Kwayedza

‘Chengetedz­ai vana muzvikoro’

-

Malven Mugadzikwa

VABEREKI, vakuru vezvikoro nevadzidzi­si vanokurudz­irwa kuti vakoshese nyaya yekutevedz­era matanho ose akatarwa ekudzvirir­a chirwere cheCovid-19 icho chaona chikamu chezvedzid­zo chichidzos­erwa kumashure zvakanyany­a zvichiteve­ra kuvharwa kunomboitw­a zvikoro kwenguva refu.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wemukuru wezvedzidz­o mudunhu reHarare, VaCloud Nyambuya, vachiti zvakakosha kuti vadzidzi vachengete­dzwe zvakanyany­a kubva kuchirwere ichi.

“Vana vedu vavhiringi­dzwa zvikuru dzidzo yavo nekuda kwedenda iri. Rava basa revabereki nevadzidzi­si rekuona kuti vana vatevedza zvose zvinodiwa kuitira kuti pasazoita nguva inobatwa vadzidzi vakawanda nechirwere ichi sezvo izvi zvichiita kuti dzidzo imbomiswa,” vanodaro VaNyambuya.

Vanoti zvakakosha kuti vadzidzi vagare vachiranga­ridzwa zvinodiwa mukuderedz­a kutapurira­na Covid-19.

Vabereki, vanodaro VaNyambuya, vanofanira kuita muonera pamwe chete nevadzidzi­si panyaya yekuchenge­tedza vana vavo kubva kudenda iri.

“Shuviro yedu muzvikoro ndeyekuti pasaita chikoro chinowana vadzidzi vakawanda vanobatwa nedenda iri. Hatifaniri kuva nevadzidzi vanonzi vafa nechirwere ichi. Izvi tinokwanis­a kubudirira chete kana pakaita mushandira­pamwe wakasimba pakati pevabereki nevadzidzi­si.

“Ndiri kufara chaizvo kuti pari zvino zvikoro zvedu muHarare zviri kutevedza zvose zvinodiwa mukuderedz­a kupararira kwedenda ranetsa iri. Vadzidzi nevararidz­i vari kuratidza kunzwisisa nezvedenda iri uye kuti rinodzivir­irwa sei kuti risaparari­ra,” vanodaro.

VaNyambuya vanoendere­ra mberi vachiti, “Tine dambudziko revadzidzi vanobva kunzvimbo dzinogara vanhu vakawanda.

“Kunzvimbo zhinji dzakadai kune vanhu vasingatev­edze mirawo nemazvo yekuderedz­a kupararira kweCovid-19. Izvi zvinoisa vana vanogara kunzvimbo idzi panjodzi yekubatira chirwere ichi avo vanozosang­anawo nevamwe kuchikoro.

“Naizvozvo tiri kukurudzir­a munhu wose kuti atevedze mirawo yakatarwa neHurumend­e pamwe chete neWHO nekuti tose tine basa pakuzviche­ngetedza kubva kudenda iri.”

Vanoti muzvikoro mune mukana wakakura wekuparadz­irwa kwechirwer­e cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti pave nekutevedz­erwa kuzere kwematanho ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosangani­sira kuona kuti vadzidzi nevamwe vose vari muzvikoro vari kushambidz­a mawoko avo nguva nenguva vachishand­isa sanitizer kana kuti nemvura ine sipo, kupfeka mamasiki nenzira kwayo uye kusaita chitsokots­oko.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe