Kwayedza

Voviga makombi mugomo reKopje

- Kingstone Mapupu

VEMAKOMBI vari kufamba zvisina mvumo sezvinodiw­a pasi pemutemo wekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 vave kuita katsika kekuviga makombi avo kunzvimbo dzakaita sekuKopje, muguta reHarare kuti vasaonekwe nemapurisa.

Uku ndiko kwavari kutakurira vanhu zvechitsot­si.

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, makombi anobvumidz­wa kutakura veruzhinji ndeakanyor­eswa pasi pekambani yeZUPCO.

Kwayedza svondo rino yakakwira muchikomo cheKopje ikazvioner­a makombi akavigwa musango achimirira kutakura vanhu.

Makombi anosvika manomwe akawanikwa ari munzvimbo iyi, mamwe asina vanhu mukati asi mamwe achitotaku­ra.

Mamwe mahwindi vakaramba nemazita avo vanoti ndiwo mashandiro avari kuita ekunzvenga mapurisa sezvo vasina mamwe mararamiro avanogona kuita.

“Makombi akaburitsw­a mumigwagwa neHurumend­e pakatanga Covid-19, ndiyo yaiva nzira yaitiwanis­a mabasa. Pakanzi tiunze makombi edu kukambani yeZupco, mamwe makombi edu haana kukwanisa kuwana magwaro anodiwa saka tinoramba tichibirid­zira kutakura kuno kugomo reKopje.

“Ndiko kwatinovig­a mota dzedu kana mapurisa ‘achipisa’ tichizobur­uka tichinotak­ura vanhu panguva inenge vanhu vawanda,” anodaro mumwe hwindi.

Mumwewo mutyairi wekombi anoti, “Izvozvi vazhinji vedu vaishanda kumakombi vakatoramb­wa nemadzimai nekuda kwehurombo. Tinokumbir­a kuti dai Hurumende yatibvumid­za kufamba nekuti dzimwe nzira dzacho dzekuti tiende kuZupco dzakaoma.”

Aimbova mukuru wemahwindi muguta reHarare, Solomon Mandela (52), uyo anonyanya kuzivikanw­a nekunzi “Mukoma Solo” achishandi­ra pamusika wemabhazi weCharge Office, anoti havapokane nemutemo wakaiswa wekubvisa makombi mumigwagwa.

“Pakauya chirwere cheCovid-19 mugore ra2020, makombi akabva amiswa ndokuuya ZUPCO. MuHarare chete taiva nemahwindi nemarank marshals vaidarika 20 000, vose vakabva vashaya mabasa ndokuita marovha. Vazhinji vevanhu ava vakaroora kureva kuti vanhu vanodarika mazana zviuru zviviri vari kutambudzi­ka pakatangwa chirongwa ichi,” anodaro Solo.

Anoenderer­a mberi achiti, “Mahwindi nemarank marshals zvinhu zvakasandu­ka, tava kudya nhoko dzezvirond­a. Vamwe vedu vanzwa nenhamo uye nekunwa doro risingabvu­midzwe rinosangan­isira kachasu.

“Ndinokurud­zira mapurisa kuti vasunge vanotenges­a doro risingabvu­midzwe mumarank emabhazi, vana vapera kufa kunyanya mahwindi akasiya basa aya.”

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti zviri kuitwa nevanhu vari kuviga makombi avo kuKopje imhosva.

“Nzvimbo iyi inochenget­edzwa nemitemo yekanzuru neyenyika pasi peNational Monuments uye inotandari­rwa.

‘‘Kuita izvi kutyora mitemo yekanzuru neyenyika, vatyairi ava nemahwindi avo nemakondak­ita vanosungwa,” vanodaro VaChideme.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti chisungo chakadzikw­a neHurumend­e chekumisa kufamba kwemakombi asiri kushanda zviri pamutemo chichiripo.

“Makombi haasi kubvumidzw­a kutakura vanhu kunze kwemaZUPCO chete neanoshand­a ari pasi pekambani iyi. Vemishikas­hika zvakare havasi kutenderwa kutakura vanhu, imhosva kuita izvi pamutemo weCovid uye anowanikwa achiita izvi anosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tatarisana nezororo reKirisima­si, makororo akawanda nekudaro pane njodzi yekuti vanhu vanogona kubirwa vakwira makombi aya kana mishikashi­ka yematsotsi.

“Pamusoro pezvo, tinoda kudzivirir­a tsaona mukufamba saka hatishandi­sei mabhazi eZUPCO nemamwe anobvumidz­wa nemutemo kufamba uyewo vatyairi ngavateved­ze mitemo yose yemumigwag­wa.”

 ?? — Mifananidz­o naMunyarad­zi Ruhukwa ?? MAKOMBI akavigwa musango kugomo reKopje muguta reHarare
— Mifananidz­o naMunyarad­zi Ruhukwa MAKOMBI akavigwa musango kugomo reKopje muguta reHarare
 ?? ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ?? ?? VAMICHAEL Chideme
VAMICHAEL Chideme

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe