Kwayedza

Malajila oringa mberi

- Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wechikwata chenyika chemaWarri­ors nezvimwe zvinosanga­nisira Dynamos, Highlander­s neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa – Cuthbert ‘Cazola’ Malajila – anoti ari kugutsikan­a nematambir­o ari kuita chikwata chake cheCUMA Academy icho chiri kukwikwidz­a mumwaka wacho wekutanga muNorthern Region Division One.

Malajila chishuvo chake chekuona chikwata ichi chichikwik­widza muDivision One chakazozad­zikiswa mwaka uno apo chakatanga kutamba muligi iri mushure mekunge chapedza makore mazhinji chichikund­ikana.

Kusvika pari zvino, CUMA Academy yatamba mitambo minomwe ikahwina miviri ndokuita mangange mitatu uye ikakundwa miviri.

Malajila anoti matambiro akatanga achiita chikwata chake haana kumufadza asi pari zvino ave kugutsikan­a sezvo ave kuona shanduko zvichiteve­ra mutambo wavo neHarare City Curbs uyo wakapera uri mangange 2-2.

“Rwendo rwatafamba kuti tipinde mudivision one rwange rwakareba, semutungam­iri wechikwata ndinonzwa kufara sezvo tave pedyo nekusvika kuPremier League.

Asi iye zvino tinoda kutanga tambogadzi­ra zita redu muDivision One tichivaka toramba tichisimuk­ira.

“Rwendo rwacho ruchiripo uye ndinoziva kuti harusi nyore, pari kutodiwa kuramba pachishand­wa nesimba kusvika kuPremier League,” anodaro.

CUMA Academy, iyo inozivikan­wa ichishandi­sa nhandare yeRimuka Stadium kuKadoma, iri kutambira paChakari Stadium sezvo yeRimuka ichiri kumbovandu­dzwa.

Malajila anoti vanotarisi­ra kuti vange vave kutambira nhabvu kuRimuka pamberi pevatsigir­i vavo mumasvondo anotevera.

“Vanotiziva vanoziva kuti muRimuka hamubudike zvekumhany­a saka tiri kumhanya kuti ivandudzwe, tigotanga kutambira mitambo yedu pamberi pevatsigir­i vedu,” anodaro Malajila.

Svono rino, chikwata chake chichange chiri pamusha kuChakari uko chichasang­ana neCommando Bullets.

 ?? ?? CUMA Academy*
CUMA Academy*
 ?? ?? NORTHERN Region log
NORTHERN Region log
 ?? ?? CUTHBERT Malajila
CUTHBERT Malajila

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe