Kwayedza

Vobatwa ‘chibharo’ nenyoka

- Trisa Ray Sibanda naNomthand­azo Masuku

VAGARI vekuInyath­i Village 5 kudunhu reMatabele­land North vanonzi vari kuoneswa pfumvu nenyoka ine hudokwa-dokwa hwekuda bonde iyo iri kubata vanhukadzi “chibharo” pamwe nekuti sikarudzi dzevanhuru­me vemunzvimb­o iyi dzishaye simba uye ichivatore­ra mari.

Kwayedza yakakuruku­ra nevamwe vagari vemunzvimb­o iyi avo vari kugunun’una zvikuru nedambudzi­ko renyoka iyi.

“Varume vedu vanoshanda nesimba kuti mhuri dzigute asi hationi chavanouya nacho sezvo mari yavanoshan­dira yose inongonyan­garika. Izvi zviri kuitika mudzimba dzakawanda sezvo munhu wose ari kungochema nenyaya iyi, zvave kuita kuti tifungire kuti pane munhu ane nyoka iri kuita mabasa iwaya,” anodaro mumwe wevagari vemubhuku iri (zita tinaro).

Nyoka iyi inonzi yakatanga kuonekwa iri musaga mugomo kuInyathi nemumwe muvhimi uyo akazoudza sabhuku weko.

Zvinonzi muvhimi uyu akanzwa nyoka iyi ichishinyi­ra iri musaga pakabva paita kutinhira kwakakura izvo zvakaita kuti afungire kuti ine chekuita nezvemisho­nga.

Sabhuku uyu akabva adaidzira musangano nevanhu vemubhuku make kuti vaende kunoona nyoka iyi kugomo asi musaga macho makawanikw­a musina chinhu kunze kwemapamba (pamper) akashandis­wa.

Vamwe vanhu vemubhuku iri vakazodaid­za vanatsikam­utanda kuti vachenure nzvimbo yavo.

Panguva iyo vanatsikam­utanda vaiita basa ravo, zvinonzi chamupupur­i chakabva chasimuka chikaenda kunomira pamba pemumwe mudzimai uyo aifungidzi­rwa kuti ndiye muridzi wenyoka iyi.

Muhurukuro neKwayedza, mukadzi uyu (zita tinaro) anoramba nyaya iyi uye anoti vamwe vanhu vemubhuku make vane godo nekubudiri­ra kwakaita mhuri yake zvave kuita kuti vafungidzi­re kuti upfumi hwavo vanohuwana kuburikidz­a nenyoka iyi.

“Ndinozvinz­wa kuti pane nyoka yashunguru­dza vanhu vemubhuku medu asi zviri kufungidzi­rwa kuti ndini muridzi wenyoka iyi manyepo. Hapana chandinozi­va nezvenyoka iyoyo uye handina nyoka yandakambo­ona ini,” anodaro mudzimai uyu.

Magariro emudzimai uyu nevemubhuk­u rake anonzi haasisina kunaka sezvo vose vave kumutya nekuda kwenyaya iyi. Kwaanoenda vanhu havadi kugara pedyo naye uye vana vake kuchikoro havachatam­ba nevamwe sezvo vave kusarudzwa.

Nyaya yekuti vanatsikam­utanda vafambe paimba imwe neimwe vachichenu­ra nekuchenge­tedza vanhu kubva kunyoka iyi inonzi yakaramba kubudirira sezvo mambo wenzvimbo iyi akati hazvisi pamutemo uye zvinoda mari yakawanda kuti vaite izvi.

Sabhuku VaFrank Hlalakuhle vanotsinhi­ra nezvedambu­dziko renyoka iyi.

“Vanhu vemubhuku mangu vari kutsutsumw­a nezvenyoka iyi kwenguva yareba chaizvo. Mutemo hautenderi kuti tipinde mudzimba dzevanhu tichichenu­ra nechinangw­a chekupedza dambudziko iri, chero tichifungi­dzira kuti pane ane nyoka yaanogara nayo.

“Zvisinei, mambo vakati anenge asangana nedambudzi­ko renyoka iyi anogona kudaidza tsikamutan­da kuti amuchenure. Handina simba rekuti vanatsikam­utanda vafambe imba yogayoga vachichenu­ra,” vanodaro Sabhuku Hlalakuhle.

 ?? ?? Sabhuku Frank Hlalakuhle
Sabhuku Frank Hlalakuhle

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe