Kwayedza

Akazviteng­era ‘tombstone’

- Stanford Chiwanga

MURUME wekuBulawa­yo, uyo anorwara negomarara, anonzi akashamisa imwe kambani inogadzira matombo ekuisa pamakuva apo akaudza vashandi vepo kuti vamugadzir­ire dombo rekuzoisa paguva pake kana azofa sezvo achifungir­a kuti vemhuri yake vanozotadz­a kuisa raanoda.

Murume uyu anonzi akaudza Jeffrey Nyevhe anova director weimwe kambani inogadzira matombo epamakuva kunzvimbo yemaindasi­tiri yeThorngro­ve kuti ndimuzvina­bhizimisi akabudirir­a chaizvo uye akaenda kwaiiswa matombo pamakuva akaona zvakawanda. Murume uyu (zita rake tinaro) anoti akabatwa gomarara uye haasisina nguva yakareba yekurarama.

Izvi zvakabuda apo Kwayedza yakabvunza Nyevhe kuti kune vanhu vanouya kwaari vachitenga matombo epamakuva zvisinganz­wisisike here?

“Tinogadzir­a matombo epamakuva maererano nezvinenge zvichida vanhu. Chimiro chaunoda nemanyorer­wo aunenge uchida kuti riitwe, tinoita. Mutengi ndimambo.

“Muna 2017 mumwe muzvinabhi­zimisi akauya kumahofisi kwedu akati anoda kuti timugadzir­ire dombo repaguva rake. Takafunga kuti raiva rehama yake asi akatishami­sa paakati nderake.

“Anoti haasisina nguva refu achirarama sezvo akabatwa gomarara uye anofunga kuti vemhuri yake vanozotadz­a kumutenger­a dombo raanoda. Akabhadhar­a mari yake yose tikamugadz­irira dombo rake.

“Tapedza kurigadzir­a, akauya akaritora. Akatiudza kuti kana nguva yasvika hama yake ichatifone­ra voenda nesu kwaanenge avigwa kuti tinovakira dombo racho,” anodaro Nyevhe.

Anoti mugore ra2020, kambani yavo yakaita mumwe munhu zvakare akauya kwavari nechikumbi­ro chekuti vachinje dombo raive raiswa paguva raamai vake.

Mumwe murume ari kuSouth Africa, uyo aitambudzi­ka nebhizimis­i rake, anonzi akabhadhar­a kambani iyi kuti ichinje dombo repaguva raamai vake achiti akanga audzwa nen’anga kuti amai vake vaisafara nerudzi rwedombo iri. Njevhe anoti murume uyu akange aisa dombo dema paguva raamai vake asi n’anga yakamuudza kuti vaida reruvara ruchena.

“Takatobvis­a dombo dema raiva paguva pacho tikaisa jena sezvo murume uyu aiti amai vake vanga vasina kuzorora uye kusafara kwavo kwaikonzer­esa kuderera kwebhizimi­si rake,” anodaro Nyevhe.

 ?? ?? Tombstone
Tombstone

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe