Kwayedza

‘Mukadzi wako iSweet 16 yangu’

‘. . . haamboita semudzimai akaroorwa’ ‘. . . tinotaura kusvikira machongwe arira’

- Tendai Gukutikwa

MUKOMANA wekwaSauny­ama, kuNyanga, akadhonzer­wa kudare rashe veko nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi uyo waanoti akamunyepe­ra kuti haana kuroorwa uye anomuonawo se”kaSweet 16”.

Kana pari pakutaura panhare, hanzi “tinobhuya kudzimara machongwe arira” nemukadzi iyeyu.

Peter Mutonhora (19) anogara kwaSabhuku Dumba akaripiswa mombe imwechete mushure mekubatwa nemhosva yekudanana naRuth Manhimanzi uyo anove mukuru kwaari nemakore maviri pakuzvarwa.

Asi Mutonhora achanofond­oka pasina mubhadharo pachipatar­a cheMount Melleray Mission mushure mekuchema-chema mudare achiti rimupe mutongo wakareruka sezvo ari murombo asina kana mbudzi zvayo.

Akaudza dare kuti Manhimanzi akamunyepe­ra kuti aive mhandara uye kuti haana kuroorwa.

“Ndichiri mudiki uye handina mombe. Ndange ndisingazi­ve kuti akaroorwa. Kutaura chokwadi ndaitofung­a kuti achiri mhandara sekunditau­rira kwaaive aita,” anodaro Mutonhora.

Asi Manhimanzi akati akazivisa jaya iri nezvekuroo­rwa kwake.

“Ange asingade kundisiya achiti tozoyambuk­a zambuko kana tabatwa. Zvino tabatwa, ndiro zambuko racho ratave kuyambuka iri,” akadaro, zvikaita kuti vanhu vaive mudare iri vatyoke mbabvu nekuseka.

Mutonhora anoti aigara achikuruku­ra naManhiman­zi kubva nenguva dza7 manheru kusvika pakati pehusiku sezvo akange amuudza kuti haana kuroorwa.

“Aigara aripo pandaida kutaura naye parunhare. Taikurukur­a kusvika pakati pehusiku. Kashoma kuwana mukadzi akaroorwa achivaraid­za vamwe varume panguva idzodzo.

“Nekuda kweizvozvo, ndakatenda kuti haana kuroorwa izvo zvakandiit­a kuti ndichiende­rere mberi nekudanana naye. Aivepi uyu ari kunzi murume wake pandaitaur­a naye pakati pehusiku?” anodaro Mutonhora.

Achibvunzw­a nedare kuti haana kuona here kuti Manhimanzi aive nepamuviri, Mutonhora akati haana kumbobvira azviona kuti mudzimai uyu akazvitaku­ra.

“Anoita kunge ‘kaSweet 16’ kwandiri kana nanhasi chaiye. Ndakashami­sika murume wake achindiudz­a kuti aitarisira kusununguk­a mwana wavo wechipiri. Ndaida kumuroora,” anodaro.

Murume waManhiman­zi, uyo akangozivi­kanwa saRaphael (28), anoti akazoziva nezverudo rwevaviri ava mushure mekuona mashoko avo avaitumira­na munharembo­zha yemudzimai wake.

Anoti akazoronda vaviri ava avabatikid­za vakambundi­rana.

Raphael anoti kuita gumbo mumba gumbo panze kwemudzima­i wake akatanga kukuratidz­wa kuhope.

“Ndakamuudz­a nezvehope dzangu iye akati ndedzenhan­do. Ndakamuudz­a kuti kana chiri chokwadi chichafumu­ka nekukasika,” anodaro.

Raphael anoti kwapera mazuva maviri mushure mekunge audza mudzimai wake nezvehope idzi, akabva amubatikid­za akambundir­ana naMutonhor­a.

Anoti akazoona kuti mudzimai wake ainge ane tsika yekukuruku­ra nechikomba chake panharembo­zha yake pose paainge anorara.

“Ndakatora nharembozh­a yake ndipo pandakazoo­na nezverudo rwake naMutonhor­a. Ndakatanga kutumira Mutonhora mameseji panhare yemudzimai wangu iye achipindur­a.

“Ndakaona imwe meseji pavaironga kuti vaida kuzosangan­a musango. Ndakavatev­era ndikavabat­a vakatombun­dirana,” anodaro.

Raphael anoti zvinoratid­za kuti parudo rwevaviri ava vakange vasati vaenda vese pabonde, izvo zvakazomut­uma kuregerera mudzimai wake.

Raphael ane imwe nyaya yakamumiri­ra kudare reNyanga Magistrate­s Court iyo ari kupomerwa kurikita Mutonhora mushure mekunge amubata akambundir­ana nemudzimai wake.

 ?? ?? Mambo Saunyama
Mambo Saunyama
 ?? ?? Peter Mutonhora
Peter Mutonhora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe