Kwayedza

Tezvara anodanana nemuroora . . . zvekutopin­da vose mumachira:

-

Zvino mombe shanu idzi dzakapihwa ani? Pamusha pachine hugaro kwaho here apa? — Chara Makarimayi.

*********

Saka mombe dzatadzei, regai vanodanana vadanane. Mfana ngaatsvage mumwe. — Cando Mabhunu.

*********

Saka mombe dzacho dzakapiwa ani? Uye mukadzi uyu vachiri vese nokuti baba vatoroora ka apa. Hapadi dare apa, aziva kwake aziva kwake doto rechapungu. Wochengeta mombe dzechipfam­bi chemukadzi. 1 day achakuudza kuti imombe dzemusana wangu, ungadai usina chinhu iwe. —

Mike Sunduzani Ncube.

*********

Dzakange dzasangana pfambi dzose.

— William Tinashe.

*********

Mwari wee nyika yoinda kumagumo.

— Nowel Kundhlane.

*********

Saka mombe dzinotorwa nemwanakom­ana wake here kana kuti navashe? — Fortunate Tawana.

*********

Hekani waro, mambo aifanirwa kuvadzinga mudunhu rake. — Hillary Singa.

Hezvooo nyika yoenda kumagumo henyu asi naye muroora afanirwa kuripiswaw­o hachisi chibharo ka ichi. —

Netsai Chivasa.

Imwe isiri mishonga here? Kune tumwe tuharahwa tunobata midzi. —

Elina Chirinda.

*********

Muroora mukadzi mumusha that’s why asingatend­erwe kuwacha hembe dzababa or kufambidza­na because vanomutora. — Brian Mpofu.

*********

Kuti mwanakoman­a wacho aitovewo mudare umu here shuwa? — Dzoro Baba Linda.

Mombe dziri kuripwa muroora here kana kuti pamusha pakuita matanga maviri, remakunaku­na kwaro? —

Muchechete­re Chawamana. *********

Ko iye murume wacho aivepi vanhu vachidanan­a? — Mai Effort Esnath.

*********

Vanhu vekumusha kwedu vanotinyad­zisireiko kudaro. — Murphy Tafie.

*********

Pakati pababa nemwana pane achafa chete. — Shumtz Shumtz.

*********

Regai mvura itadze kunyatsona­ya. Makunakuna akadai, kusatya Mwari! — Ruuke Columbus Munyaradzi.

*********

Nyakuponda vana vaviri azviuraya: Ko anga asina kusungwa here? —Gin Maposa.

Ko zvavari madzibaba wani! — Miriam Muzizi.

Saka anga asina kusungwa here panhau yekuponda vana yacho? — Mildred Middy Dzafunwa.

*********

KuGokwe kune zvakowo uku, ndikozve kwatsikamu­tanda wekuba mombe dzevanhu. — Happious Adonia Lamb.

But handione sekuti nyika yoenda kumawere nekuti even kuma1972 mumwe akamboita izvi zvikanzi nyika yoenda kumawere so hakusvikwi here kumawere kwacho? — Patrick Dongo.

*********

Maticha vambomiswa basa:

So who is going to teach the kids? — Robert Mazambara.

*********

Tabaikana nekutenga mauniform achingoita madiki hasati apfekwa. Chii chiri kuitika nhaimi? — Jack Muzindi

*********

Vana vedu vachadzidz­a here veduwe? — Yonatha Makanda.

*********

Mbavha yechibage yabatirwa panzvimbo:

Miguri 3 yechibage here? — Rosemary Zisengwe.

*********

Naye anopenga, anga enda kunotengas­era parufu pakazara vanhu? — Sarudzai Kombo.

*********

Hunhu uhwu hatiuzivi semaZimbab­weans. — Farai Musemwa.

*********

Akanzwa butter, anoda kukohwa zvaasina kurima. — Virginia Chirai.

*********

Unopedzerw­a shungu nevanhu vane stress dzavo, kurohwa sekuti chibage chacho ndochaizoz­adza dura. — Washington George.

*********

Vakatadza, deno vakati adye chakadaro chese. — Dg Mark.

*********

Tipeiwo number dzemuridzi wemunda please. — Boyseen Tsvigiri.

*********

Mwanakoman­a aponda mai, ndokudambu­ra musoro asati apisa mutumbi:

Hapengi uyu, kunyepera kuzungaira. — Tracy Shumba

********* Zvekupenga haapengi hake but chiripo ndechekuti akazviita abatwa nengozi chaiyo, kugarwa uku. – Joice Rabvu.

Mapurisa ngaatarise nyaya iyi because mupengo haangamboi­te pfungwa dzekuuraya nekuzodimb­ura musoro. Pane akazviita ari normal because mupengo aingouraya chete osiya. Ko zvokunofut­sira?— Victoria Mupakati.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe