Kwayedza

Kana museve woda nyama . . .

- Munyori weKwayedza

MUPOROFITA wenhema anogara kuDema, kwaSeke akatongerw­a kuti anofondoka kwemaawa 105 mushure mekubatwa nemhosva yekutenges­a nyoka dzinosanga­nisira mhakure nerovambir­a munzvimbo yeChitungw­iza.

Mutongi Tafadzwa Miti wedare reHarare Magistrate­s Court akatongera Herbert Gorimbo kupika jeri kwemwedzi mitatu mushure mekumubata nemhosva yekubvisa nyoka panzvimbo dzadzinoga­ra achidziend­esa kumwe asina mvumo sezvinodiw­a pasi pemutemo.

Mutongi Miti vakazomubv­isira mwedzi yose iri mitatu ndokuti anofanira kunofondok­a paMujakata Poly Clinic kutanga nemusi weMuvhuro.

Magorimbo akapihwa mutongo uyu mushure mekubvuma mhosva yake.

Akaudza dare kuti vanhu ndivo vaimuhaya kuti abvise nyoka mudzimba dzavo achizonodz­itengesa kune vamwe vanodzisha­ndisa.

Gorimbo anoti ange aine hurongwa hwekuzonow­aniswa magwaro ekuita basa iri kubva kubazi rinoona nezvemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Authority (ZimParks) kuti ange achiita izvi zviri pamutemo.

Muchuchisi Polite Chikiwa vakaudza dare kuti nemusi wa5 Ndira gore rino, matikitivh­a ekuCID Minerals Flora and Fauna Unit vakanyever­wa kuti Gorimbo akanga aine nyoka dzaaitenge­sa.

Mumwe wematikiti­vha akafonera Gorimbo achiita seanoda kutenga nyoka vachibva vatenderer­ana kuti vazosangan­a pedyo neChitungw­iza Town Council.

Mushure memaminits­i makumi matatu, Gorimbo akasvika paChitungw­iza Town Council achityaira motokari isina manhamba asi iri yemhando yeHonda Airwave achipereke­dzwa naDisire Matambanad­zo.

Gorimbo akadzika mumotokari kuti asangane nematikiti­vha aya ainge akagara mumota.

Gorimbo akabvuma kutengeser­a matikitivh­a aya nyoka achiita US$100 imwe chete apo akaburitsa mhakure nerovambir­a rainge rakasungwa nejira jena kumativi ose.

Matikitivh­a akabva azvizivisa kwaari kuti vaive mapurisa ndokumuti aburitse magwaro anoratidza kuti ane kodzero yekuita basa rekutenges­a nyoka, asi haana kukwanisa izvo zvakaita kuti asungwe.

 ?? ?? Herbert Gorimbo (akasungwa nengetani) achisvika padare reHarare Magistrate­s’ Courts aine matikitivh­a.
Herbert Gorimbo (akasungwa nengetani) achisvika padare reHarare Magistrate­s’ Courts aine matikitivh­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe