Mbavha yakaba coffin:
Ane zvivindi. Changa chasara kutoba chitunha chacho. — Russell Jon.
**********
Mufi akaramba kuvigwa nebhokisi rekuba. — Virginia Chirai.
**********
Ndakaona imwe clip paivigwa munhu necasket rinodhura, vakatanga vadira concrete ndokuzofushira guva kuratidza kuti vanhu vane zvivindi zvekuba nyangwe rafushirwa muguva.
— Edith Rukasha.
**********
Witness anenge ndiye mbavha uyu!
— Joji Murukazi.
**********
Imbavha hayo but kune dziri serious kupfuura ipapo, dzinofukunura guva dzichida coffin dzoisa chitunha paside.
— James Jimmy Mashayanyika.
**********
Iyo ndombavha manje? Kuba chingoro, wonoba necoffin racho, aewa ah! — Mellinda Mabwe.
**********
Yooooo, inga zvakaoma shuwa. Huipi hwazonyanyisa manje. — Angelica Muchena.
**********
Asi pamutemo wechivanhu, coffin rinofambirwa kunotengwa nemunhu 1 here? Hama dzinenge dzaiziva kuti pari kuuya coffin remadhiri apa. Agosvika naro pamusha ari ega achirisunda nechingoro kana dai akabudirira padhiri rake? Pakaipa! — Fortunate Tawana.
**********
Mbavha haina mhosva, varidzi vemufi ndivo vasina kukwana. Handiti coffin haringotengwa here, munotoenda nehama dzemunhu dzosarudza ravanoda. — Masline Mason.
**********
Nemiwo, iro coffin rotengwa sedomasi here kunzi ndipei mari ndouya naro! — Petronella Chiyangwa.
**********
Murume apedzesera kutaura uyo nyatsomuogororai hana yake. Ikutoratidza kut ikuponda. Ndiye mbavha yacho uyu. Handisi kumuchenesa. — Yolanda Mutanda Mashava.
**********
Ndosaka ichinzi mbavha, mbavha inoba nenzira yakasiyana-siyana. — Luckson Langa.
**********
Mbavha yaibika sadza mumba mayaba:
Izhara yanga yabata munhu, momurova futi! — Desmond Munyengwi.
**********
Inzara vamwe vanhu vakushaya kana chekuisa mudumbu, akatongoti rega ndibike vanowana ndirimo havo. — Lenny Lenny.
**********
Zvimwe hazvidi kuti murikite munhu zvekudero. Ko kana mukatanga manzwisisa zvinodii? Pamwe munhu anga ofa nenzara imi ndopomomupedzisa nekurova! — Washington George.
**********
Inzara inodaro pamwe aingoda hake kudya oenda. — Amanda Mbendela.
**********
Dzinozviita mbavha, kutowana muine nyama mumapoto kana sadza revana vechikoro dzinodya. But pamwe pacho dzosiya dzazoita hutsinye kwakuitira tsvina mumba macho imomo. — Caroline Mhuriyengwe.
**********
Saka ndozvingaroverwa munhu zvesadza asina chaaba? — Pauline Ndlovu.
**********
Saka ungarovere munhu kubika sadza here? Pamwe aive nenzara. — Dean Chidhume.
**********
Aisafanira kurikitwa uyo . . . vangadai vakamurova sezvo aive awanikwa ari muimba yevaridzi. Pavakazomurikita apo vakakanganisa, shame. — Happiness Bamba.
**********
Saka kubika sadza kwakurovesa here? — Fidelis Gwatidzo.
**********
Ko akafa, haisi ngozi yerombe here? Munenge matakurana nayo. — Rindai Chapatarongo.
**********
Kurova munhu ari kubika sadza here hama dzangu, inzara hama. —Paidamoyo Peter Gede Kadera.
**********
Zveshuwa dzinozviita mbavha, kwedu vakatobika sadza vakasiya vasoker poto patape yepanze. It’s now 10 years but l still wonder how. I surrender! — Zodwa Antonio Chifunyise.
**********
Dziriko sure mbavha dzakadai. Yakambouya kwedu ikabika tea nechimodho kwakumwa, kwakuba nekuinda. — Vimbai Hwami.
Musikana webasa ari HIV+ abata mwana chibharo:
Ipaivo vasikana maoff days avo, tarisai both sides kuti zvisazoitika futi. — Sunday Wonder.
**********
Kana muchitora vashandi, tangai maindanavo kunotesitiwa please, zvava kutyisa. — Rebecca Sengweni.
**********
Vaya vanosoti hee why asking for
HIV status kumamaid you have your answer. Mwana ane 9 years shuwa munhu uchiziva paumire! Who does that? — Tarlent Vurayi Demo.
**********
Zvakadai kana kungovharira! Why kupedza nguva nekutomboendesa kucourt? Life sentence mujeri, atouraya life yemwana. — Amanda Mbendela.
**********
Mishonga here, chii? Mutongei zvamunoda. – Faith Sibanda.