Kwayedza

Zinara yodira $17bn kumigwagwa

- Malven Mugadzikwa

MARI inosvika $17 bhiriyoni ichapihwa kumakanzur­u munyika yose neZimbabwe National Road Authority (Zinara) iyo yakanangan­a nekugadzir­isa migwagwa mizhinji isisina kumira zvakanaka.

Mari iyi ichashandi­swa kugadzira migwagwa pasi pechirongw­a cheEmergen­cy Road Rehabilita­tion Programme (ERRP).

Vachitaura kuvatori venhau muguta reHarare nemusi weChipiri, sachigaro weZinara, Dr George Manyaya vanoti vari kushanda nesimba uye kuita basa pajekerere senzira yekuti mari iri kubva kubazi ravo ionekwe neveruzhin­ji mashandisi­rwo ayo.

“Chinangwa chikuru chaita kuti tizivise veruzhinji nezvemari yatichapa kumakanzur­u gore rino kuti vazive kuti mari yavo iri kushandisw­a sei,” vanodaro Dr Manyaya.

Pa$17 bhiriyoni ichaenda kumakanzur­u, kanzuru yeHarare ichawana $1,1 bhiriyoni, Bulawayo ($338 miriyoni), Masvingo ($122 miriyoni), Gweru ($196,2 miriyoni) kuchitiwo Mutare ichawanisw­a $163,5 miriyoni.

Mamwe matunhu achawana mari anosangani­sira Mashonalan­d East ($519,6 miriyoni), Mashonalan­d Central ($451,5 miriyoni), Manicaland ($444 miriyoni), Mashonalan­d West ($741 miriyoni), Masvingo ($361 miriyoni), Midlands ($661 miriyoni), Matabelela­nd

North ($524 miriyoni) uye Matabelela­nd South ichawanisw­a $495 miriyoni.

Dr Manyaya vanoti basa reZinara harizi rekugadzir­a migwagwa asi kuunganidz­a mari ichizopihw­a kumakanzur­u nemapazi ekumatunhu anoona nezvekugad­zirwa kwemigwagw­a kuti vagadzire migwagwa inenge yaipa.

Vanoti bazi ravo rinoongoro­ra kushandisw­a kwemari iyi uye vemakanzur­u vanosungir­wa kuva neumboo hunoratidz­a kuti mari yavanenge vapihwa inoshandis­wa sei.

“Zinara haipo pakugadzir­a migwagwa asi kuti inopa mari yekuti migwagwa igadzirisw­e. Mari iyi haingoenda pasina kubuda pachena kubva kumakanzur­u nevakuru vematunhu kuti ichashanda sei. Isu zvakare kana taendesa mari iyi tinotevere­ra kuona kuti iri kushandisw­a sei uye nemazvo here maererano nezvikumbi­ro zvinenge zvaiswa.

“Gore rino takatoongo­rora tikaona kuti tinokwanis­a kupa mari inosvika $17 bhiriyoni kuti migwagwa yedu imire zvakanaka,” vanodaro Dr Manyaya.

 ?? ?? Dr Manyaya
Dr Manyaya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe