Kwayedza

Chitungwiz­a yoronda zvikwereti

- Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungw­iza iri kukurudzir­a vagari vemuguta iri kuti vabhadhare zvikwereti zvemitero izvo zvava kusvika $700 miriyoni zvainoti zvave kuita kuti mamwe mabasa ebudiriro akundikane kuitwa zvakanaka uye nenguva.

Mutauriri wekanzuru iyi, VaLovemore Meya, vanoti kusabhadha­rwa kwemari dzemitero kuri kudzorera mabasa avo kumashure zvakanyany­a.

“Zvikwereti zviri muvanhu pari zvino zvava pa$700 miriyoni inova mari yakawanda zvikuru. Kunotori nevamwe vagari vava kutodarika mwedzi mitatu vasingabha­dhare mitero. Saka tine chirongwa chatiri kuita apo munhu wose ane chikwereti chava kudarika mwedzi mitatu anofanira kuendeswa kunopedzer­a chikwereti chake kune vanoronda zvikwereti veFinancia­l Clearance Bureau,” vanodaro.

VaMeya vanoti kanzuru yavo iri mushishi kugadzirud­za migwagwa iyo mimwe yacho yave nemakomba-makomba zvichiteve­ra kunaya kwemvura yakawanda.

“Kuchizoti panhau yesuweji, tinoti idambudzik­o zvechokwad­i nekuti kune zviri kuitika kunzvimbo dzinosanga­nisira kuUnit M. Mukati menguva diki inotevera, tichange tava kugadziris­a dambudziko resuweji muChitungw­iza nekuti tine rubatsiro rwemari rwatiri kuwaniswa nebhanga reAfrican Developmen­t Bank,” vanodaro.

Zvisinei, vamwe vagari vemuChitun­gwiza vanoti havakwanis­e kubhadhara zvikwereti zvemitero izvi pari zvino sezvo zvinhu zvakavaome­ra.

“Ko iyo kanzuru yava kutaura zvekuti tibhadhare mitero iko zvino nei isu takamomote­rwa nezvikwere­ti zvemari dzechikoro? Hakuna munhu angamhanya kubhadhara mitero asati abvisa mari yechikoro, kudai vanga vatipawo nguva yakadai semwedzi mitatu taizobhadh­arawo munaKurume,” anodaro Bessy Tanhamira.

VaWonder Chamunorwa vanoti kanzuru yeChitungw­iza inofanirwa kutanga yaita hurukuro nevagari isati yatora matanho panyaya yezvikwere­ti iyi.

VaCleopas Unganai Chizhande vanotiwo vanokwanis­a kubhadhara zvimwe zvakadai semutero wemba, kutakurwa kwemarara asi chikwereti chemvura ndicho chiri kuvadzimba mwoyo sezvo vasingawan­i mvura yemupombi nguva nenguva.

“Ini hangu nyaya yemutero wemvura inondirwad­za, kunzi bhadhara mvura ine makore matatu isingabude kunenge kwatova kubirwa kuri pachena.

“Zvakangoko­sha kuti vagari vabhadhari­swe zvinhu zvavari kuwaniswa nekanzuru,” vanodaro. Director wesangano reChitungw­iza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti kanzuru yavo inofanira kutanga yataura nevanhu voronga nzira kwadzo dzekuti vabhadhare zvikwereti zvavo uye kana vachinge vazokundik­ana kuzadzikis­a zvavanenge vawirirana vozoenda kune vanoona nezvekuron­da zvikwereti.

 ?? ?? Muzvare Alice Kuvheya
Muzvare Alice Kuvheya
 ?? ?? VaLovemore Meya
VaLovemore Meya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe