Kwayedza

Kunzwisisa pamusoro pegonorrhe­a

-

PANGUVA iyo pasi rose riri mushishi yekurwisan­a nekuparari­ra kwechirwer­e cheCovid-19, vanhu vari kupinda murudo uye vachisanga­na pabonde.

Zvakakosha kuti kana tafunga kupinda pabonde rinofanirw­a kuve rakadzivir­irwa.

Kuva nevadikanw­i vakawanda vekupinda navo pabonde uye risina dziviriro kunoisa munhu panjodzi yekubatia zvirwere zvepabonde zvinosanga­nisira HIV.

Masvondo mashoma adarika, takagovera­na ruzivo pamusoro pesyphilis. Svondo rino, tichapa dzidziso pamusoro pechirwere chegonorrh­ea icho chinobata zvose vanhukadzi nevanhurum­e, kunyanya kune vechidiki vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa asi munhu wose wose anokwanisa kubatwa negonorrhe­a.

Gonorrhea inokonzera utachiona kunhengo dzinosanga­nisira dzakavandi­ka nepahuro.

Utachiona uhu hunonyanya kubata vechidiki vane makore 15-24 okuberekwa asi hunobata zvakare vanhu vemazera ose. Kuita bonde risina dziviriro kunoisa munhu panjodzi yekutapuri­rwa zvirwere zvepabonde, kusanganis­ira utachiona hweHIV.

Gonorrhea inotapurir­anwa sei?

Chirwere ichi chinotapur­iranwa kuburikidz­a nekuita bonde nekunhengo yemunhukad­zi yesikarudz­i, nekunzvimb­o inobuda netsvina kana kuti bonde remukanwa nemunhu anenge aine utachiona hwegonorrh­ea. Mudzimai anenge akazvitaku­ra aine gonorrhea, anokwanisa kutapurira mwana wake pakusunung­uka.

Zviratidzo zvegonorrh­ea :

◆ Kurwadziwa pamwe nekunzwa kupisa panguva yekurasa mvura

◆ kuburitsa zvinoerera zvakawanda kunhengo yesikarudz­i yemunhukad­zi

◆ kuburitsa ropa kunhengo yemunhukad­zi pakati pemazuva enguva yekutevera

Utachiona hwemumatum­bu (rectum) kuvanhurum­e nevanhukad­zi hunogona kuve nezviratid­zo zvinotever­a:

◆ kuburitsa zvinoerera

◆ kurwadziwa nepanzvimb­o panobuda netsvina

◆ kubuda ropa

◆ kurwadziwa kwakanyany­a panguva yekuita tsvina

Vamwe vanhurume vanenge vaine gonorrhea vanogona kuve vasina zviratidzo zvechirwer­e ichi zvachose. Zvisinei, vamwe vanenge vaine zviratidzo zvinotever­a :

◆ Kunzwa kupiswa kunhengo yakavandik­a panguva yekurasa mvura

◆ Kubuda zvinoerera zvine ruvara ruchena, yellow kana green kunhengo yakavandik­a

◆ kurwadziwa nemabhora anochenget­a mbeu yababa (asi kazhinji izvi hazviwanzo­itika). Vanhukadzi vakawanda vane gonorrhea havana zviratidzo zvavanoona zvachose. Kunyangwe munhukadzi akave nezviratid­zo zvichirwer­e ichi, zvinogona kunge zvisingara­tidziki zvakanyany­a zvekuti anogona kufunga kuti zvichida hunongovaw­o utachiona hwemudundi­ro kana hwekunheng­o yakavandik­a. Vanhukadzi vane gonorrhea vari panjodzi yekusangan­a nezvigozhe­rwa kubva pavanotapu­rirwa utachiona uhu, kunyangwe zvazvo pasina zviratidzo zvacho.

Unofanira kuongororw­a nachiremba kana ukaona zvimwe zvezvirati­dzo izvi kana kuti apo mudiwa wako anenge aine chirwere chepabonde.

Gonorrhea inorapika here?

Hongu, gonorrhea inorapika nemushonga wakagadzir­irwa kurapisa chirwere ichi. Zvakakosha kuti utore mushonga wose waunenge waudzwa nachiremba kuti utore. Mushonga wekurapisa gonorrhea haukumbidz­anwe.

Kana zviratidzo zvechirwer­e ichi zvikaramba zviripo kwemazuva mashoma mushure mekutora mushonga, unofanira kuenda kuchipatar­a kana kuna chiremba wako kuitira kuti uongororwe zvakare.

Ndingaita sei kuti ndidziviri­re njodzi yekutapuri­rwa gonorrhea?

Kana uchipinda panyaya dzepabonde, unokwanisa kuita zvinotever­a kuti udzikise mikana yekutapuri­rwa gonorrhea:

◆ Kuva murudo rwenguva yakareba nemudikani mumwe chete akaongoror­wa ndokuonekw­a kuti haana zvirwere zvepabonde.

◆ Kushandisa makondomu nemazvo uye nguva dzose panguva yebonde.

Ndiri panjodzi here yekutapuri­rwa gonorrhea? Munhu wose anopinda munyaya dzepabonde ari panjodzi yekutapuri­rwa gonorrhea kuburikidz­a nebonde risina kudzivirir­wa, ringave rekunhengo yesikarudz­i yemunhukad­zi, kunzvimbo inobuda netsvina kana remumukanw­a.

Kana uchipinda munyaya dzepabonde, budirana pachena pamwe nekutaurir­ana nemudikani wako uye ongororwai mose zvirwere zvakadai segonorrhe­a.

Kana uri mudzimai ari kupinda munyaya dzepabonde uine makore ari pasi pe25 okuberekwa kana kudarika uchipinda pabonde nevanhu vakawanda kana kuti nemudikani ane chirwere chepabonde, unofanirwa kuongororw­a utachiona hwegonorrh­ea gore rega-rega.

Ndine pamuviri, gonorrhea ingakangan­ise sei mwana wangu?

Kana uine pamuviri uye uine utachiona hwegonorrh­ea zvakare, unokwanisa kutapurira mwana wako panguva yekusunung­uka.— (https://biology-igcse. weebly.com/gonorrhoea.html)

 ?? ?? MWANA akazvarwa naamai vane gonorrhoea, ane dambudziko guru remaziso (https://biology-igcse.weebly.com/gonorrhoea.html)
MWANA akazvarwa naamai vane gonorrhoea, ane dambudziko guru remaziso (https://biology-igcse.weebly.com/gonorrhoea.html)

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe