Kwayedza

Nhomba idziviriro, kwete kurwadzisa

-

HURUMENDE svondo rino yakatora danho guru panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 pakati pevashandi vayo zvichiteve­ra mashoko anoti vose vasina kubaiwa nhomba dzekudzivi­rira denda iri pasina zvikonzero zvinonzwis­isika havazi kuzotender­wa kuti vapinde munzvimbo dzavanosha­ndira.

Izvi zvinotever­a kuziviswa kwakaitwa neHurumend­e gore radarika kuti vashandi vayo vose vanokodzer­a kubaiwa nhomba idzi vanofanirw­a kubaiwa.

Asi kune vamwe vasina kuda kuteerera yambiro iyi vaine mafungiro ekuti kana vakasabaiw­a nhomba zvichangod­arika pasina matanho atorwa.

Public Service Commission (PSC) inoti kunze kwekurambi­dzwa kupinda munzvimbo dzavanosha­ndira, vashandi veHurumend­e vasina kubaiwa majekiseni ekuvadzivi­rira kuCovid-19 havazi kuzopihwa mari dzavo dzemuhoro zvakare.

Pamusoro pezvo, vachange vachizotor­erwa matanho akakodzera maringe nebasa ravo.

Kune vamwe vanogona kufunga kuti danho iri riripo pakuda kuvaomeser­a zvinove zvisiri izvo.

Vashandi veHurumend­e vanosangan­a nevanhu vakasiyana mubasa ravo zvinoita kuti vave panjodzi huru yekutapuri­rwa kana kutapurira chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinoratid­za kukosha kwekuti vange vachibaiwa nhomba.

Sekutaura kwePSC, vashandi veHurumend­e vane zvinovagoz­hera maringe neutano hwavo zvinoita kuti vasabaiwe nhomba idzi vanofanirw­a kuratidza umboo hwacho.

Kubvira pakatanga denda reCovid-19 munaKurume 2020, Hurumende iri kushangair­ira kurwisa chirwere ichi kuburikidz­a nekutora matanho akasimba akasiyana.

Asi pari zvino nzira yakajeka yekurwisa denda iri kubaiwa nhomba.

Izvi zvinoreva kuti kunyangwe vashandi vemakamban­i akazvimiri­ra vanofanirw­a kukoshesa nyaya yekuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pave nekudzivir­irwa kubva kudenda iri.

Pari zvino, vanhu 3,3 miriyoni ndivo vabaiwa nhomba zvakazara – yekutanga (1st dose) neyechipir­i (2nd dose).

Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti pachiri nebasa guru rekuti Zimbabwe ikwanise kusvitsa huwandu hwevanhu vanodiwa kuti vabaiwe nhomba kuitira kuti nyika inge yakadzivir­ika kubva kuchirwere ichi.

Kune dzimwe nyika dzemudunhu reSouthern African Developmen­t Community (Sadc) dziri kutora matanho akaomarara nechinangw­a chekurwisa denda iri.

Semuenzani­so, Botswana yakazivisa svondo rino kuti zvizvarwa zvayo zvose zvinenge zvichibva kunze pamwe chete nevashanyi vanofanirw­a kunge vakabaiwa nhomba uye kukundikan­a kwavo vachabhadh­ariswa faindi yeP5 000 (R6 500), kugara mujeri kwegore rose kana kuti zvose kubvisiswa faindi nekugarisw­a mutirongo. Nyaya huru iripo haizi yekuomeser­ana asi kuti kurwisa kupararira kwedenda iri.

Covid-19 yadzosera kumashure zvakanyany­a budiriro yeupfumi hwenyika pasi rose, kusanganis­ira Zimbabwe, nekudaro inoda chirwirang­we mukuirwisa.

Munhu mumwe nemumwe ane basa rekuita panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe