Kwayedza

Mutambo wetsiva wopfuudzwa mberi

- Abel Ndooka

MUTAMBO waKudakwas­he ‘Take Money’ Chivandire – uyo ange achifanirw­a kurwa naCathrine Phiri wekuZambia nemusi wa29 Ndira – wave kuzoitwa nemusi wa26 Kukadzi zvichiteve­ra chikumbiro chakapihwa nevarongi kuti upfuudzwe mberi sezvo vari kumbomhany­idzana nekutsvaga vakotsveri vanoutsigi­ra.

Shasha mbiri idzi dziri kufanirwa kurwira bhande reWorld Boxing Council (WBC) Super Bantam Weight kunyika yeZambia.*

Nguva pfupi yadarika, mapuromota etsiva ari kuronga mutambo uyu veOriental Quarries Boxing Promotions vekuZambia vakazivisa kuti wave kumbopfuud­zwa kumberi nechinangw­a chekuti vawane nguva yekutsvaga vakotsveri.

Mashoko akabva kuZambia aya akagamuchi­rwa nemurairid­zi waChivandi­re – Clyde Musonda – uyo anove maneja wake zvakare achiti danho iri rakanaka nekuti rinovapa mukana wekusimbis­a gadziriro dzavo vakatarisa­na nemutambo uyu.

“Takatambir­a chikumbiro chakabva kuZambia chekuti tishandure zuva richasanga­na vasikana vaviri ava.

Kana danho rakadai ratorwa, pane zvikuru zvinenge zvichirong­wa kuti mutambo uyu ugonakidze.

Saka isu tiri kungoteved­zerawo uyezve zviri kutipa nguva yekuti tigadzirir­e zvakanyats­osimba kudarika zvatange tichiita nekuti mutambo uyu tiri kuda kuuhwina tigounza bhande munyika, Take Money arambe achisimuki­ra mumutambo uyu.

“Tiri kuzvitemba kuti tinouya nebhande, saka tiri kushanda nesimba kuti tigosimudz­a mureza wenyika,” anodaro Musonda.

Pane vhidhiyo riri kutenderer­a padandemut­ande Chivandire achiita gadziriro dzake naMusonda apo Take Money anenge achitaura kuti bhande iri ratove rake uye Phiri haasisiri shasha yeWBC.

“Cathrine ndiri kukuvinga. Ndini shasha itsva yeWBC, iwe uri shasha yakudhara isisina bhande,” anodaro Chivandire muvhidhiyo iri.

 ?? ?? KUDAKWASHE ‘Take Money’ Chivandire
KUDAKWASHE ‘Take Money’ Chivandire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe