Bvisai mota idzi mumigwagwa
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) svondo rapera vakatanga chirongwa chekusunga vatyairi vanofamba nemotokari dzisina manhamba puretsi, inishuwarenzi uye vasina zvitambi rinove danho rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru.
Kusvika pari zvino, vatyairi vanodarika 2 000 vanonzi vasungwa nemhosva yekufamba nemota dzisina manhamba uye dzimwe dzemota idzi dzakatotorwa ndokuvharirwa nemapurisa.
Tinogamuchira nemaoko maviri chirongwa chiri kuitwa nemapurisa ichi nekuti dzimwe dzemota dzisina manhamba dziri kushandiswa mukupara mhosva dzakasiyana.
Kune vamwe vafambi vari kubirwa kana kubatwa chibharo mushure mekukwira mota dzakadai uye zvinonetsa kudzironda sezvo dzisina manhamba.
Kunze kwekubirwa kwevanofamba, kune mamwe makororo zvakare ari kufamba mudzimba dzevanhu – zvikuru munguva dzemanheru – vaine mota dzisina manhamba vachiba apo vanenge vakapakata zvombo.
Kune vamwe vatyairiwo, kunyaya vanoita zvemushika-shika, vari kutiza mushure mekukonzeresa tsaona dzemumigwagwa zvinoita kuti mapurisa vanetseke kuvaronda sezvo motokari dzavo dzinenge dzisina manhamba.
Pamusoro pezvo, vamwe vatyairi vari kutora mukana wekuti mota dzavo hadzina manhamba saka vanongodzisiya dzakamiswa panzvimbo dzisina kukodzera kana kusabhadhara mitero.
Hapanai chikonzero chekuti motokari ifambe isina manhamba sezvo bazi rinoona nezvekufamba richiti riri kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemanhamba puretsi kuti ave anokwanirana.
Bazi iri rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nedanho rarakatora rekuti vanoda manhamba puretsi vanokwanisa kuawana kumizinda yePost Office iri kunzvimbo dziri kumativi ose enyika.
Tinodaro nekuti danho iri risati ravepo, muzinda unowanikwa manhamba puretsi weCentral Vehicle Registry (CVR) muguta reHarare waigara wakazara nevanhu vanenge vachida kubatsirwa.
Bazi rinoona nezvekufambiswa kwezvinhu nemusi weChipiri svondo rino rakatotanga kuendesa manhamba puretsi anosvika 12 183 kumaPost Office ari kumativi ose enyika.
Mamwe manhamba puretsi anosvika 25 000 anonzi achange avepo nemusi weChina chinotevera, kwouya mamwe 100 000 ayo ari kutarisirwa munguva pfupi inotevera.
Manhamba puretsi ari kudiwa zvakanyanya zvichitevera chirongwa chakatangwa nemapurisa chekusunga vatyairi vane mota dzinenge dzisina.
Izvi zvinotevera kuwanda kwemhosva dziri kuparwa nevanotyaira motokari dzisina manhamba.
Mapurisa anoti hapana motokari inofanirwa kufamba isina manhamba puretsi, kusanganisira dzeHurumende.