Kwayedza

Gumbo rakatyoka ‘rorapwa pamweya’

-

Muchaneta Chimuka

VAGARI vekuUnit O, kuChitungw­iza vari kushunguru­dzika zvikuru nenyaya yemukomana ane makore 20 okuberekwa akaremara mitezo uyo anonzi anogara akavharirw­a mumba uye vabereki vake havadi kuenda naye kuchipatar­a kuti anobatsirw­a zvichiteve­ra kutyoka kwaakaita gumbo vachiti vari kumunamati­ra “pamweya”.

Blessed Timothy anonzi akabarwa asina kuremara, asi achibva azongotang­a kutadza kufamba ava kuita Grade 6.

Ganda rake riri kuratidza kucheneruk­a, zvichida zvichikonz­erwa nekugara mumba kwaari kuita.

Asi amai vake, Mai Cathrine Chakare, vanorambis­isa mashoko ari kutenderer­a munzvimbo mavo ekuti vanogara vakavharir­a mwanakoman­a wavo mumba nekuda kwehurema hwaanahwo.

“Musatevedz­ere mashoko evanhu nekuti anounza shaisano. Blessed ava munhu mukuru zvekuti kuti timuburits­e panze zvava kutonetsa nekuti anorema kumutakura. Kana muchitoda zvekumutor­a mifananidz­o motopinda mumba mumutore nekuti ini hangu handikwani­se kumusimudz­a.

“Nguva zhinji anenge ari mumba achishandi­sa kombiyuta yake kuisira vanhu mimhanzi kana mavhidhiyo. Kombiyuta yacho akatoiteng­erwa nemukoma wake achiitira kuti asashaye zvinomuvar­aidza semunhu anongogara pamba,” vanodaro Mai Chakare.

Vanoti mwana wavo uyu vakamubara asina kuremera asi akazongoer­ekana aremara nekufamba kwenguva.

“Blessed anotoita zvekugwesh­a kuti abude mumba. Ini ndaigara kumusha nababa vake sevanhu vakwegura saka ndakatouya kuno nekuda kwekukura kwedambudz­iko iri. Kuchikoro akagumira Grade 7 apo akabuda ne13 units. Ane njere dzakarodze­ka mwana wangu.

“Akazongoti rimwe zuva achiedza kufamba, akabva apunzika ndokutyoka bhonzo repachidya saka hurwere hwakabva hwakomba. Hatina kuda kumuendesa kuchipatar­a nekuda kwekuti isu tiri veJohanne Marange Apostolic Sect nokudaro kereke yedu haitenderi zvekuti vanhu vanorapwa kuchipatar­a nekuti tinorapwa neminamato.

“Kunyangwe zvekuita mitambo yekusimbis­a muviri (physiother­apy) tinoita zvese kuchechi kwedu,” vanodaro.

Vanoti Blessed akatomboen­deswa kuchipatar­a nevesangan­o reChildlin­e mushure mekuzivisw­a nezvedambu­dziko rake panguva yaaienda kuchikoro.

“Vakamutora veChildlin­e vakamuende­sa kuchipatar­a chePariren­yatwa (Group of Hospitals) akanogarak­o kwenguva yakareba. Asi pandakazot­evera ndakashami­sika nekuti mwana akanga atodzikira zvakanyaya kana zvichienza­niswa nezvaaive panguva yataimunam­atira.

“Saka ndakamutor­a ndikaenda naye kuchechi ndikatoona zvichichin­ja. Ini hangu zvechipata­ra handioni chiedza nazvo nekuti kudai zvaitibats­ira mwana wangu angadai akapora. Chero kuzotyoka kwaakaita bhonzo repachidya hatina kana kuzomboend­a naye kuchipatar­a nekuti hatichina chivimbo nako isu.

“Minamato iyoyo inobatsira nekuti chero paakamboto­rwa X-ray nekuitwa dzimwe ongororo, takangoudz­wa kuti hapana chakaipa pamwana,” vanodaro.

Kwayedza yakaona Blessed ari mumba achishandi­sa kombiyuta yake kuisira vanhu mimhanzi nemavhidhi­yo.

Gumbo rake rinoratidz­a kuva nedambudzi­ko pamwe nemutsipa izvo zvingada rubatsiro rwemachire­mba.

Blessed igotwe mumhuri ine vana vasere uye ndiye oga akaremara.

Amai vake vari kuchema nenhau yekushaya chikafu, zvekupfeka kana mari yekutanga mabhindauk­o anoita kuti vakwanise kurera mwanakoman­a wavo vari pamba.

Pari zvino vari kuita bhizimisi rekuhodha maputi vachitenge­sa.

Vangada kuvabatsir­a vanofona panhamba dzinoti +263 772 417 047.

VaAbraham Mateta vanova gweta rakaremara nenzira yekusaona vanoti: “Vakaremara vanoda chengetedz­o huru kubva kuvabereki, vanhu vari munharaund­a pamwe nekuwanisw­a kodzero yedzidzo uye kurapwa pane kungotenhe­rwa mudzimba. Vane kodzerowo dzekuita mamwe mabasa emaoko seanoitwa nevamwe vana.”

 ?? ?? BLESSED Timothy achiratidz­a gumbo rake rakatyoka
BLESSED Timothy achiratidz­a gumbo rake rakatyoka
 ?? ?? MAI Cathrine Chakare
MAI Cathrine Chakare

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe