Zinara yodira $17bn kumigwagwa
MARI inosvika $17 bhiriyoni ichapihwa kumakanzuru munyika yose neZimbabwe National Road Authority (Zinara) iyo yakanangana nekugadzirisa migwagwa mizhinji isisina kumira zvakanaka.
Mari iyi ichashandiswa kugadzira migwagwa pasi pechirongwa cheEmergency Road Rehabilitation Programme (ERRP).
Vachitaura kuvatori venhau muguta reHarare nemusi weChipiri, sachigaro weZinara, Dr George Manyaya vanoti vari kushanda nesimba uye kuita basa pajekerere senzira yekuti mari iri kubva kubazi ravo ionekwe neveruzhinji mashandisirwo ayo.
“Chinangwa chikuru chaita kuti tizivise veruzhinji nezvemari yatichapa kumakanzuru gore rino kuti vazive kuti mari yavo iri kushandiswa sei,” vanodaro Dr Manyaya.
Pa$17 bhiriyoni ichaenda kumakanzuru, kanzuru yeHarare ichawana $1,1 bhiriyoni, Bulawayo ($338 miriyoni), Masvingo ($122 miriyoni), Gweru ($196,2 miriyoni) kuchitiwo Mutare ichawaniswa $163,5 miriyoni.
Mamwe matunhu achawana mari anosanganisira Mashonaland East ($519,6 miriyoni), Mashonaland Central ($451,5 miriyoni), Manicaland ($444 miriyoni), Mashonaland West ($741 miriyoni), Masvingo ($361 miriyoni), Midlands ($661 miriyoni), Matabeleland
North ($524 miriyoni) uye Matabeleland South ichawaniswa $495 miriyoni.
Dr Manyaya vanoti basa reZinara harizi rekugadzira migwagwa asi kuunganidza mari ichizopihwa kumakanzuru nemapazi ekumatunhu anoona nezvekugadzirwa kwemigwagwa kuti vagadzire migwagwa inenge yaipa.
Vanoti bazi ravo rinoongorora kushandiswa kwemari iyi uye vemakanzuru vanosungirwa kuva neumboo hunoratidza kuti mari yavanenge vapihwa inoshandiswa sei.
“Zinara haipo pakugadzira migwagwa asi kuti inopa mari yekuti migwagwa igadziriswe. Mari iyi haingoenda pasina kubuda pachena kubva kumakanzuru nevakuru vematunhu kuti ichashanda sei. Isu zvakare kana taendesa mari iyi tinoteverera kuona kuti iri kushandiswa sei uye nemazvo here maererano nezvikumbiro zvinenge zvaiswa.
“Gore rino takatoongorora tikaona kuti tinokwanisa kupa mari inosvika $17 bhiriyoni kuti migwagwa yedu imire zvakanaka,” vanodaro Dr Manyaya.