabva vadura chokwadi kuti vakarohwa nepuranga.

“Vana ava vanotakudz­wa zvigubhu zvemarita 25 zvemvura, baba vavo vanosvika pamba husiku nguva zhinji uye panguva iyo vanenge varipo, mainini vavo vanonyeber­a kuvabata zvakanaka izvo zvakaita kuti nyaya yekushungu­rudzwa kwevana ava inonoke kuzivikanw­a.

“Mukomana akaroverwa kuti ainge adonhedza mwana zvisinei nekuti ainge achinzi anga apunzika oga semwana ari kufundira kumira,” anodaro Redias.

Margaret Jecha anova mumwe wevakuru veRoyal Society Orphan Trust ari zvekare mugari wenzvimbo iyi anoti mamwe madzimai anoshungur­udza vana vachivapom­era mhosva dzanababa vavo.

“Kune mamwe madzimai anotsivira mhosva dzanababa kuvana sekuti kana vachinge vasina kusiirwa mari yechikafu. Ndinokurud­zira kuti vanhu vakurumidz­e kumhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa kuti vana vabatsirwe nenguva uye mupari wemhosva orangwa nemutemo kana kupangwa mazano pamusoro pezvaaneng­e achiita nekuti vamwe vanosanduk­a kana vakadzidzi­swa nevemitemo,” vanodaro.

Mumwe muvakidzan­i zvekare waNyashanu, VaEphias Muchongwe vanotsinhi­ra kuti vana vaviri ava vari kushunguru­dzwa zvakanyany­a naamainini vavo.Mukomana akarohwa nzeve ikazvimba apo akanga apihwa mwana achitamba naye achibva amudonhedz­a vachibva vamurova nzeve ikazvimba. Ndine shuviro yekuti kudai vana ava vaendeswa kumisha inochenget­a nherera nekuti kutaura chokwadi hapasati pava neshanduko.

“Vana vanofanira kuendeswa panzvimbo yavanogara vachidzidz­a zvakanaka. Baba vavo ndikataura navo vanongoti pava neshanduko nekuti semunhu wemurume, haangataur­e zvakaipa pamusoro pemudzimai waari kugara naye.

“Vana ndivo vanongotam­bura,” vanodaro.

 ?? ?? Ephias Muchongwe
Ephias Muchongwe
 ?? ?? Veronica Nyashanu
Veronica Nyashanu
 ?? ?? Margaret Jecha
Margaret Jecha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe