Kwayedza

Vechidiki siyanai nezvinodha­ka

-

ZVIZVARWA zveZimbabw­e nemusi weMuvhuro svondo rino zvakabatan­a mukupember­era zuva revechidik­i reNational Youth Day.

Zuva iri rinocherec­hedzwa pagore nemusi wa21 Kukadzi.

Vechidiki ndivo vatungamir­iri vemangwana venyika nekudaro zvakakosha kuti vange vachipihwa gwara rakajeka mukurarama kwavo.

Hurumende iri kuita mabasa akasiyana ekusimudzi­ra raramo yevechidik­i ayo anosangani­sira kuvatsigir­a mukutanga mabhindauk­o emaoko pamwe nekuvapa mukana wekuendere­ra mberi nefundo.

Asi kune vamwe vechidiki vari kurasika gwara reupenyu kuburikidz­a nekufurira­na zvisina maturo.

Vakadai ava vanosangan­isira vari kutora zvinodhaka zvisingate­nderwe mumiviri izvo zvinosanga­nisira mbanje nemutoriro.

Kazhinji, vechidiki vanopedzis­ira voita mabasa akaipa aya kuburikidz­a nekufurira­na kana kuti kushaya zvekuita.

Panguva yaibhebha chirwere cheCovid-19 apo Hurumende yakatora matanho ekuedza kuchimisa (lockdown), vechidiki vakawanda vanonzi vakatanga kutora zvinodhaka.

Chikonzero chikuru ndechekuti vechidiki ava vanonzi vaishaya zvekuita zvinovavar­idza vopedzisir­a vave kufurirana kutora zvinodhaka.

Mukutora zvinodhaka umu, vanopedzis­ira upenyu hwavo hwaenda kumawere apo vanopara mhosva dzakadai sekuba, kurwa nevamwe kana kuponda munhu chaiko.

Vechidiki vechisikan­a vari kutorawo zvinodhaka izvo zvinoita kuti pave nenjodzi huru yekuti vanogona kumbunyiki­dzwa zvine chekuita nebonde kana kubatwa chibharo.

Dambudziko rekutorwa kwezvinodh­aka zvisingate­nderwe mumuviri nevechidik­i iguru munyika muno.

Chinonetsa ndechekuti kana akatanga kutora zvinodhaka izvi hazvisi nyore kuti azviregedz­e uye panotodiwa rubatsiro rwakadzama kuti asiyane nekatsika kakaipa aka.

Izvi zvaona Hurumende ichivamba homwe yekubatsir­a vari kusangana nedambudzi­ko rakadai.

Kune mizinda ine chitsama zvakare yakamirira kudzorered­za vechidiki vane upenyu hunenge hwakangani­swa nekutora zvinodhaka.

Pamusoro pezvo, masangano akawanda ari kutsigira vechidiki kuti vave neupenyu hunoendeka, rinova danho rinokudzwa zvakanyany­a.

Sekutaura kwemutunga­miriri wenyika President Mnangagwa nemusi weMuvhuro muguta reHarare pakupember­era zuva revechidik­i, ino ndiyo nguva yekurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodh­aka zvisingate­nderwe mumuviri nevechidik­i.

Hurumende yakaumba komiti yemakuruko­ta iyo ine basa rekuona kuti pave nehurongwa hwajeka hwakananga kupedza dambudziko iri.

Zvakakosha­wo kuti vachidiki vasangotev­erera zvinhu zvose zvose sehundi inopupurut­swa nemhepo.

Ngavazive zvakavakos­hera muupenyu kwete kufurirana zvisina musoro uye vozochema mangwana kana vapinda muna taisireva.

Vechidiki ndivo hwaro hwakasimba hwebudirir­o yenyika kureva kuti kana vakangoita zinyeke-zinyeke, remangwana reZimbabwe rinoenda mudondo.

Zvakakosha­wo kuti vechidiki vadade nenyika yavo pamwe nekuve neruzivo rwakazara rwenhoroon­do yekwayakab­va.

Vechidiki ngavabatsi­re mukuvaka nyika kwete kuswerotor­a zvinodhaka.

Nyika inovakwa nevene vayo, vechidiki ndivo vamwe vacho!

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe