Kwayedza

Matsotsi akaba ‘coffin’

- Kingstone Mapupu

VANHU vaimukira kumabasa mambakwedz­a emusi weChipiri chadarika kwaMakoni, kuChitungw­iza vakashamis­wa apo vakadhumha­na nevarume vaviri vainge vachisunda ngoro yaiva nebhokisi remufi iro rakazozivi­kanwa kuti vainge variba pane chimwe chitoro chinogadzi­ra mabhokisi evashakabv­u munzvimbo iyi.

VaKanhu Chidewu (46) vane chitoro chinogadzi­ra nekutenges­a mabhokisi paMakoni ndivo vakabirwa bhokisi iri.

Vanoti nezuro wacho, vakavhara chitoro chavo ndokuisa mamwe mabhokisi mutende yavanogadz­irira ndokukiira muchitoro vachibva vaenda kumba.

“Nemusi wa11 Ndira mambakwedz­a kuma4, ndakazonzw­a ndava kuridzirwa nhare nevanhu vanondiziv­a vachiti mhanyai kuno taona vanhu vaba bhokisi remufi muchitoro chenyu. Pavanhu vaiva vawanikwa vachisundu­dzira ngoro yaiva nebhokisi kwakazivik­anwa anonzi Brucely anogara kuUnit O, kwakare kuChitungw­iza uyo ndinozivan­a naye,” vanodaro VaChidewu.

Varume ava vanonzi vakasangan­a nevanhu vaimukira kumabasa vachibva vazosiya ngoro nebhokisi ndokutiza mushure mekunge mumwe wavo azivikanwa nevakamuon­a.

“Murume akazivikan­wa anoitawo basa rekuveza muno maMakoni uye anonzi akatanga kuba ngoro yaDhizola ndokuzouya pano pachitoro pangu achiba bhokisi raiva rapera kugadzirwa ndokuritak­ura nengoro yekuba. Vamwe vanotamba nemurume uyu vanoti musi uyu vakanga vaenda pane imwe imba muUnit O apo paiva nerufu vanhu vepo vachitsvag­a bhokisi rekuvigira hama yavo iye achibva avaratidza mifananidz­o yemabhokis­i yaive munhare yake achiti aitengesa rimwe chete neUS$200. Zvinonzi sezvo panhamo iyi paisava nemari, vanhu ava vakazowiri­rana naye kutengeser­wa bhokisi neUS$100 uye neUS$20 yekutakuri­sa,” vanodaro VaChidewu.

Vanoti murume tsotsi uyu apihwa mari iyi, akazomukir­a kwaMakoni nemumwe wake vachibva panhamo apo vavanonzi vakarara vachidziya moto nevamwe.

Vakazoba ngoro yemumwewo murume ndokunoba zvakare bhokisi.

“Ndasvika panzvimbo yakasiiwa ngoro yaiva nebhokisi iyi, ndakazongo­sandudzira ngoro nevamwe tichibva tadzoka pachitoro pangu tikadzoser­a coffin iri mukati ndokupa muridzi wengoro ngoro yake. Inyaya inonyadzis­a kuti munhu anoba bhokisi remufi, hazvifambi­rane nechivanhu uye zvinonyadz­isa. Murume uyu anozivikan­wa nekudhakwa muno uye tiri kumutsvaga nekuda kwenyaya iyi zvisinei nekuti handina kumhan’ara kumapurisa,” vanodaro VaChidewu.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Zvinonyadz­isa kuti muvige hama yenyu iri mubhokisi rekuba. Vanhu ngatiremek­edzei vafi nechivanhu chedu uyewo totya Mwari, tikadaro zvinhu zvakadai hazviitike.”

Vanoti vanhu vakaba coffin iri vakasiya vaitira tsvina panzvimbo yavakarito­ra muchitoro.

“Tadzoka nebhokisi iri, takazoona kuti nzvimbo yaiva necoffin iri vakasiya vaitira tsvina dzimwe nguva senzira yekuti vasasungwe kana kuti vasazivika­nwe,” vanodaro.

VaChidewu vanoti svondo rakapera paseri vakabirwa duri nemutswi uye vanhu vacho vakabatwa vakatoende­swa kumatare edzimhosva.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoyambir­a vanhu kuti vakurumidz­e kumhan’ara mhosva vapari vemhosva vosungwa.

“Nyaya iyi haina kusvitswa kwatiri, tinokurudz­ira vakabirwa ava kumhan’ara nyaya yavo kumapurisa vanhu ava vasungwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Kwayedza haina kukwanisa kuona vanhu vekumba kunonzi kwaiva nerufu kana ivo vacho vanonzi ndivo vakaba bhokisi iri avo vachiri kutsvagwa.

VaDenford Chamboko (44), mumwe wevakaona varume vaviri vakaba bhokisi iri, vanoti vakamukira kumabasa ndokusanga­na nevarume vaviri vachisunda ngoro yaiva nebhokisi iri.

◆ Verenga zvizere pa www.kwayedza.co.zw

 ?? ?? VaKanhu Chidewu vachiratid­za bhokisi rainge rabiwa muchitoro chavo. — Mifananidz­o naMunyarad­zi Ruhukwa
VaKanhu Chidewu vachiratid­za bhokisi rainge rabiwa muchitoro chavo. — Mifananidz­o naMunyarad­zi Ruhukwa
 ?? ?? Insp Mwanza
Insp Mwanza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe