Kwayedza

‘Vashandi ivava vari panyatwa’

- Malven Mugadzikwa

SANGANO rinomiriri­ra vashandi vemumigodh­i reZimbabwe Diamond and Allied Minerals Workers Union (ZDAMWU) rinoti vashandi ava vari panjodzi huru yekubatwa neCovid-19 nekuda kwebasa ravo.

Munyori mukuru weZDAMWU, VaJustice Chinhema vanoti vashandi vemumigodh­i vari kupedza nguva zhinji vakavharir­wa kumigodhi vachishand­a zvisinei nekuti vanombobud­a kunze vachisanga­na neveruzhin­ji izvo zvinovaisa panjodzi yekubatira chirwere cheCovid-19.

“Kubva patanga kunzi vamwe vashandi neveruzhin­ji vamire kushanda nekuda kweCovid-19, vasevenzi vemumigodh­i vakanzi havamire nekuti vari pasi pechikamu chevakosha mukufambis­a upfumi hwenyika. Izvi zvakaita kuti vazhinji vavo vanzi vashandire kumigodhi ikoko vasingabud­e kuenda kudzimba senzira yekuti vasasangan­a nevamwe.

“Zvisinei, vakuru vekumigodh­i iyi nevamwe vanopota vachibuda nekudzoka zvinova zvinopa mikana yekuti vanogona kutapurira vashandi denda iri,” vanodaro VaChinhema.

VaChinhema vanoti kazhinji hapazonyat­soitwa ongororo yakakwana yekuona kuti pari kuitwa dziviriro nemazvo here sezvo sangano ravo risiri kuwana mukana wekupinda mune mimwe migodhi kana makambani anoita zvezvicher­wa nekuda kwemitemo iriko yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

“Zviri kunetsa kuti tiite ongororo kune mimwe migodhi kana makambani nekuti mukana uyu hatina. Vamwe vashandi vari kupinda panjodzi yekubatira denda iri nekuda kwekuvhari­rwa kwavanenge vakaitwa kumigodhi uku.”

VaChinhema vanoti kune vashandi vazhinji vemumigodh­i zvakare vasati vawana mari yavo yavakashan­dira panguva yainyanya kunetsa denda iri (Covid-19 allowances) izvo zvave kuita kuti vamwe vavo vasashanda nemazvo.

Maitiro akadai, vanodaro VaChinhema, anoratidza kudzvanyir­irwa kuri kuitwa vamwe vashandi vari muchikamu chezvicher­wa.

“Hurumende chaiyo iri kupa vashandi vayo mari yekushanda panguva ino iri kunetsa denda iri (Covid-19 allowances) asi kumigodhi mizhinji vashandi havasi kupihwa mari iyi zvisinei nekuti vari panjodzi yakakura yekubatwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe