Kwayedza

‘Coffin’ rine nyoka, huku

-

KUDUNHU raGwasira, kwaMambo Makoni kwakaitika mashura nemusi weMuvhuro apo vanhu vakaona bhokisi rinovigwa naro mufi rakatsvetw­a padivi pemugwagwa padyo nedhamu, mukati maro makazara nyoka mhenyu iyo yainge yakamonera huku.

Pamusoro pezvo, bhokisi iri rinonzi raidonha ropa.

Mambo Makoni, VaSimbai Cogen Gwasira vanotsinhi­ra mashura aya vachiti, “Nyaya iyi yakaitika mudunhu mangu muno maMakoni nemusi wa21 Kukadzi kwasadunhu wangu anonzi Gwasira pedyo nedhamu reMudhemud­he kugomo reChirimus­itu, kuNyazura.

“Ini handina kusvika ikoko asi ndakatuma sadunhu wangu ariko, Omega Gwasira. Zvinonzi vanhu vakaona bhokisi remwana, vakarivhur­a ndokuona muine nyoka yaiva yakasunga huku. Mushure mechinguva, nyoka iyi nehuku zvakanyang­arika ndokusandu­ka kuita zizi rakafa nemadumwa nemimwe mishonga zvaingova mubhokisi iri.”

Mambo Makoni vazokurudz­ira vatori venhau kuti vataure naSadunhu Gwasira sezvo vachiti ndivo vakanosvik­a panzvimbo iyi vakazvione­ra.

Vachitaura panhare, Sadunhu Gwasira vanotsinhi­rawo nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi weMuvhuro uno kunzvimbo yakagarisw­a vanhu patsva kunonzi kuMudhemud­he kana kuti kuDevils Park padyo nedhamu. Vanhu vakaona bhokisi rekuvigira mwana vakatya kurivhura sezvo raizunguzi­ka-zunguzika semune chinhu chipenyu uyewo raiyerera ropa richienda pasi.

“Vakandifon­era ndikaendak­o ndikasviko­ona bhokisi iri rakavharwa muchiratid­za kuti mune chinhu chaifema chichisand­udzira bhokisi iri,” vanodaro Sadunhu Gwasira.

Vanoti vakasvikos­hora varume vose vainge vakaungana panzvimbo iyi kuti sei vatya kuvhura

 ?? ?? MAMBO Makoni
MAMBO Makoni
 ?? ?? BHOKISI neropa riri kudhamu uko kwarakawan­ikwa riri, mukati maro muine nyoka yakamonera huku.
BHOKISI neropa riri kudhamu uko kwarakawan­ikwa riri, mukati maro muine nyoka yakamonera huku.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe