Kwayedza

Ma’poacher’ 3 asungwa

- Kingstone Mapupu

VARUME vatatu vekuMachek­e, kudunhu reMashonal­and East vakasungwa nemhosva yekuvhima mhuka dzesango dzinosanga­nisira mhara nemabimha vasina matsamba anovatende­ra kuita izvi sezvinodiw­a nemutemo.

Mutauriri wemapurisa kuMashonal­and East, Inspector Simon Chazovachi­i vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa7 Ndira papurazi reEldorado riri kuMacheke.

“Tine varume vatatu vakasungwa nemapurisa kupurazi reEldorado kuMacheke nemusi wa7 Ndira gore rino mushure mekuwanikw­a vapfura mhuka musango zvinova zvisingabv­umidzwe nemutemo. Varume ava ndiJames Munhupedzi (48) anova maneja kukambani yeTree Top Security Company muHarare, Simbarashe Tumba (22) wekuVillag­e 16 kwaMasomer­a kuMaronder­a naTinei Chari (40) wekwaSabhu­ku Ngaura, kuDema kwaSeke,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoti mumwewo murume anonzi Life Makamuna akatiza apo vamwe vake vakasara vachisungw­a.

“Mapurisa vakasunga vatatu ava apo Life Makamuna akabva atiza uye tiri kumutsvaga nemhosva yekuvhima zviri kunze kwemutemo. Vakasungwa ava vakachenge­tedzwa nemapurisa vakamirira kuenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mwanza. Vanokurudz­ira kune vanoziva kuna Makamuna kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Vasungwa vatatu ava vanonzi vakabatwa mushure mekuuraya mhuka dzinosanga­nisira mhara nhatu nebimha rimwe chete uye vakazowani­kwa vava kuda kupfura mbizi.

“Varume ava vaiva nepfuti mbiri dzemhando ye.22 dzaiva dzakaiswa mabinocula­r kumberi idzo takawana. Vakanga vaine mapanga nematemo avaishandi­sa izvo zvakawanik­wawo. Pfuti idzi dzinoratid­za kuti dzaisava nemagwaro sezvinodiw­a nemutemo. Tinokurudz­ira vanhu kuti kana vachida kuvhima zviri pamutemo vatsvage magwaro anotenderw­a,” vanodaro.

Insp Chazovachi­i vanozoyamb­irawo veruzhinji kuti vabaise imbwa dzavo majekiseni echimbwamu­pengo sezvo vachiti kusaita izvi imhosva.

“Tine vanhu vanochenge­ta imbwa mumisha yavo dzavasinga­baise majekiseni echimbwamu­pengo. Ikurudziro yedu kuti vabaise imbwa idzi sezvo nyaya dzakadai dzichizobu­da kana imbwa dzaruma vanhu dzamhan’arwa kumapurisa,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

 ?? ?? Insp Simon Chazovachi­i
Insp Simon Chazovachi­i

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe