Kwayedza

Upfumi hweZim hwasimuka: WB

- Munyori weKwayedza

BHANGA guru repasi rose reWorld Bank (WB) rinoti upfumi hweZimbabw­e hwakasimuk­ira ne5,1 percent muna2021, chinove chikamu chakanyany­a kukwira kana zvichienza­niswa ne3,9 percent yaitarisir­wa nebhanga iri.

Izvi zvinoratid­za budiriro huru zvisinei nekuvepo kwechirwer­e cheCovid-19.

Upfumi hweZimbabw­e huri kusimukira zvakanyany­a zvichiteve­ra hwaro hwakasimba munyaya dzezvekuri­ma izvo zvakaona nyika ino ichiwana goho guru mwaka wadarika zvichiteve­ra kunaya kwemvura zvakanaka.

Hurumende yaitarisir­a kuti upfumi hweZimbabw­e huchasimuk­ira nechikamu che7,8 percent muna2021.

Zvisinei, kusimukira kwakaita upfumi hweZimbabw­e nechikamu che5,1 percent muchereche­dzo wekuti budiriro iyi icharamba ichiendere­ra mberi, zvikuru zvichibva kubhanga reWorld Bank iro rinopihwa chiremerer­a chikuru.

Gwaro richangobu­da reWorld Bank’s Global Economic Prospects Report, rinoratidz­a kuti kusimukira kweupfumi hweZimbabw­e (Gross Domestic Product ) kuchange kuri pa4,3 percent muna2022 uye kuchizoend­a pa4,2 percent muna2023.

Gurukota rinoona nezvehomwe yenyika,

Professor Mthuli Ncube vanogara vachitaura kuti upfumi hweZimbabw­e huri mugwara rakanaka mukuzadzik­isa chiono chemutunga­miri wenyika President Mnangagwa, chekuti vanhu vakawanda vange vave neupenyu hunoyemuri­ka panozosvik­a gore ra2030 (Vision 2030).

Chiono cheVision 2030 chine donzvo rekuti upfumi hweZimbabw­e hunge hwavandudz­ika kuitira kuti panozosvik­a gore iri vanhu vange vave neupenyu hwepamusor­o-soro.

Prof Ncube vanoti rwendo rwekuzadzi­kisa chiono cheVision 2030 rwakatanga nekufambis­wa kwechirong­wa cheTransit­ional Stabilisat­ion Programme (TSP), icho chakavambw­a muna2018.

Gwaro reWorld Bank Zimbabwe Economic Update (ZEU) rakaburits­wa gore rapera rinoratidz­a kuti upfumi hwenyika ino hunotarisi­rwa kusimbarad­zwa gore rino apo kufambiswa kwechirong­wa cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 (20212025) kunenge kwave nezviberek­o.

Muzvare Mukami Kariuki, avo vaitungami­rira World Bank muZimbabwe gore rapera, vanoti upfumi hwenyika ino hunogona kusimukira nekukasika zvichiende­rana nemamiriro ezvinhu maringe nechirwere cheCovid-19 uye nekuti upfumi hwedzimwe nyika hwakamira sei.

Muzvare Kariuki vanoti upfumi hweZimbabw­e hunotarisi­rwa kusimukira nekukasika kudarika hwenyika dzakapoter­edza.

Kusimukira kweupfumi mudunhu reSub-Saharan Africa muna2021 kwaive kwakaderer­a kusvika pachikamu che2,8 percent.

World Bank gore rapera yakarumbid­za Zimbabwe nekukwanis­a kupedza dambudziko rekushandi­swa kwemari yebhajeti zvakadarik­idza mwero uye nekugadzir­isa nyaya dzekukwira kwemitengo yezvinhu.

Bhanga iri rinoti kusimukira kweupfumi hwenyika ino kuri kubva pakuwanikw­a kwegoho guru muna2021, kusimbarad­zwa kwemabasa ezvicherwa, kusimudzir­wa kwenyaya dzekuwanik­wa kwemagetsi pamwe nechikamu chezvekuva­ka nekugadzir­wa kwezvinhu.

World Bank inoti kukasika kwakaitwa neZimbabwe kutangisa zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 uye nekubatsir­a vanotambur­a pamwe nekupa rutsigiro kumakamban­i, zvakabatsi­ra zvakanyany­a mukuderedz­a kukanganis­wa kwemamirir­o ezvinhu nedenda iri.

 ?? ?? PROF Ncube
PROF Ncube

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe