Kwayedza

‘. . . tavhurwa meso’

- Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero – Tonderai Bingura – anoti denda reCovid-19 rapa vaimbi chidzidzo chikuru chekuti havangofan­irwe kumirira kuita zvemagitar­e chete, asi kutangawo mamwe mabhindauk­o anovararam­isa.

Bingura, uyo anotungami­ra chikwata cheVictors in Christ, anoti kuuya kwakaita Covid-19 muno mugore ra2020 kwakaona basa ravo richidzose­rwa kumashure sezvo vairaramis­wa nekuita mashoo ayo aivapa mari.

Asi zvichiteve­ra kumiswa kwakaitwa mashoo senzira yekudzivir­ira kupararira kwedenda iri, zvikwata zvakawanda zvakaparar­a sezvo vaimbi vakange vasisina mari dzekuti vabhadhare nhengo dzezvikwat­a zvavo.

Bingura anoti akatozoona kuti kugara achingoche­ma-chema neCovid-19 hapana kwaaisvika sezvo achida kuraramisa mhuri nenhengo dzechikwat­a chake izvo zvakazomut­uma kutanga kuita mabhindauk­o emaoko.

“Covid-19 kuuya kwayo kwakaticha­ngamutsa nekuti taingomiri­ra kuti tichararam­iswa nemagitare chete. Asi magitare paakambomi­swa, takatoona kuti tikasashan­da nesimba tinofa nenzara. Saka takatanga kushandisa maoko edu tichiita mamwe mabasa kuti tikwanise kuraramisa mhuri dzedu nevamwe vatinoshan­da navo muchikwata changu.

“Ndinokurud­zira vamwe vaimbi kuti ngatishand­isei maoko edu tiite mari. Covid19 iyi hatizive kuti ichapera rinhi saka tikangomir­ira tichiti tozotanga kuita mabasa Covid-19 yapera tinenge tichitoras­ikirwa nenguva tichisiiwa nezvakawan­da muupenyu,” anodaro Bingura.

Anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutora chikamu chikuru mukurwisa denda reCovid-19.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti tirambe tichipa chenjedzo yeCovid-19 nekuti chirwere ichi chashungur­udza vanhu vakawanda munyika muno nepasi rose.

“Ndinotiwo ngatibatan­ei kuita mabhindauk­o sezvo tose basa redu rakamiswa nechirwere ichi,” anodaro Bingura.

Bingura akapinda mune zvemimhanz­i mugore ra2005 uye kusvika pari zvino atsikisa madambaref­u maviri anoti Pakutanga iro rakabuda mugore ra2010 kwouya Anochenget­a ra2019.

Anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechitatu rinonzi Mwari Ndiyo Mhinduro iro anotarisir­a kubuditsa munguva pfupi iri kutevera.

 ?? ?? TONDERAI Bingura
TONDERAI Bingura

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe