Voviga makombi mugomo reKopje
VEMAKOMBI vari kufamba zvisina mvumo sezvinodiwa pasi pemutemo wekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 vave kuita katsika kekuviga makombi avo kunzvimbo dzakaita sekuKopje, muguta reHarare kuti vasaonekwe nemapurisa.
Uku ndiko kwavari kutakurira vanhu zvechitsotsi.
Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, makombi anobvumidzwa kutakura veruzhinji ndeakanyoreswa pasi pekambani yeZUPCO.
Kwayedza svondo rino yakakwira muchikomo cheKopje ikazvionera makombi akavigwa musango achimirira kutakura vanhu.
Makombi anosvika manomwe akawanikwa ari munzvimbo iyi, mamwe asina vanhu mukati asi mamwe achitotakura.
Mamwe mahwindi vakaramba nemazita avo vanoti ndiwo mashandiro avari kuita ekunzvenga mapurisa sezvo vasina mamwe mararamiro avanogona kuita.
“Makombi akaburitswa mumigwagwa neHurumende pakatanga Covid-19, ndiyo yaiva nzira yaitiwanisa mabasa. Pakanzi tiunze makombi edu kukambani yeZupco, mamwe makombi edu haana kukwanisa kuwana magwaro anodiwa saka tinoramba tichibiridzira kutakura kuno kugomo reKopje.
“Ndiko kwatinoviga mota dzedu kana mapurisa ‘achipisa’ tichizoburuka tichinotakura vanhu panguva inenge vanhu vawanda,” anodaro mumwe hwindi.
Mumwewo mutyairi wekombi anoti, “Izvozvi vazhinji vedu vaishanda kumakombi vakatorambwa nemadzimai nekuda kwehurombo. Tinokumbira kuti dai Hurumende yatibvumidza kufamba nekuti dzimwe nzira dzacho dzekuti tiende kuZupco dzakaoma.”
Aimbova mukuru wemahwindi muguta reHarare, Solomon Mandela (52), uyo anonyanya kuzivikanwa nekunzi “Mukoma Solo” achishandira pamusika wemabhazi weCharge Office, anoti havapokane nemutemo wakaiswa wekubvisa makombi mumigwagwa.
“Pakauya chirwere cheCovid-19 mugore ra2020, makombi akabva amiswa ndokuuya ZUPCO. MuHarare chete taiva nemahwindi nemarank marshals vaidarika 20 000, vose vakabva vashaya mabasa ndokuita marovha. Vazhinji vevanhu ava vakaroora kureva kuti vanhu vanodarika mazana zviuru zviviri vari kutambudzika pakatangwa chirongwa ichi,” anodaro Solo.
Anoenderera mberi achiti, “Mahwindi nemarank marshals zvinhu zvakasanduka, tava kudya nhoko dzezvironda. Vamwe vedu vanzwa nenhamo uye nekunwa doro risingabvumidzwe rinosanganisira kachasu.
“Ndinokurudzira mapurisa kuti vasunge vanotengesa doro risingabvumidzwe mumarank emabhazi, vana vapera kufa kunyanya mahwindi akasiya basa aya.”
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti zviri kuitwa nevanhu vari kuviga makombi avo kuKopje imhosva.
“Nzvimbo iyi inochengetedzwa nemitemo yekanzuru neyenyika pasi peNational Monuments uye inotandarirwa.
‘‘Kuita izvi kutyora mitemo yekanzuru neyenyika, vatyairi ava nemahwindi avo nemakondakita vanosungwa,” vanodaro VaChideme.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti chisungo chakadzikwa neHurumende chekumisa kufamba kwemakombi asiri kushanda zviri pamutemo chichiripo.
“Makombi haasi kubvumidzwa kutakura vanhu kunze kwemaZUPCO chete neanoshanda ari pasi pekambani iyi. Vemishikashika zvakare havasi kutenderwa kutakura vanhu, imhosva kuita izvi pamutemo weCovid uye anowanikwa achiita izvi anosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tatarisana nezororo reKirisimasi, makororo akawanda nekudaro pane njodzi yekuti vanhu vanogona kubirwa vakwira makombi aya kana mishikashika yematsotsi.
“Pamusoro pezvo, tinoda kudzivirira tsaona mukufamba saka hatishandisei mabhazi eZUPCO nemamwe anobvumidzwa nemutemo kufamba uyewo vatyairi ngavatevedze mitemo yose yemumigwagwa.”