Chitungwiza yoronda zvikwereti
KANZURU yeChitungwiza iri kukurudzira vagari vemuguta iri kuti vabhadhare zvikwereti zvemitero izvo zvava kusvika $700 miriyoni zvainoti zvave kuita kuti mamwe mabasa ebudiriro akundikane kuitwa zvakanaka uye nenguva.
Mutauriri wekanzuru iyi, VaLovemore Meya, vanoti kusabhadharwa kwemari dzemitero kuri kudzorera mabasa avo kumashure zvakanyanya.
“Zvikwereti zviri muvanhu pari zvino zvava pa$700 miriyoni inova mari yakawanda zvikuru. Kunotori nevamwe vagari vava kutodarika mwedzi mitatu vasingabhadhare mitero. Saka tine chirongwa chatiri kuita apo munhu wose ane chikwereti chava kudarika mwedzi mitatu anofanira kuendeswa kunopedzera chikwereti chake kune vanoronda zvikwereti veFinancial Clearance Bureau,” vanodaro.
VaMeya vanoti kanzuru yavo iri mushishi kugadzirudza migwagwa iyo mimwe yacho yave nemakomba-makomba zvichitevera kunaya kwemvura yakawanda.
“Kuchizoti panhau yesuweji, tinoti idambudziko zvechokwadi nekuti kune zviri kuitika kunzvimbo dzinosanganisira kuUnit M. Mukati menguva diki inotevera, tichange tava kugadzirisa dambudziko resuweji muChitungwiza nekuti tine rubatsiro rwemari rwatiri kuwaniswa nebhanga reAfrican Development Bank,” vanodaro.
Zvisinei, vamwe vagari vemuChitungwiza vanoti havakwanise kubhadhara zvikwereti zvemitero izvi pari zvino sezvo zvinhu zvakavaomera.
“Ko iyo kanzuru yava kutaura zvekuti tibhadhare mitero iko zvino nei isu takamomoterwa nezvikwereti zvemari dzechikoro? Hakuna munhu angamhanya kubhadhara mitero asati abvisa mari yechikoro, kudai vanga vatipawo nguva yakadai semwedzi mitatu taizobhadharawo munaKurume,” anodaro Bessy Tanhamira.
VaWonder Chamunorwa vanoti kanzuru yeChitungwiza inofanirwa kutanga yaita hurukuro nevagari isati yatora matanho panyaya yezvikwereti iyi.
VaCleopas Unganai Chizhande vanotiwo vanokwanisa kubhadhara zvimwe zvakadai semutero wemba, kutakurwa kwemarara asi chikwereti chemvura ndicho chiri kuvadzimba mwoyo sezvo vasingawani mvura yemupombi nguva nenguva.
“Ini hangu nyaya yemutero wemvura inondirwadza, kunzi bhadhara mvura ine makore matatu isingabude kunenge kwatova kubirwa kuri pachena.
“Zvakangokosha kuti vagari vabhadhariswe zvinhu zvavari kuwaniswa nekanzuru,” vanodaro. Director wesangano reChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti kanzuru yavo inofanira kutanga yataura nevanhu voronga nzira kwadzo dzekuti vabhadhare zvikwereti zvavo uye kana vachinge vazokundikana kuzadzikisa zvavanenge vawirirana vozoenda kune vanoona nezvekuronda zvikwereti.