Kwayedza

Abaiwa nhomba azvigona: WHO

- Munyori weKwayedza

BOKA reWorld Health Organisati­on Technical Advisory Group on Covid-19 Vaccine Compositio­n rinoti kunyangwe zvazvo mishonga yenhomba iri kubaiwa vanhu isina simba rekudzivir­ira kuti vasabatwe nehutachio­na hweOmicron variant, inobatsira mukudzivir­ira kurwara kwakanyany­a pamwe nekufu.

Omicron iri kushunguru­dza nyanzvi dzezveutan­o pasi rose sezvo ichinzi inosanduka-sanduka zvakanyany­a kudarika dzimwe mhando dzehutachi­ona hunokonzer­a Covid-19.

WHO inoti panofanirw­a kuitwa ongororo yakadzama pamusoro pesimba renhomba mukudzivir­ira kuti murwere asaende kuchipatar­a, kurwara zvakanyany­a kana kufa.

“Mishonga yenhomba yakabvumid­zwa neWHO kuti ishandiswe nechimbi-chimbi, inodziviri­ra zvikuru kubva mukurwara zvakanyany­a uye nendufu dzinokonze­rwa nemhando dzehutachi­ona hwakasiyan­a.

“Panyaya yeOmicron variant, ongororo yakaitwa inoratidza kuti hutachiona uhu hunokwanis­a kurwiswa kuburikidz­a nekubaiwa nhomba,” rinodaro boka iri.

Kubvira pakanyuka Covid-19 kekutanga, WHO yakwanisa kuisa hutachiona uhu mumhando shanu dziri kunyanya kushunguru­dza idzo dzinoti Alpha, Beta, Gamma, Delta neOmicron.

Omicron inonzi ndiyo iri kupararira nekukasika kudarika dzimwe mhando, apo mamiriyoni akawanda evanhu vari kubatwa nedenda iri munyika dzakawanda pasi rose, kusanganis­ira Zimbabwe.

WHO inoti inotarisir­a kuti hutachiona hweCovid-19 hucharamba huchisandu­ka-sanduka nekudaro panogona kunyuka imwe mhando mushure meOmicron variant.

Pasi rose, svondo rekupera kwaNdira 9, 2022 rakaona nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi dzichikwir­a nechikamu che55 percent apo vanhu vanodarika 15 miriyoni vakabatwa neCovid-19.

Kunyangwe zvazvo muZimbabwe huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 huri kudzikira apo Omicron iri kuenda ichiderera, huwandu hunosvika 1 000 hwevanhu vari kubatwa nedenda iri pazuva huchakakwi­ra zvikuru.

Nemusi weChina svondo rino, vanhu 651 vakawanikw­a vaine Covid-19 mushure mekuvhenek­wa uye vamwe vanonwe vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 225 084 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 203 308 vakatopona asi vamwe 5 222 vakafa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe