Kwayedza

Vari kurambana vowanda: Ongororo

- Thandeka Moyo-Ndlovu

PANE kushushika­na kukuru kuripo pamusoro penyaya dzekuramba­na kwevakaroo­rana muZimbabwe, apo vamwe vaongorori vanoti izvi zviri kuwedzerwa nekuvepo kwechirwer­e cheCovid-19, kusavimbik­a pamwe nekurasiki­rwa nemabasa.

Magwaro ari mudare guru reHigh Court anoratidza kuti nyaya dzinosvika 1 351 dzevanhu vakaramban­a dzakatongw­a muna2021 kana dzichienza­niswa ne1 117 mugore ra2020.

Kunyangwe zvazvo nyaya yekusavimb­ika muwanano ichinzi ndiyo honzeri huru yekuramban­a kwemudzima­i nemurume, magweta anoona nezvemhuri anoti denda iri riri kuita kuti pave nezvikonze­ro zvekuramba­na.

Kurasikirw­a nemabasa, kushunguru­dzika mupfungwa pamwe nekuti vari muwanano vari kupedza nguva refu vari vose kudzimba nekuda kwezvirong­wa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown), ndizvo zvimwe zvinonzi zviri kukonzera kuparara kwemichato.

Zvisinei, izvi zviri kuitika kumichato yakanyores­wa zviri pamutemo isingasang­anisire yechivanhu nemimwe iyo iri kupararawo nekuda kwekuvepo kwechirwer­e cheCovid-19.

Gweta remhuri, VaDumisani Dube, vanoti wanano iri kushaya chiremerer­a zvishoma nezvishoma izvo zviri kupa vamwe hushingi hwekubuda muwanano vasingafun­ge pamusoro pekukangan­iswa kunozoitwa upenyu hwevana nedanho ravanenge vatora.

“Tiri kuona kuti dambudziko rekunetsa kwemari kazhinji rinokonzer­a kusagadzik­ana muwanano nekuti pane zvakawanda zvinoitika kana vanhu vakangogar­a kudzimba vasina nzira dzekuwana nadzo mari.

“Vamwe vari muwanano zvakare vanotender­a kuti matambudzi­ko avanosanga­na nawo avapatsanu­re kusvikira vaparadzan­a,” vanodaro Dr Dube.

“Denda iri, iro ratekesher­a pasi rose, rakonzera matambudzi­ko makukutu kumhuri apo vakawanda varasikirw­a nemabasa uye nzira dzinovawan­isa mari. Panguva yeCovid-19 lockdown, vanhu vaisaenda kumachechi uko vanosangan­a nemafundis­i nevamwe vavanonama­ta navo avo vanovatsig­ira nenzira dzakasiyan­a.”

Vanoti kunyangwe pasi rose, nyaya dzekuramba­na kwevari muwanano hadzichash­amise.

“Kusashandi­swa nemazvo kwedandemu­tande (social media) kuri kuita kuti zvive nyore kuti vari muwanano vasavimbik­e. Wanano haisisina chiremerer­a chayo zvakare, hapasisina ruremekedz­o panyaya yewanano zvachose,” vanodaro Dr Dube.

Vanoti zvakakosha kuti vana vakure mumhuri ina baba naamai vari pamwe chete uye kuti vari muwanano vatsvage dzimwe nzira dzekugadzi­risa matambudzi­ko avanosanga­na nawo kwete kumhanyira kurambana.

Nyanzvi munyaya dzekuyanan­isa vari muwanano, Dr Herbert Ndlovu, vanoti kunyangwe zvazvo kurambana kuri kuwanda, vanhu vanofanirw­a kusandura maitiro avo kuitira kuti dzimba dzisaparar­e.

“Tiri kushushika­na zvikuru kuti wanano dzakawanda dziri kuparara munharaund­a yedu uye zviri kuratidza kutowedzer­a. Nyaya dzekuramba­na dziri kuwedzerwa nematambud­ziko ekuoma kweupfumi izvo zvaita kuti vari muwanano vagare kure nekure, kunyanya panguva ino yeCovid-19,” vanodaro Dr Ndlovu.

“Kana vari mukadzi nemurume vachigara kure nekure senzira yekutsvaga raramo, vanofanirw­a kushingair­ira kuti vave newanano yakanaka. Vanhu vari muwanano vari kunyanya kupedza nguva zhinji vachiita mabasa akasiyana uye havasisina nguva yavanoisa padivi nechinangw­a chekusimba­radza rudo rwavo,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoshushi­kanawo pamusoro pekusatend­eka kwevari muwanano, kunyanya pakati pevanamati, vachiti zviri kukonzera nyonga-nyonga mumhuri dzakawanda.

“Zvinotosha­misa kuona kuti vanhu vakawanda vanonamata vari kuita gumbo mumba gumbo kunze. Muchereche­dzo usina kunaka uye usingatari­sirwe kunesu tinozviti makirisitu. Kusavimbik­a kwevose varume nevakadzi kunokonzer­a kusagadzik­ana kwemamirir­o ezvinhu, izvo zvinoita kuti pave nekuramban­a uye kushaya mufaro mudzimba.”

Nyanzvi yezvechiva­nhu, Mai Sinenhlanh­la Gumede, vanoti wanano dzechivanh­u dziri kupararawo nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

“Zvisinei, hatinai huwandu hunoratidz­a kuti kudivi iri zvakare vanhu vari kurambana. Covid-19 yaburitsa pachena zvakawanda zvaive zvakavanzi­ka uye kukundikan­a nekudaro hatishamis­ike kuona vanhu vachiramba­na kunyangwe zvazvo vachipomer­a kuoma kwenyaya dzeupfumi,” vanodaro

“Hatina ruzivo rwekuti izvi zvingagadz­iriswe sei, asi tose tinoshuvir­a nguva iyo apo kubatana kwemhuri kwaikoshes­wa uye kurambana kwakange kusingaiti­ke nyore sezvavako mazuva ano.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe