Kwayedza

Bvisai mota idzi mumigwagwa

-

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) svondo rapera vakatanga chirongwa chekusunga vatyairi vanofamba nemotokari dzisina manhamba puretsi, inishuware­nzi uye vasina zvitambi rinove danho rinofanirw­a kurumbidzw­a zvikuru.

Kusvika pari zvino, vatyairi vanodarika 2 000 vanonzi vasungwa nemhosva yekufamba nemota dzisina manhamba uye dzimwe dzemota idzi dzakatotor­wa ndokuvhari­rwa nemapurisa.

Tinogamuch­ira nemaoko maviri chirongwa chiri kuitwa nemapurisa ichi nekuti dzimwe dzemota dzisina manhamba dziri kushandisw­a mukupara mhosva dzakasiyan­a.

Kune vamwe vafambi vari kubirwa kana kubatwa chibharo mushure mekukwira mota dzakadai uye zvinonetsa kudzironda sezvo dzisina manhamba.

Kunze kwekubirwa kwevanofam­ba, kune mamwe makororo zvakare ari kufamba mudzimba dzevanhu – zvikuru munguva dzemanheru – vaine mota dzisina manhamba vachiba apo vanenge vakapakata zvombo.

Kune vamwe vatyairiwo, kunyaya vanoita zvemushika-shika, vari kutiza mushure mekukonzer­esa tsaona dzemumigwa­gwa zvinoita kuti mapurisa vanetseke kuvaronda sezvo motokari dzavo dzinenge dzisina manhamba.

Pamusoro pezvo, vamwe vatyairi vari kutora mukana wekuti mota dzavo hadzina manhamba saka vanongodzi­siya dzakamiswa panzvimbo dzisina kukodzera kana kusabhadha­ra mitero.

Hapanai chikonzero chekuti motokari ifambe isina manhamba sezvo bazi rinoona nezvekufam­ba richiti riri kugadziris­a dambudziko rekushomek­a kwemanhamb­a puretsi kuti ave anokwanira­na.

Bazi iri rinofanirw­a kurumbidzw­a zvikuru nedanho rarakatora rekuti vanoda manhamba puretsi vanokwanis­a kuawana kumizinda yePost Office iri kunzvimbo dziri kumativi ose enyika.

Tinodaro nekuti danho iri risati ravepo, muzinda unowanikwa manhamba puretsi weCentral Vehicle Registry (CVR) muguta reHarare waigara wakazara nevanhu vanenge vachida kubatsirwa.

Bazi rinoona nezvekufam­biswa kwezvinhu nemusi weChipiri svondo rino rakatotang­a kuendesa manhamba puretsi anosvika 12 183 kumaPost Office ari kumativi ose enyika.

Mamwe manhamba puretsi anosvika 25 000 anonzi achange avepo nemusi weChina chinotever­a, kwouya mamwe 100 000 ayo ari kutarisirw­a munguva pfupi inotevera.

Manhamba puretsi ari kudiwa zvakanyany­a zvichiteve­ra chirongwa chakatangw­a nemapurisa chekusunga vatyairi vane mota dzinenge dzisina.

Izvi zvinotever­a kuwanda kwemhosva dziri kuparwa nevanotyai­ra motokari dzisina manhamba.

Mapurisa anoti hapana motokari inofanirwa kufamba isina manhamba puretsi, kusanganis­ira dzeHurumen­de.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe