Nhomba idziviriro, kwete kurwadzisa
HURUMENDE svondo rino yakatora danho guru panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 pakati pevashandi vayo zvichitevera mashoko anoti vose vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri pasina zvikonzero zvinonzwisisika havazi kuzotenderwa kuti vapinde munzvimbo dzavanoshandira.
Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa neHurumende gore radarika kuti vashandi vayo vose vanokodzera kubaiwa nhomba idzi vanofanirwa kubaiwa.
Asi kune vamwe vasina kuda kuteerera yambiro iyi vaine mafungiro ekuti kana vakasabaiwa nhomba zvichangodarika pasina matanho atorwa.
Public Service Commission (PSC) inoti kunze kwekurambidzwa kupinda munzvimbo dzavanoshandira, vashandi veHurumende vasina kubaiwa majekiseni ekuvadzivirira kuCovid-19 havazi kuzopihwa mari dzavo dzemuhoro zvakare.
Pamusoro pezvo, vachange vachizotorerwa matanho akakodzera maringe nebasa ravo.
Kune vamwe vanogona kufunga kuti danho iri riripo pakuda kuvaomesera zvinove zvisiri izvo.
Vashandi veHurumende vanosangana nevanhu vakasiyana mubasa ravo zvinoita kuti vave panjodzi huru yekutapurirwa kana kutapurira chirwere cheCovid-19.
Izvi zvinoratidza kukosha kwekuti vange vachibaiwa nhomba.
Sekutaura kwePSC, vashandi veHurumende vane zvinovagozhera maringe neutano hwavo zvinoita kuti vasabaiwe nhomba idzi vanofanirwa kuratidza umboo hwacho.
Kubvira pakatanga denda reCovid-19 munaKurume 2020, Hurumende iri kushangairira kurwisa chirwere ichi kuburikidza nekutora matanho akasimba akasiyana.
Asi pari zvino nzira yakajeka yekurwisa denda iri kubaiwa nhomba.
Izvi zvinoreva kuti kunyangwe vashandi vemakambani akazvimirira vanofanirwa kukoshesa nyaya yekuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pave nekudzivirirwa kubva kudenda iri.
Pari zvino, vanhu 3,3 miriyoni ndivo vabaiwa nhomba zvakazara – yekutanga (1st dose) neyechipiri (2nd dose).
Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti pachiri nebasa guru rekuti Zimbabwe ikwanise kusvitsa huwandu hwevanhu vanodiwa kuti vabaiwe nhomba kuitira kuti nyika inge yakadzivirika kubva kuchirwere ichi.
Kune dzimwe nyika dzemudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) dziri kutora matanho akaomarara nechinangwa chekurwisa denda iri.
Semuenzaniso, Botswana yakazivisa svondo rino kuti zvizvarwa zvayo zvose zvinenge zvichibva kunze pamwe chete nevashanyi vanofanirwa kunge vakabaiwa nhomba uye kukundikana kwavo vachabhadhariswa faindi yeP5 000 (R6 500), kugara mujeri kwegore rose kana kuti zvose kubvisiswa faindi nekugariswa mutirongo. Nyaya huru iripo haizi yekuomeserana asi kuti kurwisa kupararira kwedenda iri.
Covid-19 yadzosera kumashure zvakanyanya budiriro yeupfumi hwenyika pasi rose, kusanganisira Zimbabwe, nekudaro inoda chirwirangwe mukuirwisa.
Munhu mumwe nemumwe ane basa rekuita panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.