Kwayedza

Mashandiro anoita jekiseni re‘booster’

-

Ray Bande naTandayi Motsi NYANZVI dzezveutan­o dzinoti nhomba yechitatu yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 inokodzera kubaiwa vanhu uye yakakosha sezvo ichibatsir­a kuti vange vakadzivir­irika zvichiteve­ra kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).

Dr Tendai Zuze, avo vane mukurumbir­a munyaya dzezveutan­o kwaMutare, vanoti jekiseni rechitatu rakakosha kana pachitaris­wa kuti munhu paanobaiwa rechipiri uye panozopera mwedzi mitanhatu, masoja emuviri wake anenge adzikira simba rekurwisa denda iri.

“Nhomba yechitatu yakakosha zvikuru. Munhu paanobaiwa, masoja emuviri anorwisa zvirwere haakwanise kuzviita kwemwedzi inodarika mitanhatu. Zvazvinore­va ndezvekuti mushure memwedzi mitanhatu, munhu akabaiwa nhomba akangofana­na neasina kumbobvira abaiwa.

“Saka nhomba yechitatu iyi inoita kuti kana munhu akaibaiwa, inobatsira masoja emuviri mukurwisa zvirwere. Uku ndiko kukosha kwenhomba iyi kune veruzhinji,” vanodaro Dr Zuze.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti vanhu vanokwanis­a kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti pakubaiwa nhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipir­i.

“Hapazi kuzove nekusangan­iswa kwemishong­a yenhomba, panofanirw­a kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitat­u.

“Nhomba yechitatu iyi ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipir­i,” vanodaro Dr Chimedza.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kumatunhu anosangani­sira Mutare neHarare inoratidza kuti pari zvino hakusisina mitsetse yevanhu vanenge vachida kubaiwa jekiseni rekutanga kana rechipiri, kusiyana nakare apo kwaiita mitsetse yakareba yevaida kubaiwa.

Kusvika nemusi weChishanu chadarika, vanhu 225 637 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 204 993 vakatopona asi vamwe 5 238 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 199 215 vange vabaiwa nhomba yekutanga, (1st dose) yekudzivir­ira denda iri apo vamwe 3 224 564 vange vabaiwa dzose dziri mbiri – yekutanga neyechipir­i (2nd dose).

Hurumende yeZimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika muno kuitira kuti pange paine dziviriro kubva kuCovid-19.

Zviratidzo zvechirwer­e ichi zvinosanga­nisira kutemwa nemusoro, kushaya simba mumuviri, kusanzwa munhuwi, kukosora, kusafema zvakanaka, kurwadziwa muchipfuva, manyoka nekurwadzi­wa nemusana.

Veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vaende kukiriniki kana kuchipatar­a nekukasika kana vachinge vaine zviratidzo zvakarerek­era kuCovid-19 kuitira kuti vavhenekwe uye kubatsirwa nguva ichiripo.

 ?? ?? NYANZVI dzezveutan­o dzinoti nhomba yechitatu yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 inokodzera kubaiwa vanhu kuti vange vakadzivir­irika zvichiteve­ra kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).
NYANZVI dzezveutan­o dzinoti nhomba yechitatu yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 inokodzera kubaiwa vanhu kuti vange vakadzivir­irika zvichiteve­ra kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe