‘Coffin’ rine nyoka, huku
KUDUNHU raGwasira, kwaMambo Makoni kwakaitika mashura nemusi weMuvhuro apo vanhu vakaona bhokisi rinovigwa naro mufi rakatsvetwa padivi pemugwagwa padyo nedhamu, mukati maro makazara nyoka mhenyu iyo yainge yakamonera huku.
Pamusoro pezvo, bhokisi iri rinonzi raidonha ropa.
Mambo Makoni, VaSimbai Cogen Gwasira vanotsinhira mashura aya vachiti, “Nyaya iyi yakaitika mudunhu mangu muno maMakoni nemusi wa21 Kukadzi kwasadunhu wangu anonzi Gwasira pedyo nedhamu reMudhemudhe kugomo reChirimusitu, kuNyazura.
“Ini handina kusvika ikoko asi ndakatuma sadunhu wangu ariko, Omega Gwasira. Zvinonzi vanhu vakaona bhokisi remwana, vakarivhura ndokuona muine nyoka yaiva yakasunga huku. Mushure mechinguva, nyoka iyi nehuku zvakanyangarika ndokusanduka kuita zizi rakafa nemadumwa nemimwe mishonga zvaingova mubhokisi iri.”
Mambo Makoni vazokurudzira vatori venhau kuti vataure naSadunhu Gwasira sezvo vachiti ndivo vakanosvika panzvimbo iyi vakazvionera.
Vachitaura panhare, Sadunhu Gwasira vanotsinhirawo nyaya iyi.
“Nyaya iyi yakaitika nemusi weMuvhuro uno kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kunonzi kuMudhemudhe kana kuti kuDevils Park padyo nedhamu. Vanhu vakaona bhokisi rekuvigira mwana vakatya kurivhura sezvo raizunguzika-zunguzika semune chinhu chipenyu uyewo raiyerera ropa richienda pasi.
“Vakandifonera ndikaendako ndikasvikoona bhokisi iri rakavharwa muchiratidza kuti mune chinhu chaifema chichisandudzira bhokisi iri,” vanodaro Sadunhu Gwasira.
Vanoti vakasvikoshora varume vose vainge vakaungana panzvimbo iyi kuti sei vatya kuvhura
◆