Gumbo rakatyoka ‘rorapwa pamweya’
Muchaneta Chimuka
VAGARI vekuUnit O, kuChitungwiza vari kushungurudzika zvikuru nenyaya yemukomana ane makore 20 okuberekwa akaremara mitezo uyo anonzi anogara akavharirwa mumba uye vabereki vake havadi kuenda naye kuchipatara kuti anobatsirwa zvichitevera kutyoka kwaakaita gumbo vachiti vari kumunamatira “pamweya”.
Blessed Timothy anonzi akabarwa asina kuremara, asi achibva azongotanga kutadza kufamba ava kuita Grade 6.
Ganda rake riri kuratidza kucheneruka, zvichida zvichikonzerwa nekugara mumba kwaari kuita.
Asi amai vake, Mai Cathrine Chakare, vanorambisisa mashoko ari kutenderera munzvimbo mavo ekuti vanogara vakavharira mwanakomana wavo mumba nekuda kwehurema hwaanahwo.
“Musatevedzere mashoko evanhu nekuti anounza shaisano. Blessed ava munhu mukuru zvekuti kuti timuburitse panze zvava kutonetsa nekuti anorema kumutakura. Kana muchitoda zvekumutora mifananidzo motopinda mumba mumutore nekuti ini hangu handikwanise kumusimudza.
“Nguva zhinji anenge ari mumba achishandisa kombiyuta yake kuisira vanhu mimhanzi kana mavhidhiyo. Kombiyuta yacho akatoitengerwa nemukoma wake achiitira kuti asashaye zvinomuvaraidza semunhu anongogara pamba,” vanodaro Mai Chakare.
Vanoti mwana wavo uyu vakamubara asina kuremera asi akazongoerekana aremara nekufamba kwenguva.
“Blessed anotoita zvekugwesha kuti abude mumba. Ini ndaigara kumusha nababa vake sevanhu vakwegura saka ndakatouya kuno nekuda kwekukura kwedambudziko iri. Kuchikoro akagumira Grade 7 apo akabuda ne13 units. Ane njere dzakarodzeka mwana wangu.
“Akazongoti rimwe zuva achiedza kufamba, akabva apunzika ndokutyoka bhonzo repachidya saka hurwere hwakabva hwakomba. Hatina kuda kumuendesa kuchipatara nekuda kwekuti isu tiri veJohanne Marange Apostolic Sect nokudaro kereke yedu haitenderi zvekuti vanhu vanorapwa kuchipatara nekuti tinorapwa neminamato.
“Kunyangwe zvekuita mitambo yekusimbisa muviri (physiotherapy) tinoita zvese kuchechi kwedu,” vanodaro.
Vanoti Blessed akatomboendeswa kuchipatara nevesangano reChildline mushure mekuziviswa nezvedambudziko rake panguva yaaienda kuchikoro.
“Vakamutora veChildline vakamuendesa kuchipatara cheParirenyatwa (Group of Hospitals) akanogarako kwenguva yakareba. Asi pandakazotevera ndakashamisika nekuti mwana akanga atodzikira zvakanyaya kana zvichienzaniswa nezvaaive panguva yataimunamatira.
“Saka ndakamutora ndikaenda naye kuchechi ndikatoona zvichichinja. Ini hangu zvechipatara handioni chiedza nazvo nekuti kudai zvaitibatsira mwana wangu angadai akapora. Chero kuzotyoka kwaakaita bhonzo repachidya hatina kana kuzomboenda naye kuchipatara nekuti hatichina chivimbo nako isu.
“Minamato iyoyo inobatsira nekuti chero paakambotorwa X-ray nekuitwa dzimwe ongororo, takangoudzwa kuti hapana chakaipa pamwana,” vanodaro.
Kwayedza yakaona Blessed ari mumba achishandisa kombiyuta yake kuisira vanhu mimhanzi nemavhidhiyo.
Gumbo rake rinoratidza kuva nedambudziko pamwe nemutsipa izvo zvingada rubatsiro rwemachiremba.
Blessed igotwe mumhuri ine vana vasere uye ndiye oga akaremara.
Amai vake vari kuchema nenhau yekushaya chikafu, zvekupfeka kana mari yekutanga mabhindauko anoita kuti vakwanise kurera mwanakomana wavo vari pamba.
Pari zvino vari kuita bhizimisi rekuhodha maputi vachitengesa.
Vangada kuvabatsira vanofona panhamba dzinoti +263 772 417 047.
VaAbraham Mateta vanova gweta rakaremara nenzira yekusaona vanoti: “Vakaremara vanoda chengetedzo huru kubva kuvabereki, vanhu vari munharaunda pamwe nekuwaniswa kodzero yedzidzo uye kurapwa pane kungotenherwa mudzimba. Vane kodzerowo dzekuita mamwe mabasa emaoko seanoitwa nevamwe vana.”