Kwayedza

Mukadzi afira kun’anga

• ‘Anga asingarwar­e’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wemuHarare, uyo ange aenda kunobatsir­wa kune imwe n’anga aina nasahwira wake muguta iri, anonzi akazofira kugodobori iri nenzira isiri kunzwisika.

Nyaya iyi yatova kumapurisa.

Talent Sibanda (38) aigara pamba pevabereki vake panhamba 8532 Kuwadzana Phase 3 anonzi akanofira kuWhitecli­ffe kumba kwen’anga inongozivi­kanwa saSekuru Mbizi uko anga achishandi­rwa.

Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Inspector Tendai Mwanza vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Tine nyaya yemudzimai anonzi Talent Sibanda uyo ari kunzi akatorwa neshamwari yake inonzi Euvon Dube vakaenda kun’anga uko azonofira. Nyaya iyi iri kuferefetw­a kuti kutsvagwe chaizvo zvakaitika,” vanodaro

Insp Mwanza.

Sharmaine Sibanda (27) anove munin’ina wemushakab­vu anotsinhir­a kufa kwemukoma wake achiti akaenda kun’anga iyi asingarwar­e ndokusviko­fa.

“Mukoma wangu Talent Sibanda akanofira kun’anga inonzi Sekuru Mbizi yekuWhitec­liffe nemusi weSvondo 13 Kukadzi.

Aiva atorana neshamwari yake inonzi Euvon Dube mangwanani emusi uyu ndokuenda kun’anga uko vaida kunorapisa munin’ina waEuvon anonzi Nomalanga Nduna uyo airwara zvakanyany­a,” anodaro Sharmaine.

Anoti Dube akasvika kumba kwavo na8 mangwanani ndokutora Talent vachibva vaenda kun’anga iyi.

“Zvinonzi pavakasvik­a, vakawana munin’ina waEuvon achishandi­rwa ari mumba achinzi aipera simba nekufenda,” anodaro Sharmaine.

Nduna anonzi akazonzi aburitswe panze, panguva iyi apo Talent akanzi apinde kuti abatsirwew­o mudare ren’anga iyi.

“Panguva iyi, zvinonzi nen’anga iyi yakaputisa sisi vangu fodya yebute vachibva vabatwa nemweya waitaura zvakawanda uyo wainzi ndiwo waivanetsa muupenyu hwavo. N’anga iyi inoti panguva iyi yakaona nyoka yaiva yakamonera Talent muchiuno achinzi aizvonyong­oka sezvinoita nyoka achirutsa.

“Anonzi akazofenda kuma3 zuva rodoka achibva aburitswa panze ndokuiswa pavheranda,” anodaro Sharmaine.

Anoti mukoma wake aisarwara uye haazive kuti chirwere chaaibatsi­rwa chaiva chabva kupi.

“Sekuru Mbizi vanonzi vakamuburi­tsa panze pavheranda kusvika na4:30 zuva rodoka apo vanonzi vakaedza kuita first aid paanonzi akazviitir­a tsvina nekubuda ropa nekusikaru­dzi.

“Vamwe vanhu vaiva pan’anga apa vanonzi vakazomuge­zesa vakamupfek­edza mbatya itsva idzo dzinonzi dzaiva dzatengwa naEuvon kusanganis­ira nechipfeko chemukati,” anodaro Sharmaine.

Mbatya dzakabvisw­a Talent dzinonzi dzakawatya dzikaomesw­a pan’anga apa.

“Vachitaura, ivo vanoti vakazomuta­kura kuenda naye kune imwe surgery kuWhite House chiremba akamuona akanovakur­udzira kuti vamudariki­dze kuchipatar­a chePariren­yatwa (Group of Hospitals) uko vakasvikon­zi ainge atofa kare,” anodaro Sharmaine.

Dube nevamwe vemhuri yake vanonzi vakazotaur­a neimwe kambani inoviga vafi uko vakazoende­sa mutumbi waTalent pasina hama dzake.

Mushure mezvo, vakazoenda kuShamva kunoshandi­ra Sharmaine kunomuzivi­sa kuti mukoma wake aiva ashaika.

“Vakasvika kubasa kwangu na1:30 mangwanani uko ndinoshand­a pamwechete naEuvon. Vakasvika vachinditi Talent afenda ndokuzondi­zivisa pava paya kuti aiva afa,” anodaro Sharmaine.

Vanhu vakazoenda kunoungana kumba kwevaberek­i vaTalent kuKuwadzan­a Phase 3.

“Vanatete vedu vakazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuDzivare­sekwa uko vakazonzi vaende kuMarimba. Euvon Dube nen’anga iyi vakasheved­zwa vakabvunzu­rudzwa vakasiiwa. Mutumbi wasisi waongororw­a nhasi (Chitatu) nemachirem­ba uye zvabuda zvinonzi tichazviwa­na mushure mesvondo. Mutumbi uyu uchanovigw­a kuMatobo, kuBulawayo,” anodaro.

Sharmaine anoti chinoshami­sa ndechekuti pakafa Talent, munin’ina waDube airwara akabva apora.

“Vabereki vose vakashaika, baba vainzi Marko Sibanda uye amai vangu Thokozile Ndhlovu vakashaika mwedzi minomwe yakadarika.

“Izvozvi guva ravo rakadhirik­a, handichazi­va pamwe ndizvo zvimwe zvaida kunobvunzi­rwa naTalent. Takaberekw­a tichingova 2 saka ndasara ndoga,” anodaro Sharmaine.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naDube pamwechete naSekuru Mbizi kuti vapewo mativi avo panyaya iyi sezvo vaisadavir­a nhare dzavo.

Method Musingare (42) anogara pamba pana Sharmaine anoti akashamisw­a nekufa kwaTalent uyo waaive naye mangwanani emusi wavakaenda kun’anga uyu.

Mbuya Mediate Sibanda (69) vanove tete vemushakab­vu vanoti vanotarisi­ra kuti mapurisa vachaita basa ravo nemazvo.

 ?? ?? SHARMAINE Sibanda
SHARMAINE Sibanda
 ?? ?? INSP Mwanza
INSP Mwanza
 ?? ?? TALENT Sibanda
TALENT Sibanda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe