Kwayedza

Mbavha yaibika sadza mumba mayaba

- Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

RAKAVE bhaisikopo remahara mumusha weChikanga, kwaMutare nemusi weMugovera wadarika apo vamwe vagari veko vakarikita mbavha yakawaniki­dzwa ichibika sadza mumba mevaridzi zuva rakacheka nyika.

Mbavha iyi, iyo inozivikan­wa saLloyd kana kuti Lodza, yakabatiki­dzwa nehanzvadz­i yemumhan’ari — Charles Ndadzungir­a — uyo ainge ashanya pamba apa, ichitozvig­adzirira chikafu muimba yekubikira.

Mbavha iyi payakaedza kutiza, vamwe vavakidzan­i vakabva vatanga kudaidzira izvo zvakaita kuti ibatwe ndokutanga kuzvambara­dzwa.

Muridzi wepamba apa, Rufaro Ndadzungir­a, anonzi akanga aenda kugomo reMurahwa kunotsvaga huni panguva iyo mbavha iyi yakasara ichipinda mumba make.

Charles anoti paakasvika pamba pehanzvadz­i yake, akatofunga kuti ainge aripo sezvo musuwo wainge wakashama.

“Ndakapinda ndokutowan­a murume uyu ari mushishi kubika sadza uye parutivi rwake paive nebhegi rainge rakazara mbatya nemapoto. Pandakabvu­nza zita rake, haana kupindura asi akatoedza kutiza mumba muya ndikazodai­dzira kune veruzhinji kuti mbavha achibva abatwa ava kugedhi ndokubva arohwa zvakasimba nevanhu vaipfuura,” anodaro Charles.

Anoti mbavha iyi yakakuvara zvakanyany­a mushure mekurohwa uku.

Zvisinei, vamwe vavakidzan­i vanosangan­isira Beauty Kanyenze vanofungir­a kuti murume uyu anogona kunge ari mudiwa waRufaro.

“Hatina kuziva kuti akakwanisa kutiza sei asi kuti aingobuda ropa mushure mekurohwa. Ndinofunga kuti anogona kunge ari shamwariru­me yaRufaro saka paakaona Charles akavhunduk­a akakundika­na kutaura zvaaive. Vanhu vakangotan­ga kumurova pavakanzwa kuti imbavha saka haana kunyatsopi­hwa nguva yekuti ataure kuti ainge avingei pamba apa,” anodaro Kanyenze.

Zvisinei, Rufaro anoti Lodza imbavha yakabatiki­dzwa ichitobika mumba make.

“Ndiri kutozvisha­ya kuti sei munhu iyeye akasarudza kupinda mumba mangu, hamuna kana chinhu chekuba. Ndinovimba ndicho chikonzero asarudza kubika sadza uye handimuziv­e murume iyeyu, zvose zvakaitika ndisipo,” anodaro Rufaro. Mashoko ake anotsinhir­wa naCharles achiti Lodza imbavha nekuti akanga atorongedz­a mbatya nemapoto zvehanzvad­zi yake mubhegi apo akazomubat­ikidza.Nyaya iyi haina kumhan’arwa kumapurisa.

 ?? ?? Sadza
Sadza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe