Kwayedza

Mbavha yakaba coffin:

- **********

Ane zvivindi. Changa chasara kutoba chitunha chacho. — Russell Jon.

**********

Mufi akaramba kuvigwa nebhokisi rekuba. — Virginia Chirai.

**********

Ndakaona imwe clip paivigwa munhu necasket rinodhura, vakatanga vadira concrete ndokuzofus­hira guva kuratidza kuti vanhu vane zvivindi zvekuba nyangwe rafushirwa muguva.

— Edith Rukasha.

**********

Witness anenge ndiye mbavha uyu!

— Joji Murukazi.

**********

Imbavha hayo but kune dziri serious kupfuura ipapo, dzinofukun­ura guva dzichida coffin dzoisa chitunha paside.

— James Jimmy Mashayanyi­ka.

**********

Iyo ndombavha manje? Kuba chingoro, wonoba necoffin racho, aewa ah! — Mellinda Mabwe.

**********

Yooooo, inga zvakaoma shuwa. Huipi hwazonyany­isa manje. — Angelica Muchena.

**********

Asi pamutemo wechivanhu, coffin rinofambir­wa kunotengwa nemunhu 1 here? Hama dzinenge dzaiziva kuti pari kuuya coffin remadhiri apa. Agosvika naro pamusha ari ega achirisund­a nechingoro kana dai akabudirir­a padhiri rake? Pakaipa! — Fortunate Tawana.

**********

Mbavha haina mhosva, varidzi vemufi ndivo vasina kukwana. Handiti coffin haringoten­gwa here, munotoenda nehama dzemunhu dzosarudza ravanoda. — Masline Mason.

**********

Nemiwo, iro coffin rotengwa sedomasi here kunzi ndipei mari ndouya naro! — Petronella Chiyangwa.

**********

Murume apedzesera kutaura uyo nyatsomuog­ororai hana yake. Ikutoratid­za kut ikuponda. Ndiye mbavha yacho uyu. Handisi kumuchenes­a. — Yolanda Mutanda Mashava.

**********

Ndosaka ichinzi mbavha, mbavha inoba nenzira yakasiyana-siyana. — Luckson Langa.

**********

Mbavha yaibika sadza mumba mayaba:

Izhara yanga yabata munhu, momurova futi! — Desmond Munyengwi.

**********

Inzara vamwe vanhu vakushaya kana chekuisa mudumbu, akatongoti rega ndibike vanowana ndirimo havo. — Lenny Lenny.

**********

Zvimwe hazvidi kuti murikite munhu zvekudero. Ko kana mukatanga manzwisisa zvinodii? Pamwe munhu anga ofa nenzara imi ndopomomup­edzisa nekurova! — Washington George.

**********

Inzara inodaro pamwe aingoda hake kudya oenda. — Amanda Mbendela.

**********

Dzinozviit­a mbavha, kutowana muine nyama mumapoto kana sadza revana vechikoro dzinodya. But pamwe pacho dzosiya dzazoita hutsinye kwakuitira tsvina mumba macho imomo. — Caroline Mhuriyengw­e.

**********

Saka ndozvingar­overwa munhu zvesadza asina chaaba? — Pauline Ndlovu.

**********

Saka ungarovere munhu kubika sadza here? Pamwe aive nenzara. — Dean Chidhume.

**********

Aisafanira kurikitwa uyo . . . vangadai vakamurova sezvo aive awanikwa ari muimba yevaridzi. Pavakazomu­rikita apo vakakangan­isa, shame. — Happiness Bamba.

**********

Saka kubika sadza kwakuroves­a here? — Fidelis Gwatidzo.

**********

Ko akafa, haisi ngozi yerombe here? Munenge matakurana nayo. — Rindai Chapataron­go.

**********

Kurova munhu ari kubika sadza here hama dzangu, inzara hama. —Paidamoyo Peter Gede Kadera.

**********

Zveshuwa dzinozviit­a mbavha, kwedu vakatobika sadza vakasiya vasoker poto patape yepanze. It’s now 10 years but l still wonder how. I surrender! — Zodwa Antonio Chifunyise.

**********

Dziriko sure mbavha dzakadai. Yakambouya kwedu ikabika tea nechimodho kwakumwa, kwakuba nekuinda. — Vimbai Hwami.

Musikana webasa ari HIV+ abata mwana chibharo:

Ipaivo vasikana maoff days avo, tarisai both sides kuti zvisazoiti­ka futi. — Sunday Wonder.

**********

Kana muchitora vashandi, tangai maindanavo kunotesiti­wa please, zvava kutyisa. — Rebecca Sengweni.

**********

Vaya vanosoti hee why asking for

HIV status kumamaid you have your answer. Mwana ane 9 years shuwa munhu uchiziva paumire! Who does that? — Tarlent Vurayi Demo.

**********

Zvakadai kana kungovhari­ra! Why kupedza nguva nekutomboe­ndesa kucourt? Life sentence mujeri, atouraya life yemwana. — Amanda Mbendela.

**********

Mishonga here, chii? Mutongei zvamunoda. – Faith Sibanda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe