‘Mukadzi wako iSweet 16 yangu’
‘. . . haamboita semudzimai akaroorwa’ ‘. . . tinotaura kusvikira machongwe arira’
MUKOMANA wekwaSaunyama, kuNyanga, akadhonzerwa kudare rashe veko nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi uyo waanoti akamunyepera kuti haana kuroorwa uye anomuonawo se”kaSweet 16”.
Kana pari pakutaura panhare, hanzi “tinobhuya kudzimara machongwe arira” nemukadzi iyeyu.
Peter Mutonhora (19) anogara kwaSabhuku Dumba akaripiswa mombe imwechete mushure mekubatwa nemhosva yekudanana naRuth Manhimanzi uyo anove mukuru kwaari nemakore maviri pakuzvarwa.
Asi Mutonhora achanofondoka pasina mubhadharo pachipatara cheMount Melleray Mission mushure mekuchema-chema mudare achiti rimupe mutongo wakareruka sezvo ari murombo asina kana mbudzi zvayo.
Akaudza dare kuti Manhimanzi akamunyepera kuti aive mhandara uye kuti haana kuroorwa.
“Ndichiri mudiki uye handina mombe. Ndange ndisingazive kuti akaroorwa. Kutaura chokwadi ndaitofunga kuti achiri mhandara sekunditaurira kwaaive aita,” anodaro Mutonhora.
Asi Manhimanzi akati akazivisa jaya iri nezvekuroorwa kwake.
“Ange asingade kundisiya achiti tozoyambuka zambuko kana tabatwa. Zvino tabatwa, ndiro zambuko racho ratave kuyambuka iri,” akadaro, zvikaita kuti vanhu vaive mudare iri vatyoke mbabvu nekuseka.
Mutonhora anoti aigara achikurukura naManhimanzi kubva nenguva dza7 manheru kusvika pakati pehusiku sezvo akange amuudza kuti haana kuroorwa.
“Aigara aripo pandaida kutaura naye parunhare. Taikurukura kusvika pakati pehusiku. Kashoma kuwana mukadzi akaroorwa achivaraidza vamwe varume panguva idzodzo.
“Nekuda kweizvozvo, ndakatenda kuti haana kuroorwa izvo zvakandiita kuti ndichienderere mberi nekudanana naye. Aivepi uyu ari kunzi murume wake pandaitaura naye pakati pehusiku?” anodaro Mutonhora.
Achibvunzwa nedare kuti haana kuona here kuti Manhimanzi aive nepamuviri, Mutonhora akati haana kumbobvira azviona kuti mudzimai uyu akazvitakura.
“Anoita kunge ‘kaSweet 16’ kwandiri kana nanhasi chaiye. Ndakashamisika murume wake achindiudza kuti aitarisira kusununguka mwana wavo wechipiri. Ndaida kumuroora,” anodaro.
Murume waManhimanzi, uyo akangozivikanwa saRaphael (28), anoti akazoziva nezverudo rwevaviri ava mushure mekuona mashoko avo avaitumirana munharembozha yemudzimai wake.
Anoti akazoronda vaviri ava avabatikidza vakambundirana.
Raphael anoti kuita gumbo mumba gumbo panze kwemudzimai wake akatanga kukuratidzwa kuhope.
“Ndakamuudza nezvehope dzangu iye akati ndedzenhando. Ndakamuudza kuti kana chiri chokwadi chichafumuka nekukasika,” anodaro.
Raphael anoti kwapera mazuva maviri mushure mekunge audza mudzimai wake nezvehope idzi, akabva amubatikidza akambundirana naMutonhora.
Anoti akazoona kuti mudzimai wake ainge ane tsika yekukurukura nechikomba chake panharembozha yake pose paainge anorara.
“Ndakatora nharembozha yake ndipo pandakazoona nezverudo rwake naMutonhora. Ndakatanga kutumira Mutonhora mameseji panhare yemudzimai wangu iye achipindura.
“Ndakaona imwe meseji pavaironga kuti vaida kuzosangana musango. Ndakavatevera ndikavabata vakatombundirana,” anodaro.
Raphael anoti zvinoratidza kuti parudo rwevaviri ava vakange vasati vaenda vese pabonde, izvo zvakazomutuma kuregerera mudzimai wake.
Raphael ane imwe nyaya yakamumirira kudare reNyanga Magistrates Court iyo ari kupomerwa kurikita Mutonhora mushure mekunge amubata akambundirana nemudzimai wake.